Mapisarema 116:1-19

  • Rwiyo rwekutenda

    • “Ndicharipa Jehovha nechii?” (12)

    • “Ndichatora kapu yeruponeso” (13)

    • “Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha” (14, 18)

    • Rufu rwevanhu vakavimbika inyaya inokosha (15)

116  Ndinoda JehovhaNekuti anonzwa* inzwi rangu, pandinochemera kubatsirwa.+   Nekuti anorerekera nzeve yake kwandiri,*+Uye ndichadana kwaari chero bedzi ndiri mupenyu.*   Tambo dzerufu dzakandikomba;Guva rakandibata.*+ Ndakakurirwa nematambudziko nekusuruvara.+   Asi ndakadana zita raJehovha ndichiti:+ “Haiwa Jehovha, ndinunureiwo!”*   Jehovha ane tsitsi* uye akarurama;+Mwari wedu ane ngoni.+   Jehovha anochengetedza munhu asina ruzivo.+ Ndakanga ndaderedzwa uye akandiponesa.   Mweya* wangu ngauzorore zvakare,Nekuti Jehovha akandibata zvakanaka.   Makandinunura* parufu,Makanunura ziso rangu pamisodzi, tsoka yangu pakugumburwa.+   Ndichafamba pamberi paJehovha munyika yevapenyu. 10  Ndakanga ndiine kutenda, saka ndakataura;+Ndaitambudzika kwazvo. 11  Kana ndiri ini, ndakarohwa nehana ndikati: “Munhu wese murevi wenhema.”+ 12  Ndicharipa Jehovha nechiiNekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira? 13  Ndichatora kapu yeruponeso,*Uye ndichadana zita raJehovha. 14  Ndicharipa mhiko dzangu kuna JehovhaPamberi pevanhu vake vese.+ 15  Nyaya inokosha kuna JehovhaRufu rwevanhu vake vakavimbika.+ 16  Ndinokukumbiraiwo Jehovha,Nekuti ndiri mushumiri wenyu. Ndiri mushumiri wenyu, mwanakomana wemurandasikana wenyu. Makandisunungura pazvisungo zvangu.+ 17  Ndichakupai chibayiro chekuonga;+Ndichadana zita raJehovha. 18  Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha+Pamberi pevanhu vake vese,+ 19  Muzvivanze zveimba yaJehovha,+Pakati pako, haiwa Jerusarema. Rumbidzai Jah!*+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndinoda nekuti Jehovha anonzwa.”
Kana kuti “anokotama kuti andinzwe.”
ChiHeb., “mumazuva angu.”
ChiHeb., “Matambudziko eSheori akandiwana.”
Kana kuti “nunurai mweya wangu.”
Kana kuti “nyasha.”
Kana kuti “Makanunura mweya wangu.”
Kana kuti “yeruponeso rukuru.”
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.