Mapisarema 143:1-12
Rwiyo rwaDhavhidhi.
143 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+Teererai kuteterera kwangu kuti ndibatsirwe.
Ndipindurei mukutendeka kwenyu uye mukururama kwenyu.
2 Musatonga mushumiri wenyu,Nekuti hapana munhu mupenyu anogona kuva akarurama pamberi penyu.+
3 Nekuti muvengi ari kundidzingirira;*Andipwanyira pasi.
Akaita kuti ndigare murima sevaya vakafa kare kare.
4 Simba rangu riri kupera;+Mwoyo wangu wakarukutika mukati mangu.+
5 Ndinoyeuka mazuva ekare;Ndinofungisisa mabasa enyu ese;+Ndinonyatsofungisisa* mabasa emaoko enyu.
6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;Ndine* nyota yekuva nemi senyika yakaoma iri kuda mvura.+ (Sera)
7 Kurumidzai kundipindura, haiwa Jehovha;+Simba rangu rapera.+
Musandivanzira chiso chenyu,+Nekuti ndinozofanana nevaya vari kudzika kugomba.*+
8 Itai kuti mangwanani ndinzwe rudo rwenyu rusingachinji,Nekuti ndinovimba nemi.
Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo,+Nekuti ndinotendeukira kwamuri.
9 Ndinunureiwo pavavengi vangu, Jehovha.
Ndiri kutsvaga kudzivirirwa nemi.+
10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,+Nekuti ndimi Mwari wangu.
Mweya wenyu wakanaka;Ngaunditungamirire panzvimbo yakati sandara.*
11 Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu, Jehovha, nekuda kwezita renyu.
Mukururama kwenyu, ndinunurei* pakutambudzika.+
12 Nerudo rwenyu rusingachinji, nyararidzai vavengi vangu;+Paradzai vese vari kundishungurudza,*+Nekuti ndiri mushumiri wenyu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kudzingirira mweya wangu.”
^ Kana kuti “Ndinonyatsodzidza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu une.”
^ Kana kuti “kuguva.”
^ Kana kuti “munyika yekururama.”
^ Kana kuti “nunurai mweya wangu.”
^ Kana kuti “kushungurudza mweya wangu.”