Mapisarema 29:1-11
Rwiyo rwaDhavhidhi.
29 Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi vanakomana vevane simba,Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+
2 Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake.
Kotamirai* Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene.*
3 Inzwi raJehovha rinonzwika pamusoro pemvura;Inzwi raMwari anokudzwa rinotinhira.+
Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji.+
4 Inzwi raJehovha rine simba;+Inzwi raJehovha rakanaka kwazvo.
5 Inzwi raJehovha riri kutyora miti yemisidhari;Jehovha anotyora-tyora misidhari yekuRebhanoni.+
6 Anoita kuti Rebhanoni* isvetuke semhuru,Uye Siriyoni+ iite senzombe diki yemusango.
7 Inzwi raJehovha rinoita kuti pabude marimi emoto;+
8 Inzwi raJehovha rinoita kuti renje ridedere;+Jehovha anoita kuti renje reKadheshi+ ridedere.
9 Inzwi raJehovha rinoita kuti nondo idedere uye iberekeUye rinochenesa masango.+
Uye vese vari mutemberi yake vanoti: “Kubwinya!”
10 Jehovha anogara pachigaro chake cheumambo pamusoro pemvura yemafashamo;*+Jehovha anogara pachigaro chake saMambo nekusingagumi.+
11 Jehovha achapa vanhu vake simba.+
Jehovha achakomborera vanhu vake nerugare.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Namatai.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nekuda kwerunako rweutsvene hwake.”
^ Zvinoratidza sekuti pari kurehwa makomo eRebhanoni.
^ Kana kuti “pegungwa rekudenga.”