Mapisarema 107:1-43
107 Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+
2 Vaya vakanunurwa* naJehovha ngavataure izvi,Vaya vaakanunura muruoko rwemhandu,*+
3 Vaakaunganidza kubva munyika zhinji,+Kubva kumabvazuva nekumavirira,Kubva kuchamhembe nekumaodzanyemba.+
4 Vakadzungaira vari murenje, vari mugwenga;Havana kuwana nzira ingavaendesa kuguta ravaigona kugara.
5 Vaiva nenzara nenyota;Vakanga varukutika* pamusana pekuneta.
6 Vakaramba vachichema kuna Jehovha vari mumatambudziko;+Akavanunura mutsekwende yavaiva mairi.+
7 Akaita kuti vafambe munzira yakarurama+Kuti vasvike kuguta ravaigona kugara.+
8 Vanhu ngavaonge Jehovha+ nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
9 Nekuti akapa mvura vaiva nenyota,*Akaita kuti vaya vaiva nenzara vagutswe* nezvinhu zvakanaka.+
10 Vamwe vaigara murima gobvu,Vari vasungwa vaitambudzika uye vakasungwa nesimbi.
11 Nekuti vakanga vapandukira shoko raMwari;Havana kuremekedza zano reWekumusorosoro.+
12 Saka akaninipisa mwoyo yavo nekuita kuti vatambure;+Vakagumburwa, asi pakanga pasina anovabatsira.
13 Vakashevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;Akavaponesa mutsekwende yavaiva mairi.
14 Akavabudisa murima gobvu,Uye akadambura cheni dzavo.+
15 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinji+Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.
16 Nekuti akapaza masuo emhanguraUye akacheka mazariro esimbi.+
17 Vakanga vari mapenzi uye vakatambura+Nemhaka yekudarika kwavo uye kutadza kwavo.+
18 Vakanga vasisina shungu nezvekudya* zvese;Vakanga vava pedyo nemagedhi erufu.
19 Vaishevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;Aivaponesa mutsekwende yavaiva mairi.
20 Aituma shoko rake, ovaporesa+Uye aivanunura mumakomba avainge vawira maari.
21 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.
22 Ngavape zvibayiro zvekuonga,+Vazivise mabasa ake vachishevedzera nemufaro.
23 Vaya vanofamba nengarava mugungwa,Vanoita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji,+
24 Vakaona mabasa aJehovhaNemabasa ake anoshamisa mumvura yakadzika;+
25 Kusimudzwa kunoitwa dutu guru neshoko rake,+Richisimudza mafungu egungwa.
26 Vanosimudzwa mudenga;Vanonyura mumvura yakadzika.
Chivindi chavo chinopera* nemhaka yedambudziko rava kusvika.
27 Vanodzedzereka nekutatarika sezvidhakwa,Uye unyanzvi hwavo hwese hunotadza kuvabatsira.+
28 Vanobva vachema kuna Jehovha mukutambudzika kwavo,+Uye anovanunura mutsekwende yavanenge vari.
29 Anodzikamisa dutu;Masaisai egungwa anobva anyarara.+
30 Vanofara paanodzikama,Uye iye anovatungamirira kumahombekombe kwavari kuda kusvikira.
31 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
32 Ngavamurumbidze vari muungano yevanhu,+Uye ngavamurumbidze vari padare revakuru.*
33 Anochinja nzizi kuti dzive gwenga,Nezvitubu zvemvura kuti zvive nyika yakaoma,+
34 Ivhu rinobereka kuti rive ivhu rine munyu risingabereki,+Nemhaka yeuipi hwevaya vanogaramo.
35 Anochinja gwenga kuti rive madziva emvura ane tsanga zhinji,Nenyika yakaoma kuti ive zvitubu zvemvura.+
36 Anoita kuti vane nzara vagare ikoko,+Kuti vavake guta ravangagara.+
37 Vanodyara minda nekusima mizambiringa+Inobereka zvakawanda.+
38 Anovakomborera uye vanowedzera chaizvo;Haaregi zvipfuwo zvavo zvichipera.+
39 Asi vanova zvakare vashoma uye vanonyadziswaNemhaka yekudzvinyirirwa, dambudziko, uye shungu.
40 Anodurura kuzvidzwa pavakuru vakuruUye anoita kuti vadzungaire nemasango.+
41 Asi anodzivirira varombo* kuti vasadzvinyirirwa+Uye anoita kuti mhuri dzavo dziwande sezvipfuwo.
42 Vakarurama vanoona izvi vofara;+Asi vese vasina kururama vanovhara miromo yavo.+
43 Munhu wese akachenjera achaona zvinhu izvi+Uye achanyatsofungisisa mabasa aJehovha anoratidza rudo rusingachinji.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vakadzikinurwa.”
^ Kana kuti “pasimba remhandu.”
^ Kana kuti “Mweya yavo yakanga yarukutika.”
^ Kana kuti “mweya yaiva nenyota.”
^ Kana kuti “mweya yaiva nenzara igutswe.”
^ Kana kuti “Mweya yavo yakanga yava kusema zvekudya.”
^ Kana kuti “Mweya yavo inopera.”
^ ChiHeb., “pachigaro chevakuru.”
^ Kana kuti “anoisa varombo pakakwirira,” kureva, pasingasvikiki.