Mapisarema 15:1-5
Rwiyo rwaDhavhidhi.
15 Haiwa Jehovha, ndiani angava muenzi mutende renyu?
Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?+
2 Uya ari kufamba asina mhosva,*+Achiita zvakarurama+Uye achitaura chokwadi mumwoyo make.+
3 Haashandisi rurimi rwake kusvibisa zita remumwe,+Haaitire muvakidzani wake zvakaipa,+Uye haarevi* shamwari dzake.+
4 Anoramba munhu wese anoshoreka,+Asi anokudza vaya vanotya Jehovha.
Haadzokeri shure pane zvaanenge avimbisa,* kunyange kana zvisina kumunakira.+
5 Haakweretesi mari yake achida kudzorerwa yabereka,+Uye haagamuchiri chiokomuhomwe kuti apomere munhu asina mhosva.+
Munhu wese anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.*+

