Mapisarema 135:1-21

  • Rumbidzai Jah nekuda kweukuru hwake

    • Zviratidzo nezvishamiso zvekurwisa vaIjipiti (8, 9)

    • “Zita renyu rinogara nekusingaperi” (13)

    • Zvidhori zvisina upenyu (15-18)

135  Rumbidzai Jah!* Rumbidzai zita raJehovha;Murumbidzei, imi vashumiri vaJehovha,+   Imi makamira muimba yaJehovha,Muzvivanze zveimba yaMwari wedu.+   Rumbidzai Jah, nekuti Jehovha akanaka.+ Imbai muchirumbidza zita rake, nekuti rinofadza.   Nekuti Jah akazvisarudzira Jakobho,Israeri kuti ave pfuma yake yaanokoshesa.+   Nekuti ndinonyatsoziva kuti Jehovha mukuru;Ishe wedu mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese.+   Jehovha anoita zvese zvaanenge achida kuita+Kudenga nepanyika, mumakungwa nemumvura yese yakadzika.   Anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika;Anoita kuti mvura yekunaya ive nemheni;*Anobudisa mhepo mumatura ake.+   Akarova matangwe eIjipiti,Vanhu zvese nemhuka.+   Akatuma zviratidzo nezvishamiso pakati pako, iwe Ijipiti,+Pana Farao nepavashandi vake vese.+ 10  Akaparadza marudzi akawanda+Uye akauraya madzimambo aiva nesimba,+ 11  Sihoni mambo wevaAmori,+Ogi mambo weBhashani,+Neumambo hwese hweKenani. 12  Akapa nyika yavo kuti ive nhaka,Nhaka yevanhu vake vaIsraeri.+ 13  Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nekusingaperi. Haiwa Jehovha, mukurumbira wenyu unogara* kwezvizvarwa zvese.+ 14  Nekuti Jehovha achadzivirira vanhu vake,*+Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake.*+ 15  Zvidhori zvemamwe marudzi isirivha negoridhe,Basa remaoko emunhu.+ 16  Zvine muromo, asi hazvitauri;+Zvine maziso, asi hazvioni; 17  Zvine nzeve, asi hazvinzwi. Hazvina mweya wekufema mumuromo mazvo.+ 18  Vanhu vanozvigadzira vachafanana nazvo,+Uye ndizvo zvichaitawo vese vanovimba nazvo.+ 19  Imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha. Imi imba yaAroni, rumbidzai Jehovha. 20  Imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha.+ Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha. 21  Jehovha ngaarumbidzwe muZiyoni,+Iye anogara muJerusarema.+ Rumbidzai Jah!+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “mhute isimuke.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anoitira mvura inonaya pekubuda napo.”
Kana kuti “zita renyu rinogara.” ChiHeb., “chiyeuchidzo chenyu.”
Kana kuti “achamiririra nyaya dzevanhu vake.”
Kana kuti “achazvidemba pamusoro pevashumiri vake.”