Mapisarema 58:1-11
-
Kuna Mwari anotonga nyika
-
Munyengetero wekuti vakaipa varangwe (6-8)
-
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.*
58 Mungataura nezvekururama imi makanyarara here?+
Mungatonga zvakarurama here, imi vanakomana vevanhu?+
2 Pane kudaro, munoronga zvisina kururama mumwoyo menyu,+Uye maoko enyu anoparadzira mhirizhonga munyika.+
3 Vakaipa vanorasika* kubvira vachizvarwa;*Vakatsauka, uye varevi venhema kubvira pavanoberekwa.
4 Uturu hwavo hwakaita sehwenyoka;+Imatsi semhungu inovhara nzeve.
5 Haizoteereri inzwi revanoita zvemashiripiti,Kunyange vakashandisa mishonga yavo neunyanzvi sei.
6 Haiwa Mwari, gurai mazino avo mukanwa mavo!
Tyorai shaya dzeshumba idzi,* haiwa Jehovha!
7 Ngavanyangarike semvura inopwa yopera.
Iye ngaakunge uta hwake aite kuti vadonhe nemiseve yake.
8 Ngavaite sehozhwa inonyunguduka ichifamba;Ngavaite semwana akazvarwa akafa, asingazooni zuva.
9 Hari dzenyu dzekubikira dzisati dzanzwa moto werukato,Achakukura tsotso nyoro zvese nedziri kubvira, sezvinoita dutu.+
10 Munhu akarurama achafara nekuti aona kutsiviwa kwevakaipa;+Achageza tsoka dzake muropa ravo.+
11 Vanhu vachabva vati: “Zvechokwadi munhu akarurama anowana mubayiro.+
Zvechokwadi kuna Mwari anotonga panyika.”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “vane uori.”
^ ChiHeb., “muchibereko.”
^ Kana kuti “dzeshumba dzava nezenze.”