Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?

 Takasikwa naMwari here kana kuti takabva kumhuka?

 Unobvuma here kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose? Kana uchibvuma ziva kuti hausi woga. Vanhu vakawanda kusanganisira vanhu vakuru ndizvowo zvavanofunga. Asi kunewo vamwe vanoti nyika uye zvinhu zviri mairi hazvina kusikwa naMwari asi kuti zvakaita zvokushanduka-shanduka.

 Waizviziva here? Vamwe vevanhu vanoti Mwari ndiye akatisika uye vamwe vevanoti takabva kumhuka havanyatsozivi kuti nemhaka yei vachibvuma zvinhu zvavanotaura.

  •   Vamwe vanhu vanobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu nemhaka yokuti ndizvo zvavakadzidziswa kuchechi.

  •   Vanhu vakawanda vanoti takabva kumhuka nemhaka yokuti ndizvo zvavakadzidziswa kuchikoro.

 Nyaya idzi dzakatevedzana dzichakubatsira kuti unyatsova nokutenda kwakasimba muna Mwari uye dzichakubatsira kuti ukwanise kutsanangurira vamwe. Asi pane mubvunzo unokosha waunofanira kuzvibvunza:

 Sei ndichiti Mwari ariko?

 Nemhaka yei mubvunzo uyu uchikosha? Nokuti Bhaibheri rinokukurudzira kuti ushandise pfungwa dzako. (VaRoma 12:1) Izvi zvinoreva kuti kutenda kwako kuti Mwari ariko hakufaniri kubva:

  •  pamanzwiro (Mwoyo wangu unondiudza kuti kune munhu ane simba kutidarika)

  •  pane zvinotaurwa nevanhu (Vanhu vekwandinogara vanoita zvechechi)

  •  pane zvandinoudzwa nevamwe (Kukura kwangu kwose ndaiudzwa nevabereki vangu kuti nditende kuti Mwari ariko)

 Chinokosha ndechokuti iwe pachako unyatsotendiswa kuti Mwari ariko uye unofanira kuva nezvikonzero.

 Saka, sei uchiti Mwari ariko? Pepa rezvaunoronga kuita rakanzi “Sei Ndichiti Mwari Ariko?” richakubatsira kuti usimbise kutenda kwako. Chimwe chichakubatsira kuona zvinotaurwa nevamwe vezera rako.

 “Pandinenge ndiri mukirasi ndichiteerera mudzidzisi wangu achitaura mashandiro anoita miviri yedu, ndinobva ndanyatsoona kuti zvechokwadi Mwari ariko. Nhengo imwe neimwe yomuviri wedu ine basa rainoita, kunyange kanhengo kadiki-diki kane basa rakanoita uye zvimwe zvinoitwa nomuviri wedu hatitombozvizivi. Magadzirirwo akaitwa muviri wemunhu anoshamisa chaizvo!”​—Teresa.

 “Pandinoona zvivako zvine nhurikidzwa dzakawanda, chikepe chihombe chinotakura vanhu, kana kuti motokari, ndinozvibvunza kuti, ‘Ndiani akazvigadzira?’ Zvinoda munhu akachenjera chaizvo kuti pagadzirwe mota nokuti ine tunhu tuduku twakawanda tunofanira kushanda zvakanaka kuti mota iyoyo ifambe. Kana paine munhu akagadzira mota zvinoreva kuti panewo akasika vanhu.”​—Richard.

 “Kana zvichitora makore akawanda kuti munhu ane pfungwa dzakapinza anzwisise zvinhu zvishoma-shoma nezvezvinhu zvakatiporedza, pfungwa yokuti zvinhu izvi zvakaita zvokushanduka-shanduka haina musoro!”​—Karen.

