Mapisarema 2:1-12
2 Marudzi ari kuitireiko zhowezhoweUye vanhu vari kufungireiko* zvisina musoro?+
2 Madzimambo epanyika anomira ogadziriraUye makurukota anoungana pamwe chete*+Kuti arwe naJehovha uye kuti arwe nemuzodziwa wake.*+
3 Vanoti: “Ngatidamburei cheni dzavo,Tirase tambo dzavo!”
4 Iye agere pachigaro chekumatenga achaseka;Jehovha achavanyomba.
5 Panguva iyoyo achataura navo akatsamwa,Achavavhundutsa akashatirwa kwazvo,
6 Achiti: “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu+PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.”
7 Regai ndizivise murau waJehovha;Akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+Nhasi ndava baba vako.+
8 Ndikumbire, uye ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yakoUye migumo yenyika kuti ive yako.+
9 Uchaaputsa netsvimbo yeumambo yesimbi,+Uye uchaapwanya semudziyo wakaumbwa.”+
10 Saka imi madzimambo, ivai nenjere;Bvumai kururamiswa,* imi vatongi venyika.
11 Shumirai Jehovha muchimutya,Uye farai muchidedera.
12 Kudzai* mwanakomana,+ nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwaUye muchaparara munzira,+Nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza.
Vanofara vese vanopotera kwaari.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kugunun’unireiko.”
^ Kana kuti “anorangana.”
^ Kana kuti “naKristu wake.”
^ Kana kuti “Teererai yambiro.”
^ ChiHeb., “Tsvodai.”