Mapisarema 143:1-12

  • Nyota yekuva naMwari senyika yakaoma

    • “Ndinofungisisa mabasa enyu” (5)

    • “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu” (10)

    • ‘Mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire’ (10)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 143  Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+Teererai kuteterera kwangu kuti ndibatsirwe. Ndipindurei mukutendeka kwenyu uye mukururama kwenyu.   Musatonga mushumiri wenyu,Nekuti hapana munhu mupenyu anogona kuva akarurama pamberi penyu.+   Nekuti muvengi ari kundidzingirira;*Andipwanyira pasi. Akaita kuti ndigare murima sevaya vakafa kare kare.   Simba rangu riri kupera;+Mwoyo wangu wakarukutika mukati mangu.+   Ndinoyeuka mazuva ekare;Ndinofungisisa mabasa enyu ese;+Ndinonyatsofungisisa* mabasa emaoko enyu.   Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;Ndine* nyota yekuva nemi senyika yakaoma iri kuda mvura.+ (Sera)   Kurumidzai kundipindura, haiwa Jehovha;+Simba rangu rapera.+ Musandivanzira chiso chenyu,+Nekuti ndinozofanana nevaya vari kudzika kugomba.*+   Itai kuti mangwanani ndinzwe rudo rwenyu rusingachinji,Nekuti ndinovimba nemi. Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo,+Nekuti ndinotendeukira kwamuri.   Ndinunureiwo pavavengi vangu, Jehovha. Ndiri kutsvaga kudzivirirwa nemi.+ 10  Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,+Nekuti ndimi Mwari wangu. Mweya wenyu wakanaka;Ngaunditungamirire panzvimbo yakati sandara.* 11  Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu, Jehovha, nekuda kwezita renyu. Mukururama kwenyu, ndinunurei* pakutambudzika.+ 12  Nerudo rwenyu rusingachinji, nyararidzai vavengi vangu;+Paradzai vese vari kundishungurudza,*+Nekuti ndiri mushumiri wenyu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kudzingirira mweya wangu.”
Kana kuti “Ndinonyatsodzidza.”
Kana kuti “Mweya wangu une.”
Kana kuti “kuguva.”
Kana kuti “munyika yekururama.”
Kana kuti “nunurai mweya wangu.”
Kana kuti “kushungurudza mweya wangu.”