Mapisarema 34:1-22

  • Jehovha anonunura vashumiri vake

    • “Ngatikudzei zita rake pamwe chete” (3)

    • Ngirozi yaJehovha inodzivirira (7)

    • “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka” (8)

    • ‘Hapana kana pfupa rake rimwe chete rakatyorwa’ (20)

Rwiyo rwaDhavhidhi, paakanyepedzera kupenga+ ari pamberi paAbhimereki, uyo akamudzinga, akaenda. א [Aleph] 34  Ndicharumbidza Jehovha nguva dzese;Kurumbidzwa kwake kuchagara kuri pamiromo yangu. ב [Beth]   Ndichazvirumbidza* muna Jehovha;+Vanyoro vachazvinzwa, vofara. ג [Gimel]   Kudzai Jehovha pamwe chete neni;+Ngatikudzei zita rake pamwe chete. ד [Daleth]   Ndakanyengetera kuna Jehovha, uye akandipindura.+ Akandinunura pazvinhu zvese zvandaitya.+ ה [He]   Vaya vakatarisa kwaari vakafara;Zviso zvavo zvaisagona kunyadziswa. ז [Zayin]   Akaderera uyu akashevedza, uye Jehovha akazvinzwa. Akamununura mukutambudzika kwake kwese.+ ח [Heth]   Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomberedza vese vanomutya,+Uye inovanunura.+ ט [Teth]   Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;+Anofara murume anopotera kwaari. י [Yod]   Ityai Jehovha, imi mese vatsvene vake,Nekuti vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.+ כ [Kaph] 10  Kunyange shumba dzine simba* dzakasvika pakuva nenzara,Asi vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.+ ל [Lamed] 11  Uyai, vanakomana vangu, munditeerere;Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.+ מ [Mem] 12  Ndiani pakati penyu anofarira upenyuUye anoda kuona mazuva akanaka akawanda?+ נ [Nun] 13  Chidzora rurimi rwako kuti rusataura zvakaipa,+Nemuromo wako kuti usataura zvekunyengera.+ ס [Samekh] 14  Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka;+Tsvaga rugare, urutevere.+ ע [Ayin] 15  Maziso aJehovha ari pane vakarurama,+Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo vachida kubatsirwa.+ פ [Pe] 16  Asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvakaipa,Achiita kuti vasazoyeukwa panyika zvachose.+ צ [Tsade] 17  Vakachema, uye Jehovha akanzwa;+Akavanunura pakutambudzika kwavo kwese.+ ק [Qoph] 18  Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo;+Anoponesa vaya vakasuruvara.+ ר [Resh] 19  Matambudziko emunhu akarurama mazhinji,+Asi Jehovha anomununura maari ese.+ ש [Shin] 20  Anochengetedza mapfupa ake ese;Hapana kana rimwe chete rawo rakatyorwa.+ ת [Taw] 21  Dambudziko richauraya vakaipa;Vaya vanovenga vakarurama vachabatwa nemhosva. 22  Jehovha anodzikinura upenyu hwevashumiri* vake;Pane vaya vanopotera kwaari hapana kana mumwe chete achabatwa nemhosva.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu uchazvirumbidza.”
Kana kuti “shumba dzava nezenze.”
Kana kuti “mweya wevashumiri.”