Mapisarema 23:1-6
Rwiyo rwaDhavhidhi.
23 Jehovha ndiye Mufudzi wangu.+
Hapana chandichashayiwa.+
2 Anondirarisa mumafuro akasvibirira;Anonditungamirira kunzvimbo dzekuzororera dzine mvura zhinji.+
3 Anondizorodza.*+
Anonditungamirira munzira dzekururama* achiitira zita rake.+
4 Kunyange ndichifamba mumupata werima gobvu,+Hapana chandinotya,+Nekuti imi muneni;+Tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu zvinondipa chivimbo.*
5 Munondigadzirira tafura yezvekudya pamberi pevavengi vangu.+
Munonyevenutsa musoro wangu nemafuta;*+Kapu yangu iri kupfachukira.+
6 Chokwadi kunaka uye rudo rusingachinji zvichanditevera mazuva ese eupenyu hwangu,+Uye ndichagara mumba maJehovha mazuva angu ese.+

