Mapisarema 130:1-8

  • “Ndinodana kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika”

    • “Kudai maitarisa zvikanganiso” (3)

    • Jehovha anokanganwira zvechokwadi (4)

    • “Ndinomirira Jehovha nemwoyo wese” (6)

Rwiyo Rwekukwidza. 130  Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika.+   Haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadziteerere kuteterera kwangu kuti mundibatsire.   Nhai Jah,* kudai maitarisa* zvikanganiso,Ndiani aizomira, nhai Jehovha?+   Nekuti imi munokanganwira zvechokwadi,+Zvekuti munotyiwa.+   Ndine tariro muna Jehovha, ndine tariro yakazara* maari;Ndinomirira shoko rake.   Ndinomirira Jehovha nemwoyo wese,+Kupfuura zvinoita varindi vanomirira mangwanani,+Zvechokwadi, kupfuura varindi vanomirira mangwanani.   Israeri ngaarambe akamirira Jehovha,Nekuti Jehovha ane rudo rusingachinji,+Uye ane simba guru rekudzikinura.   Achadzikinura Israeri pazvikanganiso zvavo zvese.

Mashoko Emuzasi

“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “maigara muchichengeta.”
Kana kuti “mweya wangu une tariro.”