Mapisarema 2:1-12

  • Jehovha nemuzodziwa wake

    • Jehovha anoseka marudzi (4)

    • Jehovha anogadza mambo wake (6)

    • Kudzai mwanakomana (12)

2  Marudzi ari kuitireiko zhowezhoweUye vanhu vari kufungireiko* zvisina musoro?+   Madzimambo epanyika anomira ogadziriraUye makurukota anoungana pamwe chete*+Kuti arwe naJehovha uye kuti arwe nemuzodziwa wake.*+   Vanoti: “Ngatidamburei cheni dzavo,Tirase tambo dzavo!”   Iye agere pachigaro chekumatenga achaseka;Jehovha achavanyomba.   Panguva iyoyo achataura navo akatsamwa,Achavavhundutsa akashatirwa kwazvo,   Achiti: “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu+PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.”   Regai ndizivise murau waJehovha;Akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+Nhasi ndava baba vako.+   Ndikumbire, uye ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yakoUye migumo yenyika kuti ive yako.+   Uchaaputsa netsvimbo yeumambo yesimbi,+Uye uchaapwanya semudziyo wakaumbwa.”+ 10  Saka imi madzimambo, ivai nenjere;Bvumai kururamiswa,* imi vatongi venyika. 11  Shumirai Jehovha muchimutya,Uye farai muchidedera. 12  Kudzai* mwanakomana,+ nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwaUye muchaparara munzira,+Nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza. Vanofara vese vanopotera kwaari.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kugunun’unireiko.”
Kana kuti “anorangana.”
Kana kuti “naKristu wake.”
Kana kuti “Teererai yambiro.”
ChiHeb., “Tsvodai.”