Zvirevo 15:1-33
15 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,+Asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+
2 Rurimi rweakachenjera runoshandisa ruzivo zvakanaka,+Asi muromo webenzi unongorutsa upenzi.
3 Maziso aJehovha ari pese pese,Achitarisa vakaipa nevakanaka.+
4 Rurimi rwakadzikama* muti weupenyu,+Asi kutaura kusina kururama kunoodza mwoyo.*
5 Benzi hariremekedzi baba varo kana richirayirwa,*+Asi munhu ane njere anobvuma kururamiswa.*+
6 Mumba memunhu akarurama makazara nepfuma,Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinomuunzira dambudziko.+
7 Muromo wemunhu akachenjera unoparadzira ruzivo,+Asi mwoyo webenzi haudaro.+
8 Chibayiro chevakaipa chinosemesa Jehovha,+Asi munyengetero wemunhu akarurama unomufadza.+
9 Jehovha anosema nzira yemunhu akaipa,+Asi anoda uya anotevera kururama.+
10 Munhu anosiya gwara anoona kurangwa* sekwakaipa,*+Asi munhu wese anovenga kutsiurwa achafa.+
11 Kana Guva* nenzvimbo yekuparadzwa* zviri pachena kuna Jehovha,+Ko kuzoti mwoyo yevanhu!+
12 Museki haadi munhu anomururamisa.*+
Haatsvagi mazano kune vakachenjera.+
13 Mwoyo unofara unoita kuti chiso chisununguke,Asi kurwadziwa kwemwoyo kunoputsa mweya.+
14 Mwoyo unonzwisisa unotsvaga ruzivo,+Asi muromo wemapenzi unodya* upenzi.+
15 Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa,+Asi munhu ane mwoyo unofara* anogara aine mabiko.+
16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha+Pane kuva nepfuma yakawanda asi uchizvidya mwoyo.*+
17 Zviri nani kudya muriwo paine rudo+Pane kudya nyama yemombe yakakora asi paine ruvengo.+
18 Munhu anokurumidza kushatirwa anomutsa gakava,+Asi uya anononoka kutsamwa anonyaradza bopoto.+
19 Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa,*+Asi gwara revakarurama rakaita semugwagwa wakati chechetere.+
20 Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+Asi benzi rinozvidza amai varo.+
21 Munhu asina pfungwa* anonakidzwa neupenzi,+Asi munhu ane ungwaru anofamba akananga kwaari kuenda.+
22 Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe,*Asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.+
23 Munhu anofara paanopa mhinduro yakarurama,*+Uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!+
24 Kumunhu ane njere, nzira yeupenyu inotungamirira kumusoro,+Kuti asaenda kuGuva* riri pasi.+
25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza,+Asi achachengetedza muganhu wechirikadzi.+
26 Jehovha anosema mazano emunhu akaipa,+Asi mashoko anofadza akachena kwaari.+
27 Munhu anobiridzira kuti azvipfumise anounzira imba yake dambudziko,*+Asi uya anovenga chiokomuhomwe acharamba achirarama.+
28 Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura,*+Asi miromo yevakaipa inongorutsa zvakaipa.
29 Jehovha ari kure nevakaipa,Asi anonzwa minyengetero yevakarurama.+
30 Maziso anopenya anoita* kuti mwoyo ufare;Mashoko akanaka anosimbisa mapfupa.*+
31 Munhu anoteerera kutsiurwa kunopa upenyuAnogara nevakachenjera.+
32 Munhu anoramba kurayirwa* anozvidza upenyu hwake,*+Asi munhu wese anoteerera paanotsiurwa anowana mwoyo unonzwisisa.+
33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu kuva akachenjera,+Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “runoporesa.”
^ ChiHeb., “kunoputsa mweya.”
^ Kana kuti “richirangwa.”
^ Kana kuti “kutsiurwa.”
^ Kana kuti “sekwakaomarara.”
^ Kana kuti “kurayirwa.”
^ Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “neAbhadhoni.”
^ Kana kuti “anomutsiura.”
^ Kana kuti “unotevera.”
^ Kana kuti “wakanaka.”
^ Kana kuti “ichikuvhiringidza.”
^ Kana kuti “seheji yeminzwa.”
^ Kana kuti “njere.”
^ Kana kuti “kurangana.”
^ ChiHeb., “paanopa mhinduro yemuromo wake.”
^ Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “anonyadzisa imba yake.”
^ Kana kuti “anongwarira mapinduriro ake; anofunga asati ataura.”
^ ChiHeb., “anoita kuti mapfupa ave nemafuta.”
^ Kana kuti “Kutariswa nemufaro kunoita.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ Kana kuti “mweya wake.”