Mapisarema 55:1-23
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
55 Teereraiwo munyengetero wangu Mwari,+Uye musarega kunzwa chikumbiro changu chekunzwirwa tsitsi.*+
2 Nditeererei mundipindure.+
Kunetseka kwangu kuri kundishayisa zororo,+Uye ndiri kushungurudzika
3 Nemhaka yezviri kutaurwa nemuvengiUye kundiomesera kuri kuita vakaipa.
Nekuti vanoramba vachitutira matambudziko pandiri,Uye vanoramba vachindivenga vakatsamwa.+
4 Mwoyo wangu uri kushungurudzika,+Uye kutyisa kwerufu kuri kundipedza simba.+
5 Kutya nekudedera zviri pandiri,Uye kubvunda kwakandibata.
6 Ndinongoti: “Dai ndaiva nemapapiro senjiva!
Ndaibhururuka ndonogara kwakachengeteka.
7 Onai! Ndaitizira kure kure.+
Ndainogara murenje.+ (Sera)
8 Ndaimhanyira kunzvimbo yekuhwanda,Iri kure nemhepo inovhuvhuta, kure nedutu.”
9 Vavhiringidzei, haiwa Jehovha, uye vhiringidzai zvirongwa zvavo,*+Nekuti ndakaona mhirizhonga uye kupesana muguta.
10 Vanotenderera masvingo aro siku nesikati;Mukati maro mune kurwadzisana nematambudziko.+
11 Mukati maro makaparara;Udzvinyiriri uye unyengeri hazviperi mumusika maro.+
12 Nekuti haasi muvengi ari kundizvidza;+Zvimwe ndingadai ndakatsungirira.
Haisi mhandu yakandipandukira;Zvimwe ndingadai ndakamuhwanda.
13 Asi ndiwe, munhu akafanana neni,+Shamwari yangu yandinonyatsoziva.+
14 Taiva shamwari dzepedyo;Taiwanzofamba tichipinda mumba maMwari tiri pamwe chete neruzhinji.
15 Ngavaparadzwe!+
Ngavadzike muGuva* vari vapenyu;Nekuti uipi hunogara pakati pavo uye mukati mavo.
16 Kana ndiri ini ndichashevedzera kuna Mwari,Uye Jehovha achandiponesa.+
17 Manheru nemangwanani nemasikati, ndinonetseka uye ndinogomera,+Uye anonzwa inzwi rangu.+
18 Achandinunura* ondipa* rugare pavanhu vari kundirwisa,Nekuti vanhu vakawanda vari kundirwisa.+
19 Mwari, uyo anogara pachigaro cheumambo kubvira kare,+Achanzwa ovapindura.+ (Sera)
Vaya vasina kutya MwariVacharamba kuchinja.+
20 Akarwisa* vaya vane rugare naye;+Akaputsa sungano yake.+
21 Mashoko ake anotsvedzerera kupfuura ruomba,+Asi mumwoyo make mune kukakavara.
Mashoko ake manyoro kupfuura mafuta,Asi iwo mapakatwa akavhomorwa.+
22 Kanda mutoro wako pana Jehovha,+Iye achakutsigira.+
Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.*+
23 Asi imi, haiwa Mwari, muchavaisa mugomba rakadzikadzika.+
Vaya vane mhosva yekudeura ropa nevanonyengera havazorarami hafu yemazuva avo.+
Asi kana ndiri ini ndichavimba nemi.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Uye musavanda pandinonyengetera ndichikumbira rubatsiro.”
^ ChiHeb., “vhiringidzai ndimi dzavo.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “Achandidzikinura.”
^ Kana kuti “opa mweya wangu.”
^ Kureva, uya aimbova shamwari ataurwa pavhesi ne.
^ Kana kuti “adzedzereke; azununguke.”