Mapisarema 61:1-8
-
Mwari, ishongwe yakasimba pavavengi
-
“Ndichava muenzi mutende renyu” (4)
-
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaDhavhidhi.
61 Haiwa Mwari, inzwai kuchemera kwangu kubatsirwa.
Teererai munyengetero wangu.+
2 Ndichachema kwamuri ndiri kumigumo yenyika
Pandinenge ndakaora mwoyo.+
Nditungamirirei mundikwidze padombo rakakwirira kundipfuura.+
3 Nekuti muri nzvimbo yangu yekupotera,Shongwe yakasimba inondidzivirira pamuvengi.+
4 Ndichava muenzi mutende renyu nekusingaperi;+Ndichapotera pasi pemapapiro enyu.+ (Sera)
5 Nekuti imi, haiwa Mwari, makanzwa mhiko dzangu.
Makandipa nhaka yevaya vanotya zita renyu.+
6 Muchawedzera mamwe mazuva paupenyu hwamambo,*+Uye makore ake achabva muchizvarwa kusvika muchizvarwa.
7 Achagara pachigaro cheumambo nekusingaperi* pamberi paMwari;+Itai kuti rudo rusingachinji uye kutendeka zvive paari, kuti zvimuchengetedze.+
8 Ndichabva ndaimba ndichirumbidza zita renyu nekusingaperi,+Ndichiripa mhiko dzangu zuva nezuva.+