Mapisarema 27:1-14
Rwiyo rwaDhavhidhi.
27 Jehovha ndiye chiedza changu+ neruponeso rwangu.
Ndingatya aniko?+
Jehovha ndiye nhare yeupenyu hwangu.+
Ndingadedereswa naaniko?
2 Vanhu vakaipa pavakandirwisa vachida kundibvambura-bvambura,+Mhandu dzangu nevavengi vangu ndivo vakagumburwa vakawa.
3 Kunyange uto rikadzika musasa kuti rindirwise,Mwoyo wangu hauzotyi.+
Kunyange ndikasangana nehondo,Ndichangoramba ndiine chivimbo.
4 Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha,Ndicho chandichatsvaga,Kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ese eupenyu hwangu,+Kuti ndirambe ndakatarisa kufadza kwaJehovhaUye kuti nditarise temberi yake* ndichionga.*+
5 Nekuti achandivanza munzvimbo yake yekuvanda pazuva redambudziko;+Achandiviga munzvimbo yakavanda yetende rake;+Achandikwidza pamusoro pedombo.+
6 Saka musoro wangu wava pamusoro pevavengi vangu vakandikomba;Ndichapa zvibayiro patende rake ndichishevedzera nemufaro;Ndichaimba ndichirumbidza Jehovha.*
7 Ndinzweiwo Jehovha, pandinochema;+Ndinzwirei nyasha, mundipindure.+
8 Ndichitaura ndichikumiririrai, mwoyo wangu wakati:
“Tsvagai chiso changu.”
Haiwa Jehovha, ndichatsvaga chiso chenyu.+
9 Musandivanzira chiso chenyu.+
Musadzinga mushumiri wenyu makatsamwa.
Ndimi mubatsiri wangu;+Musandirasa kana kundisiya, Mwari weruponeso rwangu.
10 Kunyange kana baba vangu naamai vangu vakandisiya,+Jehovha pachake achanditora.+
11 Ndirayiridzeiwo munzira yenyu Jehovha,+Nditungamirirei mugwara rekururama nekuda kwevavengi vangu.
12 Musandiisa mumaoko emhandu dzangu,+Nekuti zvapupu zvenhema zviri kundipomera,+Uye zviri kundityisidzira zvichida kundirwisa.
13 Ndingadai ndiri kupi kudai ndisina kutendaKuti ndaizoona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu?*+
14 Tarisira kuna Jehovha;+Shinga uye mwoyo wako ngausimbe.+
Tarisira kuna Jehovha.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nzvimbo yake tsvene.”
^ Kana kuti “ndichifungisisa.”
^ Kana kuti “Ndicharidzira Jehovha rwiyo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Chokwadi ndine kutenda kwekuti ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu.”