Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndoita Sei Kana Ndichishungurudzwa Nevamwe Paindaneti?

Ndoita Sei Kana Ndichishungurudzwa Nevamwe Paindaneti?

 Zvaunofanira kuziva

 Indaneti inoita kuti zvive nyore kushungurudza vamwe. Inoita kuti “kunyange vana vanenge vari vanhu kwavo varwadzise vamwe nekuti munhu anogona kutumira zvinhu asi asingazviratidze kuti ndiani,” rinodaro bhuku rinonzi CyberSafe.

 Pane vanhu vane mukana wakakura wekudheererwa. Vanhu ava vanosanganisira vaya vanonyara kana kuti vakanyararisa, vanozvitarisira pasi kana kuti vanoonekwa sevakasiyana neruzhinji.

 Kushungurudzwa nevamwe paindaneti kunokonzera matambudziko. Kunogona kuita kuti munhu anzwe kusurukirwa, ave nechirwere chedepression, uye vamwe vakatosvika pakuzviuraya.

 Zvaunogona kuita

 Chekutanga zvibvunze kuti, ‘Uku kushungurudzwa here?’ Dzimwe nguva vanhu vanogona kutaura zvinorwadza asi vasina chinangwa chekuda kutirwadzisa. Kana zvinhu zvakadai zvikaitika, tinogona kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri parinoti:

 “Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.”​—Muparidzi 7:9.

 Asi kana munhu achitambudza, achishora kana kuti kutyisidzira mumwe munhu paindaneti nemaune, anenge achitomushungurudza.

 Kana paine ari kukushungurudza paindaneti yeuka izvi: Zvauchaita zvichaita kuti zvinhu zviite nani kana kuti zvitowedzera kuipa. Edza kushandisa mazano anotevera.

 Usapindura munhu anokushungurudza. Bhaibheri rinoti: “Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo, uye munhu ane ungwaru akadzikama.”​—Zvirevo 17:27.

 Zano iri rinoshanda nekuti: “Kazhinji kacho, vanhu vanoshungurudza vamwe vanenge vachida kuti vatsamwe. Kana munhu atsamwa, wacho anenge achimushungurudza anobva atoita manyawi,” akadaro Nancy Willard mubhuku rake rinonzi Cyberbullying and Cyberthreats.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Dzimwe nguva kunyarara ndokuzvipedza.

 Usadzorera. Bhaibheri rinoti: ‘Usatsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka.’​—1 Petro 3:9.

 Zano iri rinoshanda nekuti: “Kutsamwa kunoratidza kuti hauna kusimba uye izvi zvinoita kuti uwedzere kushungurudzwa,” rinodaro bhuku rinonzi Cyber-Safe Kids, Cyber-Savvy Teens. Kana ukadzorera unenge wava kutofanana nemunhu anenge achikushungurudza.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Kana ukadzorera zvakangofanana nekudira parafini pamoto.

 Ita chimwe chinhu. Bhaibheri rinoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa.” (VaRoma 12:21) Pane zvaunogona kuita kuti usaramba uchishungurudzwa, asi usingaiti kuti nyaya yacho iwedzere kuipa.

 Semuenzaniso:

  •    Ita kuti mameseji emunhu iyeye asapinda mufoni mako. “Haungamboshungurudzwi nezvinhu zvaunenge usina kuverenga,” rinodaro bhuku rinonzi Mean Behind the Screen.

  •   Sevha zvaunenge watumirwa kuti uzozvishandisa seumboo, kunyange kana usina kuzviverenga. Izvi zvinosanganisira mameseji aunotumirwa nemunhu achikutuka, mae-mail, mameseji anotumirwa pamasocial network, mameseji akaita zvekurekodhwa, kana kuti chero imwe nzira yekukurukura nayo.

  •   Udza munhu wacho kuti asiyane newe. Mutumire meseji uchinyatsoratidza kuti zvaanoita hauzvidi asi usingaratidzi kuti wakatsamwa. Unogona kunyora kuti:

    •  “Usaramba uchinditumira mameseji.”

    •  “Bvisa zvawakaisa paindaneti.”

    •  “Kana zvikaramba zvichienderera mberi, ndichatora matanho ekuti zvipere.”

  •   Usazvitarisira pasi. Isa pfungwa dzako pane zvaunokwanisa kwete pane zvausingakwanisi. (2 Vakorinde 11:6) Sezvinongoita munhu anofarira zvekurova vamwe, vanhu vanoshungurudza vamwe paindaneti vanowanzonanga vavanodheerera.

  •   Udza munhu mukuru. Tanga nekuudza vabereki vako. Unogona kumhan’ara nyaya yacho kuvaridzi vewebsite inenge ichishandiswa nemunhu anenge achikushungurudza. Kana nyaya yacho itori hombe, iwe nevabereki vako munogona kumhan’ara nyaya yacho kuchikoro kwaunodzidza, kumapurisa, kana kukumbira kubatsirwa nevanhu vemutemo.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Pane matanho aunogona kutora kuti usashungurudzwa, uye kana ukaramba uchishungurudzwa une zvaunogona kuita kuti zvisanyanya kukukanganisa.