Mapisarema 80:1-19
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Chiyeuchidzo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
80 Haiwa imi Mufudzi waIsraeri, teererai,Imi muri kutungamirira Josefa semakwai.+
Imi makagara pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+Penyai.*
2 Ratidzai simba renyuPamberi paEfremu naBhenjamini naManase;+Uyai mutiponese.+
3 Haiwa Mwari, tidzorerei pataimbova;+Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+
4 Jehovha Mwari wemauto, mucharamba makashatirwa kusvikira riini vanhu venyu vachinyengetera kwamuri?+
5 Munovadyisa misodzi sechingwa,Uye munoita kuti vanwe misodzi yakawandisa.
6 Munoita kuti vavakidzani vedu vapopotedzane pamusoro pedu;Vavengi vedu vanoramba vachitinyomba pamadiro.+
7 Haiwa Mwari wemauto, tidzorerei pataimbova;Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+
8 Makaita kuti muzambiringa+ ubve kuIjipiti.
Makadzinga marudzi, mukaudyara.+
9 Makaugadzirira nzvimbo,Uye wakadzika midzi, ukazadza nyika.+
10 Makomo akafukidzwa nemumvuri wawo,Uye misidhari yaMwari yakafukidzwa nemapazi awo.
11 Mapazi awo akasvika kugungwa,Uye nhungirwa dzawo dzakasvika kuRwizi.*+
12 Makaputsirei rusvingo rwematombo rwemunda wacho wemizambiringa,+Zvekuti vese vanopfuura nepo vari kutemha michero yawo?+
13 Nguruve dzemusango dzinousakadza,Uye mhuka dzemusango dzinoudya.+
14 Haiwa Mwari wemauto, dzokai.
Tarisai pasi muri kudenga, muone!
Chengetai muzambiringa uyu,+
15 Dzinde rakadyarwa neruoko rwenyu rwerudyi,+Mutarise mwanakomana wamakasimbisa.*+
16 Unopiswa nemoto,+ unotemwa.
Vanoparara pamunovatuka.*
17 Ruoko rwenyu ngarutsigire munhu ari kuruoko rwenyu rwerudyi,Ngarutsigire mwanakomana wemunhu wamakasimbisa.+
18 Hatizobvi kwamuri.
Tichengetedzei tiri vapenyu, kuti tidane zita renyu.
19 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, tidzorerei pataimbova;Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
^ Kana kuti “Ratidzai kubwinya kwenyu.”
^ Kureva, Yufratesi.
^ Kana kuti “bazi ramakasimbisa.”
^ ChiHeb., “nekutuka kwechiso chenyu.”