Mapisarema 91:1-16
91 Wese anogara munzvimbo yakavanda yeWekumusorosoro+Achagara pasi pemumvuri weWemasimbaose.+
2 Ndichati kuna Jehovha: “Ndimi nzvimbo yangu yekupotera nenhare yangu,+Mwari wangu wandinovimba naye.”+
3 Nekuti achakununura pachiteyeso chemubati weshiri,Padenda rinoparadza.
4 Achakufukidza* nemapapiro ake,Uye uchapotera pasi pemapapiro ake.+
Kutendeka kwake+ kuchava nhoo huru+ uye rusvingo runodzivirira.
5 Hauzotyi zvinhu zvinotyisa usiku,+Kana museve unobhururuka masikati,+
6 Kana denda rinonyangira murima,Kana kuparadza kunouya masikati.
7 Vane chiuru vachawa kurutivi rwakoUye vane zviuru gumi vachawa kuruoko rwako rwerudyi,Asi hapana zvichaitika kwauri.+
8 Uchangoita zvekutarisa nemaziso,Uchiona kurangwa* kwevakaipa.
9 Nekuti wakati: “Jehovha ndiye nzvimbo yangu yekupotera,”Wakaita kuti Wekumusorosoro ave nzvimbo yako yekugara;*+
10 Hapana dambudziko richakuwira,+Uye hapana kana denda richasvika pedyo netende rako.
11 Nekuti acharayira ngirozi dzake+ pamusoro pako,Kuti dzikurinde munzira dzako dzese.+
12 Dzichakutakura mumaoko adzo,+Kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.+
13 Uchatsika shumba yakasimba uye mhungu;Uchatsika-tsika shumba yava nezenze uye nyoka huru.+
14 Mwari akati: “Nekuti anondida,* ndichamununura.+
Ndichamudzivirira nekuti anoziva* zita rangu.+
15 Achandishevedza, uye ndichamupindura.+
Ndichava naye pakutambudzika.+
Ndichamununura ndomukudza.
16 Ndichamugutsa neupenyu hurefu,+Uye ndichaita kuti aone mabasa angu ekuponesa.”*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Achakuvharidzira.”
^ ChiHeb., “kutsiviwa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nhare yako; nzvimbo yako yekupotera.”
^ ChiHeb., “Nekuti azvibatanidza neni.”
^ Kana kuti “anobvuma.”
^ Kana kuti “aone kuponesa kwandinoita.”