Mapisarema 99:1-9

  • Jehovha, Mambo mutsvene

    • Anogara pachigaro cheumambo pamusoro pemakerubhi (1)

    • Mwari anoregerera uye anoranga (8)

99  Jehovha ava Mambo.+ Marudzi ngaadedere. Anogara pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi.+ Nyika ngaizununguke.   Jehovha mukuru muZiyoni,Uye ari kumusoro kwemarudzi ese.+   Iwo ngaarumbidze zita renyu guru,+Nekuti rinoshamisa uye idzvene.   Ndimambo ane simba anoda kutonga zvakarurama.+ Makasimbisa zvinhu zvakarurama. Makaita kuti kutonga zvakarurama uye kururama+ kuve pakati paJakobho.   Kudzai Jehovha Mwari wedu,+ mumukotamire* muri pachitsiko chetsoka dzake;+Iye mutsvene.+   Mozisi naAroni ndivo vaiva vamwe vevapristi vake,+Uye Samueri aiva mumwe wevaya vaidana zita rake.+ Vaidana kuna Jehovha,Uye aivapindura.+   Aitaura navo ari mushongwe yegore.+ Vakachengeta zviyeuchidzo zvake nemurau waakavapa.+   Haiwa Jehovha Mwari wedu, maivapindura.+ Maiva Mwari aivaregerera,+Asi maivarangira* zvitadzo zvavo.+   Kudzai Jehovha Mwari wedu+Uye mukotamirei* muri pamberi pegomo rake dzvene,+Nekuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
Kana kuti “mumunamate.”
ChiHeb., “maivatsiva.”
Kana kuti “munamatei.”