Zvirevo 21:1-31
21 Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha.+
Anoita kuti uende chero kwese kwaanoda.+
2 Nzira dzemunhu dzese dzinoita sedzakarurama kwaari,+Asi Jehovha anoongorora mwoyo.*+
3 Kuita zvakarurama uye kutonga zvakaruramaKunofadza Jehovha kupfuura chibayiro.+
4 Maziso anozvikudza uye mwoyo unozvitutumadza,Irambi rinotungamirira vakaipa, uye zvinhu izvi chivi.+
5 Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire,*+Asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.+
6 Kuwana upfumi nerurimi runoreva nhemaKwakaita semhute inonyangarika, musungo unouraya.*+
7 Mhirizhonga yevakaipa ichavatsvaira,+Nekuti vanoramba kuita zvinhu zvakarurama.
8 Nzira yemunhu ane mhosva yakamonyana,Asi mabasa emunhu akachena akarurama.+
9 Zviri nani kugara pakona yedenga rembaPane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+
10 Munhu akaipa anopanga* zvakaipa;+Haana basa nemuvakidzani wake.+
11 Panorangwa museki, munhu asina ruzivo anowedzera uchenjeri,Uye munhu akachenjera paanova nenjere, anowedzera kuva neruzivo.*+
12 Akarurama* anoongorora imba yemunhu akaipa;Anowisira vakaipa pasi kuti vaparare.+
13 Munhu wese anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kweakadereraAchashevedzera asi haazopindurwiwo.+
14 Chipo chinopiwa pachivande chinodzora kutsamwa,+Uye chiokomuhomwe chakavanzwa* chinodzora hasha dzinotyisa.
15 Kutonga zvakarurama kunofadza munhu akarurama,+Asi kwakaipa chaizvo kune vaya vanoita zvakaipa.
16 Munhu anotsauka panzira yenjereAchazorora pamwe chete nevaya vasina simba vari murufu.+
17 Munhu anoda zvemafaro achava murombo;+Munhu anoda waini nemafuta haazopfumi.
18 Munhu akaipa rudzikinuro rwemunhu akarurama,Uye munhu anonyengera achatorwa panzvimbo peakarurama.+
19 Zviri nani kugara murenjePane kugara nemukadzi anogara achipopota* uye asingatani kugumbuka.+
20 Pfuma inokosha nemafuta zvinowanika mumba memunhu akachenjera,+Asi benzi richapfachura* zvariinazvo.+
21 Munhu wese anoda kuramba achiita zvakarurama uye achiratidza rudo rusingachinjiAchawana upenyu, kururama, nekukudzwa.+
22 Munhu akachenjera anogona kukwira* achipinda muguta revane simba,Oputsa pakasimba pavanenge vachivimba napo.+
23 Munhu anochengetedza muromo wake nerurimi rwakeAnozvidzivirira* pamatambudziko.+
24 Kuzvirumbidza, kuzvikudza, nekuzvionera pamusoro ndiwo mashoko anoshandiswaPamunhu anoita zvinhu achizvikudza asingaise pfungwa pane zvaari kuita.+
25 Zvinopangwa nesimbe zvichaiurayisa,Nekuti maoko ayo haadi kushanda.+
26 Inoswera ichingopanga zvemakaro,Asi munhu akarurama anopa, asina chaanonyima.+
27 Chibayiro chinopiwa nemunhu akaipa chinosemesa.+
Kana achichipa nechinangwa chakaipa* chinotonyanya kusemesa.
28 Chapupu chinoreva nhema chichaparara,+Asi munhu anoteerera achabudirira pane zvaanopupurira.*
29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+Asi munhu akarurama ndiye ane nzira ichabudirira.*+
30 Hapana uchenjeri, kana ungwaru, kana zano zvingarwisana naJehovha.+
31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rekurwa,+Asi ruponeso nderwaJehovha.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vavariro yacho.”
^ Kana kuti “zvinobatsira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kune vaya vari kutsvaga rufu.”
^ Kana kuti “anonetsa.”
^ Kana kuti “Mweya weakaipa unopanga.”
^ Kana kuti “anoziva zvekuita.”
^ Kureva, Mwari.
^ ChiHeb., “chiokomuhomwe chiri pachipfuva.”
^ Kana kuti “anonetsa.”
^ ChiHeb., “richamedza.”
^ Kana kuti “anokunda.”
^ Kana kuti “Anodzivirira mweya wake.”
^ Kana kuti “achichipa achizvibata zvinonyadzisa.”
^ ChiHeb., “achataura nekusingaperi.”
^ Kana kuti “anoita kuti nzira yake ibudirire.”