Muparidzi 12:1-14
12 Saka yeuka Musiki wako Anokudzwa mumazuva eudiki hwako,+ mazuva ekutambudzika asati asvika,+ uye makore asati asvika pauchazoti: “Handinakidzwi neupenyu”;
2 zuva nechiedza nemwedzi nenyeredzi zvisati zvasviba,+ uye makore asati adzokera pashure pekunaya kwemvura;*
3 pazuva rinodedera varindi* veimba, varume vane simba vakotama, vakadzi varega kukuya nekuti vava vashoma, uye vakadzi vanotarisa nepamahwindo vava kuona rima;+
4 masuo akatarisa kumugwagwa paanenge avharwa, kurira kweguyo kwava kunzwikira pasi pasi, munhu omutswa nekurira kweshiri, uye vanasikana vese verwiyo vava kunzwikira pasi pasi.+
5 Munhu anenge ava kutyawo kuenda pakakwirira, mumugwagwa mava nezvinovhundutsa. Uye muarumondi watumbuka,+ hwiza yava kuzvizvuzvurudza, muchero unoita kuti munhu ade kudya usisabatsiri, nekuti munhu ari kufamba achienda kuimba yake inogara kwenguva refu+ uye vari pamariro vava kufamba-famba mumugwagwa;+
6 tambo yesirivha isati yabviswa, ndiro yegoridhe isati yaputswa, uye chirongo chiri pachitubu chisati chapwanyika, uye chinoshandiswa kuchera mvura patsime chisati chaparadzwa.
7 Guruva robva radzokera panyika,+ sezvarakanga rakaita, uye simba reupenyu rodzokera kuna Mwari wechokwadi akaripa.+
8 “Hazvina zvazvinobatsira zvachose!” anodaro muunganidzi.+ “Zvinhu zvese hazvina zvazvinobatsira.”+
9 Kuwedzera pakuva akachenjera, muunganidzi akaramba achidzidzisa vanhu zvaaiziva,+ uye akafungisisa, akatsvagisisa, kuti aunganidze* zvirevo zvizhinji.+
10 Muunganidzi akatsvaga kuti awane mashoko anofadza+ uye kuti anyore mashoko akarurama echokwadi.
11 Mashoko evakachenjera akaita sezvibayiso zvemombe,+ uye mashoko avo avakaunganidza akaita sezvipikiri zvakaroverwa; akapiwa achibva kumufudzi mumwe chete.
12 Kana zviri zvimwe kunze kweizvi, mwanakomana wangu, rega ndikuyambire: Kugadzira mabhuku mazhinji hakuperi, uye kunyanya kuzvipira kwaari kunonetesa nyama.+
13 Iyi ndiyo mhedziso yenyaya yacho pashure pekunge zvese zvanzwikwa: Itya Mwari wechokwadi+ uchengete mirayiro yake,+ nekuti ichi ndicho chinhu chikuru chinofanira kuitwa nemunhu.+
14 Nekuti Mwari wechokwadi achatonga mabasa ese, kusanganisira zvese zvakavanzwa, kuti aone kana zvakanaka kana kuti zvakaipa.+

