Mapisarema 96:1-13

  • “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva”

    • Jehovha, akanyatsokodzera kurumbidzwa (4)

    • Vanamwari vevanhu havana zvavanobatsira (5)

    • Namatai makapfeka zvishongo zvitsvene (9)

96  Imbirai Jehovha rwiyo rutsva.+ Imbirai Jehovha, imi nyika yese!+  2  Imbirai Jehovha; rumbidzai zita rake. Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka ekuponesa kwake.+  3  Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.+  4  Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa. Anoshamisa kupfuura vamwe vanamwari vese.  5  Vanamwari vese vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira,+Asi Jehovha ndiye akasika denga.+  6  Pamberi pake pane ukuru* nekubwinya;+Simba nerunako zviri munzvimbo yake tsvene.+  7  Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi mhuri dzemarudzi,Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+  8  Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake;+Uyai nechipo mupinde muzvivanze zvake.  9  Kotamirai* Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene;*Dederai pamberi pake, imi nyika yese! 10  Zivisai pakati pemarudzi kuti: “Jehovha ava Mambo!+ Nyika yakanyatsosimbiswa, zvekuti haigoni kubviswa pairi.* Achatonga marudzi zvakarurama.”*+ 11  Denga ngaripembere, uye nyika ngaifare;Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvese zvizere mariri;+ 12  Masango ngaapembere nemufaro nezvese zviri maari.+ Miti yese yemusango ngaishevedzerewo ichifara+ 13  Pamberi paJehovha, nekuti ari kuuya,*Ari kuuya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nekururama+Uye achatonga marudzi nekutendeka kwake.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “kukudzwa.”
^ Kana kuti “Namatai.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nekuda kwerunako rweutsvene hwake.”
^ Kana kuti “kuzununguswa.”
^ Kana kuti “Achamiririra nyaya dzemarudzi zvakarurama.”
^ Kana kuti “auya.”