Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingakurira Sei Dambudziko Rokushungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

Ndingakurira Sei Dambudziko Rokushungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

 Kushungurudzwa panyaya dzepabonde kunorevei?

 Kushungurudzwa panyaya dzepabonde kunosanganisira zvinhu zvinoratidza kufarira bonde zvakadai sokubata munhu kana kuti kutaura mashoko akarerekera kunyaya dzebonde. Asi dzimwe nguva unogona kutadza kuziva kuti zviri kuitwa manyunyu here, kungotamba kworudo here, kana kuti kutori kushungurudzwa panyaya dzepabonde.

 Unoziva here musiyano wezvinhu izvi? Pindura  mibvunzo yokushungurudzwa panyaya dzepabonde woona kuti zvakamira sei!

 Chinosuwisa ndechokuti kushungurudzwa panyaya dzepabonde hakuperi nekuti wapedza chikoro. Asi kana ukagara waziva zvokuita kana mumwe munhu akada kukushungurudza zvichakubatsira kuti uzive zvokuita paunozosangana nedambudziko iri paunenge wava kushanda. Uye zvaunenge waita zvinogona kuita kuti munhu ari kukushungurudza asashungurudzawo vamwe!

 Ko kana ndichishungurudzwa panyaya dzepabonde?

 Kuti mumwe munhu arege kukushungurudza hunge iwe wacho waziva kuti zvaari kuita kukushungurudza uye kuti ungaita sei kana ukashungurudzwa! Ona zvinhu zvitatu zvinogona kuitika woona kuti ungaita sei kana zvakadaro zvikaitika.

 MUENZANISO:

“Vamwe varume vandinoshanda navo vemazera ababa vangu chaivo vanogara vachinditi ndakanaka uye vanoti dai zvaiita vadzokera kuva pazera rangu. Mumwe wavo akambouya mumashure mangu achibva anhuhwidza bvudzi rangu!”​—Tabitha, 20.

 Tabitha anogona kunge akafunga kuti: ‘Ndikangoita sokunge hapana chandiri kuona zvimwe vacharega.’

 Nei kuita izvi kungangotadza kushanda: Vanoongorora nyaya idzi vanoti kana munhu akaita sokuti hapana chiri kuitika kazhinji kacho kushungurudzwa kwacho hakuperi kunogona kutowedzera.

 Edza izvi: Ratidza pachena asi uchizviita neruremekedzo woudza munhu ari kukushungurudza kuti haudi maitiro aari kuita kana kuti zvaari kutaura. “Kana mumwe munhu akandibata zvandisingafariri,” anodaro musikana ane makore 22 anonzi Taryn, “Ndinomutarisa ndomuudza kuti usandibata futi. Kazhinji munhu wacho anenge asiri kumbozvitarisira kuti ndizvo zvandichamuita.” Kana munhu wacho akaramba achienderera mberi muratidze zvekare kuti hauzvifariri usamboneta kumuudza. Panyaya yokuzvibata Bhaibheri rinonyevera kuti: “Mirai makasimba, muchiratidza kuti makura uye muine chivimbo.”​—VaKorose 4:​12, The New Testament in Contemporary Language.

 Ko kana munhu wacho akati anogona kukurova kana kukuitira chimwe chinhu chakaipa? Kana akadaro chirega kutaura naye nezvenyaya iyoyo. Ibva panzvimbo iyoyo nokukurumidza wonoudza mumwe munhu mukuru waunovimba naye.

 MUENZANISO:

“Pandakanga ndiine makore 11 ndiri kuchikoro vamwe vasikana vaviri vakandibatirana mukoridho. Mumwe wacho akanga ari ngochani uye akanga achida kuti ndidanane naye. Kunyange zvazvo ndakaramba, vakaramba vachindinetsa kuchikoro. Rimwe zuva vakandisundidzira kumadziro!”​—Victoria, 18.

 Victoria anogona kunge akafunga kuti: ‘Kana ndikangoudza mumwe munhu ndinozonzi ndakapusa, kana kuti vanhu vanogona kuramba kuti ndizvo zvakaitika.’

 Nei kuita izvi kungangotadza kushanda: Kana ukasaudza mumwe munhu, munhu uyu ari kukushungurudza anogona kutowedzera kukushungurudza kana kutoshungurudza vamwe.​—Muparidzi 8:11.