 “Pandairamba ndichidzidza sayenzi ndipo pandaiona kuti dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka haisi yechokwadi. Somuenzaniso ndakafunga nezvezvinoitwa nevanhu pakugadzira zvinhu vachitevedzera zvinhu zvavanoona, kusiyana kwakaita vanhu nemhuka uye kuda kuziva kuti takabva kupi uye tiri kuendepi. Dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka haikwanisi kutsanangura musiyano uripo pakati pemhuka nevanhu. Kana ndiri ini hangu ndinoona sokuti zvakaoma kuti ubvume kuti vanhu vakatanga vari mhuka pane kuti ubvume kuti Mwari ndiye akavasika.”​—Anthony.

 Kutsanangura zvandinotenda

 Ko kana vaunodzidza navo vakatanga kukuseka vachiti ungatenda sei zvinhu zvausingaoni? Ko vakati sayenzi yakatoratidza kuti zvinhu hazvina kuita zvokusikwa?

 Chokutanga, unofanira kuva nechivimbo nezvaunotenda. Usatye kana kunyara. (VaRoma 1:16) Yeuka kuti:

  1.   Hausi woga, variko vanhu vakawanda vanotenda kuti Mwari ariko. Vamwe vacho ndevaya vakadzidza chaizvo. Somuenzaniso, kune masayendisiti anobvuma kuti kuna Mwari.

  2.   Vanhu pavanoti havatendi kuti Mwari ariko, dzimwe nguva chavanenge vachireva ndechokuti havanzwisisi maitiro aMwari. Panzvimbo pokuti vataure zvikonzero zvinoratidza kuti Mwari haako, vanobvunza mibvunzo yakadai sokuti, “Kana Mwari ariko, sei achirega vanhu vachitambura?” Panzvimbo pokushandisa pfungwa kuti vawane zvikonzero zvine musoro ivo vanopedzisira voti saka hakuna Mwari.

  3.   Vanhu vakasikwa vaine chido chokunamata. (Mateu 5:3) Chido ichi chinosanganisira kutenda kuti Mwari ariko. Saka kana mumwe munhu akati hakuna Mwari, iye ndiye anofanira kukutsanangurira kuti sei achifunga saizvozvo.​—VaRoma 1:18-20.

  4.   Kubvuma kuti Mwari ariko hazvirevi kuti haushandisi pfungwa. Ongororo dzakaitwa dzakaratidza kuti hazviiti kuti zvinzi zvinhu zvakangoerekana zvavapo panyika. Hapana umboo hunogona kutsigira kuti zvinhu zvipenyu zvinogona kungoerekana zvavapo.

 Saka kana mumwe munhu akabvunza kuti sei uchiti Mwari ariko ungati kudii? Unogona kutaura zvinotevera.

 Mumwe munhu akati: “Vanhu vasina kudzidza ndivo vanoti Mwari ariko.”

 Unogona kumuti: “Ndizvo zvaunofunga? Ini handibvumi zvinhu zvakadaro. Imwe ongororo yakaitwa pamasayendisiti 1 600 epamayunivhesiti makuru, inoratidza kuti vanoti pfuurei 500 vakati vanotenda kuti Mwari ariko uye vamwe vacho vachiti vari pakati nepakati. a Saka ungati masayendisiti iwayo haana kudzidza here nokuti anotenda kuti Mwari ariko?”

 Mumwe munhu akati: “Kana Mwari ariko, sei achirega vanhu vachitambura?”

 Unogona kumuti: “Unoreva here kuti haunzwisisi maitiro aMwari? [Rega apindure.] Ndakawana mhinduro ine musoro yomubvunzo wokuti sei kutambura kwakanyanya kudai. Asi kuti tiinzwisise tinofanira kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri. Ungada here kuti ndizokuratidza?”

 Nyaya inotevera ichataura kuti sei dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka isina umboo.

a Kwakatorwa mashoko: Sangano reSocial Science Research Council, mugwaro rakaitwa naElaine Howard Ecklund, February 5, 2007 rinonzi “Religion and SpiritualityAmong University Scientists.”