Mapisarema 27:1-14

  • Jehovha, nhare yeupenyu hwangu

    • Kukoshesa temberi yaMwari (4)

    • Jehovha ane hanya kunyange vabereki vakashaya hanya (10)

    • “Tarisira kuna Jehovha” (14)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 27  Jehovha ndiye chiedza changu+ neruponeso rwangu. Ndingatya aniko?+ Jehovha ndiye nhare yeupenyu hwangu.+ Ndingadedereswa naaniko?   Vanhu vakaipa pavakandirwisa vachida kundibvambura-bvambura,+Mhandu dzangu nevavengi vangu ndivo vakagumburwa vakawa.   Kunyange uto rikadzika musasa kuti rindirwise,Mwoyo wangu hauzotyi.+ Kunyange ndikasangana nehondo,Ndichangoramba ndiine chivimbo.   Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha,Ndicho chandichatsvaga,Kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ese eupenyu hwangu,+Kuti ndirambe ndakatarisa kufadza kwaJehovhaUye kuti nditarise temberi yake* ndichionga.*+   Nekuti achandivanza munzvimbo yake yekuvanda pazuva redambudziko;+Achandiviga munzvimbo yakavanda yetende rake;+Achandikwidza pamusoro pedombo.+   Saka musoro wangu wava pamusoro pevavengi vangu vakandikomba;Ndichapa zvibayiro patende rake ndichishevedzera nemufaro;Ndichaimba ndichirumbidza Jehovha.*   Ndinzweiwo Jehovha, pandinochema;+Ndinzwirei nyasha, mundipindure.+   Ndichitaura ndichikumiririrai, mwoyo wangu wakati: “Tsvagai chiso changu.” Haiwa Jehovha, ndichatsvaga chiso chenyu.+   Musandivanzira chiso chenyu.+ Musadzinga mushumiri wenyu makatsamwa. Ndimi mubatsiri wangu;+Musandirasa kana kundisiya, Mwari weruponeso rwangu. 10  Kunyange kana baba vangu naamai vangu vakandisiya,+Jehovha pachake achanditora.+ 11  Ndirayiridzeiwo munzira yenyu Jehovha,+Nditungamirirei mugwara rekururama nekuda kwevavengi vangu. 12  Musandiisa mumaoko emhandu dzangu,+Nekuti zvapupu zvenhema zviri kundipomera,+Uye zviri kundityisidzira zvichida kundirwisa. 13  Ndingadai ndiri kupi kudai ndisina kutendaKuti ndaizoona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu?*+ 14  Tarisira kuna Jehovha;+Shinga uye mwoyo wako ngausimbe.+ Tarisira kuna Jehovha.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nzvimbo yake tsvene.”
Kana kuti “ndichifungisisa.”
Kana kuti “Ndicharidzira Jehovha rwiyo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Chokwadi ndine kutenda kwekuti ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu.”