Mapisarema 91:1-16

  • Kudzivirirwa munzvimbo yaMwari yakavanda

    • Kununurwa pamubati weshiri (3)

    • Kupotera pasi pemapapiro aMwari (4)

    • Kuchengeteka kunyange zviuru zvichiwa (7)

    • Ngirozi dzinorayirwa kuchengetedza (11)

91  Wese anogara munzvimbo yakavanda yeWekumusorosoro+Achagara pasi pemumvuri weWemasimbaose.+   Ndichati kuna Jehovha: “Ndimi nzvimbo yangu yekupotera nenhare yangu,+Mwari wangu wandinovimba naye.”+   Nekuti achakununura pachiteyeso chemubati weshiri,Padenda rinoparadza.   Achakufukidza* nemapapiro ake,Uye uchapotera pasi pemapapiro ake.+ Kutendeka kwake+ kuchava nhoo huru+ uye rusvingo runodzivirira.   Hauzotyi zvinhu zvinotyisa usiku,+Kana museve unobhururuka masikati,+   Kana denda rinonyangira murima,Kana kuparadza kunouya masikati.   Vane chiuru vachawa kurutivi rwakoUye vane zviuru gumi vachawa kuruoko rwako rwerudyi,Asi hapana zvichaitika kwauri.+   Uchangoita zvekutarisa nemaziso,Uchiona kurangwa* kwevakaipa.   Nekuti wakati: “Jehovha ndiye nzvimbo yangu yekupotera,”Wakaita kuti Wekumusorosoro ave nzvimbo yako yekugara;*+ 10  Hapana dambudziko richakuwira,+Uye hapana kana denda richasvika pedyo netende rako. 11  Nekuti acharayira ngirozi dzake+ pamusoro pako,Kuti dzikurinde munzira dzako dzese.+ 12  Dzichakutakura mumaoko adzo,+Kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.+ 13  Uchatsika shumba yakasimba uye mhungu;Uchatsika-tsika shumba yava nezenze uye nyoka huru.+ 14  Mwari akati: “Nekuti anondida,* ndichamununura.+ Ndichamudzivirira nekuti anoziva* zita rangu.+ 15  Achandishevedza, uye ndichamupindura.+ Ndichava naye pakutambudzika.+ Ndichamununura ndomukudza. 16  Ndichamugutsa neupenyu hurefu,+Uye ndichaita kuti aone mabasa angu ekuponesa.”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Achakuvharidzira.”
ChiHeb., “kutsiviwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nhare yako; nzvimbo yako yekupotera.”
ChiHeb., “Nekuti azvibatanidza neni.”
Kana kuti “anobvuma.”
Kana kuti “aone kuponesa kwandinoita.”