MUBVUNZO 15

Ungaita Sei Kuti Uwane Mufaro?

“Zviri nani kudya muriwo paine rudo pane kudya nyama yemombe yakakora asi paine ruvengo.”

Zvirevo 15:17

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira, iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.”

Isaya 48:17

“Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari, nekuti Umambo hwekudenga ndehwavo.”

Mateu 5:3

“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”

Mateu 22:39

“Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”

Ruka 6:31

“Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”

Ruka 11:28

“Kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”

Ruka 12:15

“Saka kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.”

1 Timoti 6:8

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”

Mabasa 20:35