Mapisarema 107:1-43

  • Ongai Mwari nekuda kwemabasa ake anoshamisa

    • Akavatungamirira munzira yakarurama (7)

    • Akagutsa vaiva nenzara nenyota (9)

    • Akavabudisa murima (14)

    • Akatumira shoko rake kuti avaporese (20)

    • Anodzivirira varombo kuti vasadzvinyirirwa (41)

107  Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+   Vaya vakanunurwa* naJehovha ngavataure izvi,Vaya vaakanunura muruoko rwemhandu,*+   Vaakaunganidza kubva munyika zhinji,+Kubva kumabvazuva nekumavirira,Kubva kuchamhembe nekumaodzanyemba.+   Vakadzungaira vari murenje, vari mugwenga;Havana kuwana nzira ingavaendesa kuguta ravaigona kugara.   Vaiva nenzara nenyota;Vakanga varukutika* pamusana pekuneta.   Vakaramba vachichema kuna Jehovha vari mumatambudziko;+Akavanunura mutsekwende yavaiva mairi.+   Akaita kuti vafambe munzira yakarurama+Kuti vasvike kuguta ravaigona kugara.+   Vanhu ngavaonge Jehovha+ nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+   Nekuti akapa mvura vaiva nenyota,*Akaita kuti vaya vaiva nenzara vagutswe* nezvinhu zvakanaka.+ 10  Vamwe vaigara murima gobvu,Vari vasungwa vaitambudzika uye vakasungwa nesimbi. 11  Nekuti vakanga vapandukira shoko raMwari;Havana kuremekedza zano reWekumusorosoro.+ 12  Saka akaninipisa mwoyo yavo nekuita kuti vatambure;+Vakagumburwa, asi pakanga pasina anovabatsira. 13  Vakashevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;Akavaponesa mutsekwende yavaiva mairi. 14  Akavabudisa murima gobvu,Uye akadambura cheni dzavo.+ 15  Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinji+Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu. 16  Nekuti akapaza masuo emhanguraUye akacheka mazariro esimbi.+ 17  Vakanga vari mapenzi uye vakatambura+Nemhaka yekudarika kwavo uye kutadza kwavo.+ 18  Vakanga vasisina shungu nezvekudya* zvese;Vakanga vava pedyo nemagedhi erufu. 19  Vaishevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;Aivaponesa mutsekwende yavaiva mairi. 20  Aituma shoko rake, ovaporesa+Uye aivanunura mumakomba avainge vawira maari. 21  Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu. 22  Ngavape zvibayiro zvekuonga,+Vazivise mabasa ake vachishevedzera nemufaro. 23  Vaya vanofamba nengarava mugungwa,Vanoita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji,+ 24  Vakaona mabasa aJehovhaNemabasa ake anoshamisa mumvura yakadzika;+ 25  Kusimudzwa kunoitwa dutu guru neshoko rake,+Richisimudza mafungu egungwa. 26  Vanosimudzwa mudenga;Vanonyura mumvura yakadzika. Chivindi chavo chinopera* nemhaka yedambudziko rava kusvika. 27  Vanodzedzereka nekutatarika sezvidhakwa,Uye unyanzvi hwavo hwese hunotadza kuvabatsira.+ 28  Vanobva vachema kuna Jehovha mukutambudzika kwavo,+Uye anovanunura mutsekwende yavanenge vari. 29  Anodzikamisa dutu;Masaisai egungwa anobva anyarara.+ 30  Vanofara paanodzikama,Uye iye anovatungamirira kumahombekombe kwavari kuda kusvikira. 31  Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinjiUye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+ 32  Ngavamurumbidze vari muungano yevanhu,+Uye ngavamurumbidze vari padare revakuru.* 33  Anochinja nzizi kuti dzive gwenga,Nezvitubu zvemvura kuti zvive nyika yakaoma,+ 34  Ivhu rinobereka kuti rive ivhu rine munyu risingabereki,+Nemhaka yeuipi hwevaya vanogaramo. 35  Anochinja gwenga kuti rive madziva emvura ane tsanga zhinji,Nenyika yakaoma kuti ive zvitubu zvemvura.+ 36  Anoita kuti vane nzara vagare ikoko,+Kuti vavake guta ravangagara.+ 37  Vanodyara minda nekusima mizambiringa+Inobereka zvakawanda.+ 38  Anovakomborera uye vanowedzera chaizvo;Haaregi zvipfuwo zvavo zvichipera.+ 39  Asi vanova zvakare vashoma uye vanonyadziswaNemhaka yekudzvinyirirwa, dambudziko, uye shungu. 40  Anodurura kuzvidzwa pavakuru vakuruUye anoita kuti vadzungaire nemasango.+ 41  Asi anodzivirira varombo* kuti vasadzvinyirirwa+Uye anoita kuti mhuri dzavo dziwande sezvipfuwo. 42  Vakarurama vanoona izvi vofara;+Asi vese vasina kururama vanovhara miromo yavo.+ 43  Munhu wese akachenjera achaona zvinhu izvi+Uye achanyatsofungisisa mabasa aJehovha anoratidza rudo rusingachinji.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vakadzikinurwa.”
Kana kuti “pasimba remhandu.”
Kana kuti “Mweya yavo yakanga yarukutika.”
Kana kuti “mweya yaiva nenyota.”
Kana kuti “mweya yaiva nenzara igutswe.”
Kana kuti “Mweya yavo yakanga yava kusema zvekudya.”
Kana kuti “Mweya yavo inopera.”
ChiHeb., “pachigaro chevakuru.”
Kana kuti “anoisa varombo pakakwirira,” kureva, pasingasvikiki.