Mapisarema 103:1-22

  • “Regai ndirumbidze Jehovha”

    • Mwari anoisa zvivi zvedu kure kure (12)

    • Mwari anonzwira tsitsi sezvinoita baba (13)

    • Mwari anoyeuka kuti tiri guruva (14)

    • Chigaro chaJehovha cheumambo neumambo hwake (19)

    • Ngirozi dzinoita zvinotaurwa naMwari (20)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 103  Regai ndirumbidze* Jehovha;Zvese zviri mandiri ngazvirumbidze zita rake dzvene.   Regai ndirumbidze* Jehovha;Ngandirege kukanganwa zvese zvaakaita.+   Anoregerera zvitadzo zvako zvese+Uye anoporesa zvirwere zvako zvese;+   Anobudisa upenyu hwako mugomba*+Uye anokupfekedza korona yerudo rwake rusingachinji netsitsi dzake.+   Anokugutsa nezvinhu zvakanaka+ kweupenyu hwako hwese,Zvekuti udiki hwako hunomutsidzirwa sehwegondo.+   Jehovha anoita zvakarurama+Uye anotonga zvakarurama vese vakadzvinyirirwa.+   Akazivisa Mozisi nzira dzake,+Uye akazivisa vanakomana vaIsraeri mabasa ake.+   Jehovha ane ngoni netsitsi,*+Anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji.*+   Haazorambi achingotiwanira mhosva,+Uyewo haazorambi akatsamwa nekusingaperi.+ 10  Haana kutiitira zvinoenderana nezvivi zvedu,+Uye haana kutitsiva zvinoenderana nezvitadzo zvedu.+ 11  Nekuti kukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,Ndiko kukura kwakaita rudo rwake rusingachinji rwaanoratidza vaya vanomutya.+ 12  Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira,Saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.+ 13  Sababa vanonzwira tsitsi vanakomana vavo,Jehovha akanzwira tsitsi vaya vanomutya.+ 14  Nekuti anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa,+Achiyeuka kuti tiri guruva.+ 15  Kana ari munhu, mazuva ake akaita seeuswa;+Anotumbuka seruva remusango.+ 16  Asi kana mhepo ikangovhuvhuta, rinenge risisipo,Sekunge risina kumbobvira ravapo.* 17  Asi rudo rwaJehovha rusingachinji ruriko nariini nariiniKune vaya vanomutya,+Uye kururama kwake anokuratidza vana vevana vavo,+ 18  Vaya vanochengeta sungano yake+Uye vaya vanongwarira kuchengeta mirayiro yake. 19  Jehovha akanyatsosimbisa chigaro chake cheumambo kumatenga;+Uye umambo hwake hunotonga zvinhu zvese.+ 20  Rumbidzai Jehovha, imi ngirozi dzake dzese,+ dzine simba guru,Munoita zvaanotaura,+ muchiteerera inzwi rake.* 21  Rumbidzai Jehovha, imi mese mauto ake,+Vashumiri vake vanoita kuda kwake.+ 22  Rumbidzai Jehovha, imi mese mabasa ake,Munzvimbo dzese dzaanotonga. Regai ndirumbidze* Jehovha.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
Kana kuti “muguva.”
Kana kuti “nenyasha.”
Kana kuti “azere nemutsa.”
ChiHeb., “Uye nzvimbo yaro haizorizivi.”
ChiHeb., “muchiteerera inzwi reshoko rake.”
Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”