Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Pane Chakaipa Here Nekuvaraidzwa Nezvinhu Zvemidzimu?

Pane Chakaipa Here Nekuvaraidzwa Nezvinhu Zvemidzimu?

 Unofungei?

  •   Pane chakaipa here nekuenda kun’anga, kumaprofita kana kuverenga mabhuku anokuudza kuti nyeredzi inoenderana nezuva rawakaberekwa ndeipi?

  •   Tingati pane chatingadzidza here patinovaraidzwa nezvinhu zvemidzimu kana kuti zvitori nengozi?

 Nyaya ino ichaongorora kuti nei zvinhu zvemidzimu zvichiita sezvinonakidza uye kuti nei uchifanira kungwarira.

 Chii chinoita kuti vanhu vazvifarire?

 Zvinhu zvakawanda zviri kuvaraidza vanhu mazuva ano zvakadai semafirimu, mapurogiramu epaTV, mavideo game uye mumabhuku zvakazara nezvinhu zvemidzimu. Izvi zviri kuita kuti vechidiki vakawanda vafarire zvinhu zvakadai semadhimoni, mavampire, zvipoko, zveuroyi uye kuda kuziva kuti nyeredzi inoenderana nezuva ravakaberekwa ndeipi. Chii chinoita kuti vafarire zvinhu izvi? Zvimwe zvikonzero zvacho ndeizvi:

  •   Kuda kungoziva: Vanenge vachida kuziva kuti zvinhu izvi zviriko here

  •   Kunetseka: Vanenge vachinetseka kuti ramangwana rakamira sei

  •   Kukurukura: Vanenge vachida kutaura nehama inenge yafa

     Panogona kunge pasina hapo chakaipa pazvikonzero izvi. Zvingori matiri kuti tinetseke nezveramangwana kana kuti tisuwe hama yedu yakafa. Asi pane zvaunofanira kungwarira.

 Nei uchifanira kungwarira?

 Bhaibheri rinoti Mwari anovenga vanhu vanoita zvemidzimu. Rinoti:

 “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.”​—Dheuteronomio 18:10-12.

 Nei Bhaibheri richishora chaizvo zvemidzimu?

  •   Zvemidzimu zvakabatana nemadhimoni. Bhaibheri rinoti pane dzimwe ngirozi dzakapandukira Mwari dzikabva dzava vavengi vake. (Genesisi 6:2; Judha 6) Ngirozi idzi dzakaipa dzinonzi madhimoni, uye dzinotsausa vanhu dzichishandisa n’anga, maprofita, vanoshopera uye vanoita zvenyeredzi. Tikaita zvinhu izvi tinopedzisira tava vavengi vaMwari.

  •   Zvemidzimu zvinosimudzira pfungwa yenhema yekuti vanhu vanogona kutaura zvichaitika mune ramangwana. Asi Mwari chete ndiye anogona kuti: “[Ndinozivisa] zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.”​—Isaya 46:10; Jakobho 4:13, 14.

  •   Zvemidzimu zvinosimudzira pfungwa yenhema yekuti vakafa vanogona kutaura nevapenyu. Asi Bhaibheri rinoti: ‘Vakafa havana kana chavanoziva, nokuti muguva hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.’​—Muparidzi 9:5, 10.

 Zvikonzero izvi ndizvo zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambe zvinhu zvese zvine chekuita nemidzimu. Havavaraidzwi nezvinhu zvinobudisa mavampire, zvitokwani, uye zvipoko. Mumwe musikana anonzi Maria anoti, “Kana firimu riine zvinhu zvemidzimu, handirioni.” a

Tsotsi rinonyepedzera kuva munhu warisiri, uye ndizvo zvinoitwawo nemadhimoni anogona kunyepedzera kuita sehama yako yakafa

 Zvaunogona kuita

  •   Tsidza mumwoyo mako kuva nehana yakachena pamberi paJehovha, worega kuvaraidzwa nezvinhu zvemidzimu.​—Mabasa 24:16.

  •   Rasa zvinhu zvese zvine chekuita nemidzimu. Verenga Mabasa 19:19, 20, uone zvakaitwawo nevamwe vaKristu vekutanga panyaya iyi.

 Yeuka kuti: Kana ukarega kuzvivaraidza nezvinhu zvemidzimu, unenge uchiratidza kuti uri kudivi raJehovha uye izvozvo zvinoita kuti afare!​—Zvirevo 27:11.

a Hazvirevi kuti zvinhu zvese zvinovaraidza zvinotsigira zvechidhimoni. Asi vaKristu vanoshandisa hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri kuti vazive zvavasingafaniri kuona kana kuteerera.​—2 VaKorinde 6:17; VaHebheru 5:14.