Mapisarema 130:1-8
Rwiyo Rwekukwidza.
130 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika.+
2 Haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.
Nzeve dzenyu ngadziteerere kuteterera kwangu kuti mundibatsire.
3 Nhai Jah,* kudai maitarisa* zvikanganiso,Ndiani aizomira, nhai Jehovha?+
4 Nekuti imi munokanganwira zvechokwadi,+Zvekuti munotyiwa.+
5 Ndine tariro muna Jehovha, ndine tariro yakazara* maari;Ndinomirira shoko rake.
6 Ndinomirira Jehovha nemwoyo wese,+Kupfuura zvinoita varindi vanomirira mangwanani,+Zvechokwadi, kupfuura varindi vanomirira mangwanani.
7 Israeri ngaarambe akamirira Jehovha,Nekuti Jehovha ane rudo rusingachinji,+Uye ane simba guru rekudzikinura.
8 Achadzikinura Israeri pazvikanganiso zvavo zvese.
Mashoko Emuzasi
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “maigara muchichengeta.”
^ Kana kuti “mweya wangu une tariro.”