 Edza izvi: Tsvaka rubatsiro. Vabereki kana kuti vadzidzisi vanogona kukubatsira kuti ukunde dambudziko iri. Ko kana vanhu vaunoudza pasina chavari kuita nenyaya yacho? Edza izvi: Pose paunoshungurudzwa, zvinyore pasi. Nyora musi wacho, nguva, nzvimbo yazvinenge zvaitikira, uye zvataurwa nemunhu wacho anga achikushungurudza. Rimwe bepa rine zvawanyora ripe mubereki wako kana kuti mudzidzisi. Vanhu vakawanda vakaona zvinhu zvakaita zvokunyorwa vanozvikoshesa kudarika zvokungotaura nomuromo.

 MUENZANISO:

“Pane mukomana aitamba rugby wandaitya zvisingaiti. Aiva akareba zvokusvika mamita maviri uye airema makirogiramu 135! Akanga atsidza kuti aizorara neni. Gore rose rakapera achingondinetsa mazuva ose. Rimwe zuva zvakangoitika kuti takangosara tiri vaviri mukirasi ndokubva atanga kuswedera pedyo neni. Ndakajamba ndichibva ndabuda nepadhoo ndichitiza.”​—Julieta, 18.

 Julieta anogona kunge akafunga kuti: ‘Ndizvo zvinongoita vakomana.’

 Nei kufunga kwakadaro kusingabatsiri: Munhu ari kukushungurudza haambofi akachinja maitiro ake kana achingosiyiwa akadaro.

 Edza izvi: Usambofa wakasekerera kana kuratidza sokunge kuti unozvifarira. Zvaunoita kusanganisira chiso chako ngazviratidze pachena kuti hautombofariri zvaari kuita.

 Zvii zvandaizoita?

 NYAYA YAKANYATSOITIKA 1:

“Ini hangu handitombofariri kuitira munhu zvakaipa. Saka kunyange vakomana pavaindishungurudza, ndaivaudza kuti handizvifariri asi ndaizviita ndichisekerera ndisingaratidzi kuti ndiri kurevesa. Vakabva vafunga kuti ndinenge ndinoda zvevakomana.”​—Tabitha.

  •   Dai uri iwe Tabitha, waizodai wakaita sei kuvanhu vanokushungurudza? Nei waizodaro?

  •   Chii chingaita kuti munhu ari kukushungurudza afunge kuti zvevakomana kana kuti zvevasikana unozvidawo?

 NYAYA YAKANYATSOITIKA 2:

“Zvakangotanga apo vamwe vakomana mukirasi medu vakatanga kutaura majee akashata. Ndakamboita senge ndisinei nazvo kwemavhiki akati kuti asi zvakatozowedzera. Vakomana ava vakatanga kugara padivi neni vachindibata. Ndaivasundidzira kure asi vaingoramba vachidzoka. Pakupedzisira mumwe wavo akandipa bepa raiva rakanyorwa mashoko akaora. Ndakabva ndaripa mudzidzisi wangu. Mukomana wacho ambomiswa chikoro. Ndakazoona kuti dai ndakanga ndagara ndaudza mudzidzisi wangu kare!”​—Sabina.

  •   Unofunga kuti chii chakaita kuti Sabina asakurumidza kuenda kunomhan’ara kumudzidzisi wake? Unofunga kuti zvaakaita zvakanaka here? Kana uchiti akagona sei uchidaro asi kana uchiti akatadza sei uchidaro?

 NYAYA YAKANYATSOITIKA 3:

“Mumwe mukomana akasvika akawana hanzvadzi yangu Greg ichigeza. Mukomana wacho akabva aswedera pedyo-pedyo achibva ati kuna Greg, ‘Ndikise.’ Greg akaramba, asi mukomana uyu akaramba aripo. Greg akabva amusundidzira.”​—Suzanne.

  •   Unofunga kuti Greg akashungurudzwa here panyaya dzepabonde? Kana uchiti ehe sei uchidaro asi kana uchiti aiwa sei uchidaro?

  •   Sei vamwe vakomana vachizeza kutaura kana vakashungurudzwa nevamwe vakomana?

  •   Zvakaitwa naGreg zvakanaka here? Uri iwe waizodai wakaita sei?

Dzidza zvimwe:Ona chitsauko 32 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, chinoti “Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?”