Muparidzi 9:1-18

  • Vese vane magumo akafanana (1-3)

  • Nakidzwa neupenyu kunyange uchiziva kuti uchafa (4-12)

    • Vakafa havana chavanoziva (5)

    • MuGuva hamuna basa rinoitwa (10)

    • Zvinhu zvinoitika panguva isingafungirwi uye zvisingatarisirwi (11)

  • Uchenjeri haukosheswi nguva dzese (13-18)

9  Saka ndakafungisisa zvese izvi ndikaona kuti vakarurama nevakachenjera, pamwe chete nemabasa avo, vari muruoko rwaMwari wechokwadi.+ Vanhu havazivi rudo neruvengo zvaivapo ivo vasati vavapo.  Vese vane magumo akangofanana,+ munhu akarurama nemunhu akaipa,+ munhu akanaka neakachena neasina kuchena, vaya vanopa zvibayiro nevaya vasingapi zvibayiro. Munhu akanaka akangofanana nemutadzi; munhu anopika akangofanana nemunhu anongwarira asati aita mhiko.  Izvi ndizvo zvinhu zvinorwadza zvinoitika pasi pezuva: Nekuti vese vane magumo akafanana,+ mwoyo yevanhu yakazarawo nezvakaipa; uye mumwoyo yavo mune upengo pavanenge vari vapenyu, uye vanobva vafa!*  Munhu wese ari pakati pevapenyu ane tariro, nekuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.+  Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa,+ asi vakafa havana kana chavanoziva,+ uye havasisina kana mubayiro,* nekuti zvese zvaizivikanwa nezvavo hazvichayeukwi.+  Uyewo, rudo rwavo nekuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, uye havasisina kana mugove pazvese zvinoitwa pasi pezuva.+  Enda, udye zvekudya zvako uchifara, unwe waini yako nemwoyo unofara,+ nekuti Mwari wechokwadi akatofarira mabasa ako.+  Zvipfeko zvako ngazvive zvichena,* uye usarega kuzora mafuta mumusoro.+  Nakidzwa neupenyu uine mudzimai wako wepamwoyo+ mazuva ese eupenyu hwako husina zvahunobatsira, awakapiwa naMwari pasi pezuva, mazuva ese ekusabatsira kwako, nekuti ndiwo mugove wako muupenyu uye pabasa rako rakaoma raunofondoka uchiita pasi pezuva.+ 10  Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri. 11  Ndine zvimwewo zvandakaona pasi pezuva, kuti vanomhanya chaizvo havasi ivo vanowanzokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo,+ vakachenjera havasi ivo vanowanzova nezvekudya, vakangwara havasi ivo vanowanzova nepfuma,+ uye vaya vane ruzivo havasi ivo vanowanzobudirira,+ nekuti vese vanosangana nezvinhu zvavasingatarisiri* panguva yavasingafungiri. 12  Nekuti munhu haazivi nguva yake.+ Sekubatwa kunoitwa hove mumambure akaipa uye sekubatwa kunoitwa shiri nechiteyeso, vanakomana vevanhu vanobatwa panoitika njodzi,* painovawira vasingafungiri. 13  Nezveuchenjeri, ndakaonawo izvi pasi pezuva, uye zvakandishamisa: 14  Paiva neguta diki raiva nevarume vashoma; uye mumwe mambo aiva nesimba akauya kuzorirwisa uye akarikomba ndokuvaka masvingo makuru ekuti arirwise. 15  Mariri maiva nemurume murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta racho neuchenjeri hwake. Asi hapana akayeuka murume iyeye murombo.+ 16  Uye ndakangoti: ‘Uchenjeri huri nani pane kuva nesimba;+ asi uchenjeri hwemurombo hunoshorwa, uye mashoko ake haateererwi.’+ 17  Zviri nani kuteerera mashoko emunhu akachenjera anotaurwa zvinyoronyoro pane mashoko ekushevedzera emunhu anotonga mapenzi. 18  Uchenjeri huri nani kupfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe chete anogona kuparadza zvinhu zvizhinji zvakanaka.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “zvadaro, kuvakafa!”
Kana kuti “mubhadharo.”
Kureva, zvipfeko zvakajeka zvinoratidza kufara, kwete zvipfeko zvekuchema.
Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “zvisingagari zvaonekwa.”
Kana kuti “dambudziko.”