Mapisarema 76:1-12

  • Kukunda kwaMwari vavengi veZiyoni

    • Mwari anoponesa vanyoro (9)

    • Vavengi vanozvikudza vachaninipiswa (12)

Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo. 76  Mwari anozivikanwa muJudha;+Zita rake iguru muIsraeri.+   Nzvimbo yake yekuzororera iri muSarema,+Uye nzvimbo yake yekugara iri muZiyoni.+   Ikoko akatyora miseve yeuta inobvira moto,Nhoo nebakatwa nezvombo zvehondo.+ (Sera)   Munopenya zvakajeka;*Muri mukuru kupfuura makomo anogara zvikara.   Vane mwoyo yakashinga vatorerwa zvinhu zvavo.+ Vabatwa nehope;Varwi vese hapana zvavaibatsira.+   Kutuka kwenyu, haiwa Mwari waJakobho, kwaita kuti Mutyairi wengoro abatwe nehope pamwe nebhiza rake.+   Imi mega ndimi munoshamisa.+ Ndiani angamira kana matsamwa zvikuru?+   Makapa mutongo muri kudenga;+Nyika yakatya uye yakanyarara+   Pakasimuka Mwari kuti ape mutongo,Kuti aponese vanyoro vese vepanyika.+ (Sera) 10  Nekuti hasha dzemunhu dzichaita kuti murumbidzwe;+Muchazvishongedza nehasha dzavo dzinenge dzasara. 11  Itai mhiko dzenyu kuna Jehovha Mwari wenyu, moita zvamunenge mapika,+Vese vakamupoteredza ngavauye nechipo chavo vachitya.+ 12  Achaninipisa vatungamiriri vanozvikudza;Anoita kuti madzimambo epanyika atye.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Makaputirwa nechiedza.”