Mapisarema 58:1-11

  • Kuna Mwari anotonga nyika

    • Munyengetero wekuti vakaipa varangwe (6-8)

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* 58  Mungataura nezvekururama imi makanyarara here?+ Mungatonga zvakarurama here, imi vanakomana vevanhu?+   Pane kudaro, munoronga zvisina kururama mumwoyo menyu,+Uye maoko enyu anoparadzira mhirizhonga munyika.+   Vakaipa vanorasika* kubvira vachizvarwa;*Vakatsauka, uye varevi venhema kubvira pavanoberekwa.   Uturu hwavo hwakaita sehwenyoka;+Imatsi semhungu inovhara nzeve.   Haizoteereri inzwi revanoita zvemashiripiti,Kunyange vakashandisa mishonga yavo neunyanzvi sei.   Haiwa Mwari, gurai mazino avo mukanwa mavo! Tyorai shaya dzeshumba idzi,* haiwa Jehovha!   Ngavanyangarike semvura inopwa yopera. Iye ngaakunge uta hwake aite kuti vadonhe nemiseve yake.   Ngavaite sehozhwa inonyunguduka ichifamba;Ngavaite semwana akazvarwa akafa, asingazooni zuva.   Hari dzenyu dzekubikira dzisati dzanzwa moto werukato,Achakukura tsotso nyoro zvese nedziri kubvira, sezvinoita dutu.+ 10  Munhu akarurama achafara nekuti aona kutsiviwa kwevakaipa;+Achageza tsoka dzake muropa ravo.+ 11  Vanhu vachabva vati: “Zvechokwadi munhu akarurama anowana mubayiro.+ Zvechokwadi kuna Mwari anotonga panyika.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vane uori.”
ChiHeb., “muchibereko.”
Kana kuti “dzeshumba dzava nezenze.”