Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 11

Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?

“Simba rake reupenyu rinobuda, iye odzokera kuvhu; zuva iroro chairo pfungwa dzake dzinoparara.”

Pisarema 146:4

“Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana kana chavanoziva . . . Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva, kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.”

Muparidzi 9:5, 10

“[Jesu] akawedzera kuti: ‘Razaro shamwari yedu arara, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.’ Jesu akanga achitaura nezverufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aitaura kuti ari kumbozorora zvake akakotsira. Jesu akabva avabudira pachena kuti: ‘Razaro afa.’”

Johani 11:11, 13, 14