Mapisarema 116:1-19
116 Ndinoda JehovhaNekuti anonzwa* inzwi rangu, pandinochemera kubatsirwa.+
2 Nekuti anorerekera nzeve yake kwandiri,*+Uye ndichadana kwaari chero bedzi ndiri mupenyu.*
3 Tambo dzerufu dzakandikomba;Guva rakandibata.*+
Ndakakurirwa nematambudziko nekusuruvara.+
4 Asi ndakadana zita raJehovha ndichiti:+
“Haiwa Jehovha, ndinunureiwo!”*
5 Jehovha ane tsitsi* uye akarurama;+Mwari wedu ane ngoni.+
6 Jehovha anochengetedza munhu asina ruzivo.+
Ndakanga ndaderedzwa uye akandiponesa.
7 Mweya* wangu ngauzorore zvakare,Nekuti Jehovha akandibata zvakanaka.
8 Makandinunura* parufu,Makanunura ziso rangu pamisodzi, tsoka yangu pakugumburwa.+
9 Ndichafamba pamberi paJehovha munyika yevapenyu.
10 Ndakanga ndiine kutenda, saka ndakataura;+Ndaitambudzika kwazvo.
11 Kana ndiri ini, ndakarohwa nehana ndikati:
“Munhu wese murevi wenhema.”+
12 Ndicharipa Jehovha nechiiNekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira?
13 Ndichatora kapu yeruponeso,*Uye ndichadana zita raJehovha.
14 Ndicharipa mhiko dzangu kuna JehovhaPamberi pevanhu vake vese.+
15 Nyaya inokosha kuna JehovhaRufu rwevanhu vake vakavimbika.+
16 Ndinokukumbiraiwo Jehovha,Nekuti ndiri mushumiri wenyu.
Ndiri mushumiri wenyu, mwanakomana wemurandasikana wenyu.
Makandisunungura pazvisungo zvangu.+
17 Ndichakupai chibayiro chekuonga;+Ndichadana zita raJehovha.
18 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha+Pamberi pevanhu vake vese,+
19 Muzvivanze zveimba yaJehovha,+Pakati pako, haiwa Jerusarema.
Rumbidzai Jah!*+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndinoda nekuti Jehovha anonzwa.”
^ Kana kuti “anokotama kuti andinzwe.”
^ ChiHeb., “mumazuva angu.”
^ ChiHeb., “Matambudziko eSheori akandiwana.”
^ Kana kuti “nunurai mweya wangu.”
^ Kana kuti “nyasha.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Makanunura mweya wangu.”
^ Kana kuti “yeruponeso rukuru.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.