Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndisaverengera Kuita Zvinhu?

Ndingaita Sei Kuti Ndisaverengera Kuita Zvinhu?

Unogara uchinonoka kuita mabasa ako epamba here kana kuti basa raunenge wapiwa kuchikoro? Haufaniri kuverengera kuita mabasa ako! Nyaya ino ichakubatsira kuti usaverengera kuita zvinhu, kunyange

Paunenge wapedza kuverenga nyaya iyi,  pindura mibvunzo ine chokuita nokuverengera kuita zvinhu.

 Bhaibheri rinotsanangura zvakaipira kuverengera kuita zvinhu. Rinoti: “Munhu anotarira mhepo haazodyari mbeu; uye uya anotarira makore haazokohwi.”—Muparidzi 11:4.

 Chimboona zvinhu zvingakonzera kuti pave nedambudziko rokuverengera kuita zvinhu uye zvaungaita kuti urikunde.

 Paunoona sokuti wawandirwa nezvokuita.

 Kutaura chokwadi aripo mamwe mabasa okuti haanakidzi kuaita zvokuti unoona zviri nani kumboasendeka. Ona mazano anogona kukubatsira.

  •   Kamura basa racho. “Kunyange kana ndichiziva kuti ndiri mumashure menguva, ndinoedza kuita chinhu chimwe chete panguva kuitira kuti ndipedze basa rangu,” anodaro musikana anonzi Melissa.

  •   Kurumidza kuritanga. “Paunongoziva kuti une basa rokuita ibva watoritanga. Kana uchizoriita pava paya ingorinyora pasi uye nemaitiro auchariita kuitira kuti usazozvikanganwa.”​—Vera.

  •   Kumbira kubatsirwa. Vabereki vako nevadzidzisi vangangodaro vakambosangana nedambudziko raunaro. Vakuru vakati kugara nhaka huona dzevamwe. Saka vabereki vako kana kuti vadzidzisi vako vanogona kukupawo mazano angakubatsira.

 Zano “Ronga maitiro auchaita basa rako. Kuti ubudirire unofanira kunge uri munhu akarongeka uye anoda kuita maererano nemarongero awakaita. Kuita izvi kunoshanda, nokuti unogona kupedza zvose panguva yaunofanira kupedza.”​—Abbey.

 Paunonzwa usingadi kuita basa racho.

 Kakawanda mabasa aunofanira kunge uchiita anosanganisira zvimwe zvinhu zvaunenge usingafariri zvachose. Saka unofanira kuita sei kana basa rauri kufanira kuita risingakunakidzi? Edza kuita zvinotevera.

  •   Funga zvakanakira kukurumidza kuriita. Somuenzaniso imbofungidzira kufara kwauchaita kana wapedza basa racho. “Pandinokurumidza kupedza kuita basa rangu kana kuti kuripedza nenguva ndinonzwa kufara uye ndinenge ndisisanetseki,” anodaro musikana anonzi Amy.

  •   Funga zvakaipira kunonoka kuriita. Ukaverengera kuita zvinhu, unowedzera kunetseka uye zvinoita kuti usabudirira. Bhaibheri rinoti: ‘Unokohwa chaunodyara.’​—VaGaratiya 6:7, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  •   Zvipe nguva pfupi yokuita basa racho. “Izvi zvinoita kuti ndione sokuti basa racho riri kutodiwa nokukurumidza,” anodaro musikana anonzi Alicia. “Izvi zvinondipa nguva yokuti ndizoongorora maitiro andinenge ndaita basa rangu.”

 Zano “Zviudze mupfungwa kuti une basa raunofanira kuita uye hapana chauchabvumira kuti chikuvhiringidze kuita basa iroro. Kana ndikazviudza kuti ndinofanira kuita chakati ndinobva ndatochiita.”​—Alexis.

 Wagara uine zvakawanda zvokuita.

 “Vanhu vanogara vachinditi ndinoverengera kuita zvinhu,” anodaro mukomana anonzi Nathan, “asi ini handimbozvifariri! Havazivi kuti ndinenge ndiine zvakawanda zvokuita!” Kana mafungiro ako akafanana neaNathan, edza kuita izvi.

  •   Tanga kuita mabasa ari nyore. “Mumwe akambondiudza kuti kana basa richitora maminitsi ari pasi pemashanu, unofanira kubva watoriita,” anodaro musikana anonzi Amber. “Izvi zvinosanganisira kuita mabasa akadai sokuchenesa, kurongedza mbatya dzako, kusuka ndiro, uye kufona.”

  •   Tanga kuita mabasa anokosha. Bhaibheri rinoti: ‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’ (VaFiripi 1:10) Ungashandisa sei mashoko aya muupenyu hwako? “Ndinogara ndakanyora pasi mabasa ose andinofanira kuita uye mazuva andinofanira kunge ndaapedza,” anodaro musikana anonzi Anna. “Asi chinonyanya kukosha chandinoita kunyora pasi kuti basa rakati ndinofanira kuripedza musi wakati.”

 Tingati kuzviomesera here uku? Edza kufunga seizvi! Chiripo ndechokuti kana ukaronga maitiro auchaita basa rako unenge uri kugona kushandisa nguva panzvimbo pokuti udzingirirane nenguva. Kuita izvozvo kunoita kuti usanyanya kunetseka. “Kuronga zvinhu zvangu kunoita kuti ndidzikame uye kunoita kuti zvinhu zvive mugwara,” anodaro musikana anonzi Kelly.

  •   Ita kuti pasava nezvinokuvhiringidza. “Ndinoita kuti munhu wose ari pamba azive kuti ndichatanga basa rangu nguva yakati,” anodaro Jennifer. “Kana pane zvavanoda kuti ndivaitire, ndinovaudza kuti vanditaurire ndisati ndaita basa rangu. Ndinodzimawo foni uye ndinoita kuti ndisaona mameseji anenge apinda mukombiyuta yangu.”

 Zano “Basa rose raunoda kuita rinozopera kana uchinge wariita. Ita basa racho panzvimbo pokuti urambe uchinetseka. Ukadaro hauzonetseki.”​—Jordan.