Mapisarema 76:1-12
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
76 Mwari anozivikanwa muJudha;+Zita rake iguru muIsraeri.+
2 Nzvimbo yake yekuzororera iri muSarema,+Uye nzvimbo yake yekugara iri muZiyoni.+
3 Ikoko akatyora miseve yeuta inobvira moto,Nhoo nebakatwa nezvombo zvehondo.+ (Sera)
4 Munopenya zvakajeka;*Muri mukuru kupfuura makomo anogara zvikara.
5 Vane mwoyo yakashinga vatorerwa zvinhu zvavo.+
Vabatwa nehope;Varwi vese hapana zvavaibatsira.+
6 Kutuka kwenyu, haiwa Mwari waJakobho, kwaita kuti
Mutyairi wengoro abatwe nehope pamwe nebhiza rake.+
7 Imi mega ndimi munoshamisa.+
Ndiani angamira kana matsamwa zvikuru?+
8 Makapa mutongo muri kudenga;+Nyika yakatya uye yakanyarara+
9 Pakasimuka Mwari kuti ape mutongo,Kuti aponese vanyoro vese vepanyika.+ (Sera)
10 Nekuti hasha dzemunhu dzichaita kuti murumbidzwe;+Muchazvishongedza nehasha dzavo dzinenge dzasara.
11 Itai mhiko dzenyu kuna Jehovha Mwari wenyu, moita zvamunenge mapika,+Vese vakamupoteredza ngavauye nechipo chavo vachitya.+
12 Achaninipisa vatungamiriri vanozvikudza;Anoita kuti madzimambo epanyika atye.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Makaputirwa nechiedza.”