Mapisarema 57:1-11

  • Kukumbira kunzwirwa nyasha

    • Kupotera pasi pemapapiro aMwari (1)

    • Vavengi vanowira mumusungo wavo (6)

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Paakatiza Sauro, akanopinda mubako.+ 57  Ndinzwireiwo nyasha, Mwari, ndinzwireiwo nyasha,Nekuti ndinopotera* kwamuri,+Uye ndinopotera mumumvuri wemapapiro enyu kusvikira matambudziko apfuura.+  2  Ndinoshevedzera kuna Mwari Wekumusorosoro,Kuna Mwari wechokwadi, uyo anoita kuti matambudziko angu agume.  3  Achanditumira rubatsiro kubva kudenga, ondiponesa.+ Achavhiringidza uya anondibvambura. (Sera) Mwari achatumira rudo rwake rusingachinji uye kutendeka kwake.+  4  Ndakakombwa* neshumba;+Ndinofanira kurara pakati pevanhu vanoda kundidya,Vane mazino anenge mapfumo nemiseveUye vane rurimi runenge bakatwa rakapinza.+  5  Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+  6  Vakaisa mambure kuti vateye tsoka dzangu;+Ndakotamiswa* nekushungurudzika.+ Vakachera gomba pamberi pangu,Asi ivo ndivo vakawira mariri.+ (Sera)  7  Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari,+Mwoyo wangu wakasimba. Ndichaimba uye ndicharidza rwiyo.  8  Muka, iwe kukudzwa kwangu. Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo rudimbwa. Ndichaita kuti mambakwedza amuke.+  9  Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha;+Ndichaimba ndichikurumbidzai* pakati pemarudzi.+ 10  Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakakura, rwakakwirira sematenga,+Uye kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga. 11  Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mweya wangu unopotera.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakakombwa.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakotamiswa.”
^ Kana kuti “Ndichakuridzirai rwiyo.”