Zvirevo 21:1-31

  • Jehovha anotungamirira mwoyo wamambo (1)

  • Kutonga zvakarurama kunopfuura chibayiro (3)

  • Kushanda nesimba kunoita kuti pave nekubudirira (5)

  • Asingateereri vakaderera haazopindurwi (13)

  • Hapana uchenjeri hungarwisana naJehovha (30)

21  Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha.+ Anoita kuti uende chero kwese kwaanoda.+   Nzira dzemunhu dzese dzinoita sedzakarurama kwaari,+Asi Jehovha anoongorora mwoyo.*+   Kuita zvakarurama uye kutonga zvakaruramaKunofadza Jehovha kupfuura chibayiro.+   Maziso anozvikudza uye mwoyo unozvitutumadza,Irambi rinotungamirira vakaipa, uye zvinhu izvi chivi.+   Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire,*+Asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.+   Kuwana upfumi nerurimi runoreva nhemaKwakaita semhute inonyangarika, musungo unouraya.*+   Mhirizhonga yevakaipa ichavatsvaira,+Nekuti vanoramba kuita zvinhu zvakarurama.   Nzira yemunhu ane mhosva yakamonyana,Asi mabasa emunhu akachena akarurama.+   Zviri nani kugara pakona yedenga rembaPane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+ 10  Munhu akaipa anopanga* zvakaipa;+Haana basa nemuvakidzani wake.+ 11  Panorangwa museki, munhu asina ruzivo anowedzera uchenjeri,Uye munhu akachenjera paanova nenjere, anowedzera kuva neruzivo.*+ 12  Akarurama* anoongorora imba yemunhu akaipa;Anowisira vakaipa pasi kuti vaparare.+ 13  Munhu wese anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kweakadereraAchashevedzera asi haazopindurwiwo.+ 14  Chipo chinopiwa pachivande chinodzora kutsamwa,+Uye chiokomuhomwe chakavanzwa* chinodzora hasha dzinotyisa. 15  Kutonga zvakarurama kunofadza munhu akarurama,+Asi kwakaipa chaizvo kune vaya vanoita zvakaipa. 16  Munhu anotsauka panzira yenjereAchazorora pamwe chete nevaya vasina simba vari murufu.+ 17  Munhu anoda zvemafaro achava murombo;+Munhu anoda waini nemafuta haazopfumi. 18  Munhu akaipa rudzikinuro rwemunhu akarurama,Uye munhu anonyengera achatorwa panzvimbo peakarurama.+ 19  Zviri nani kugara murenjePane kugara nemukadzi anogara achipopota* uye asingatani kugumbuka.+ 20  Pfuma inokosha nemafuta zvinowanika mumba memunhu akachenjera,+Asi benzi richapfachura* zvariinazvo.+ 21  Munhu wese anoda kuramba achiita zvakarurama uye achiratidza rudo rusingachinjiAchawana upenyu, kururama, nekukudzwa.+ 22  Munhu akachenjera anogona kukwira* achipinda muguta revane simba,Oputsa pakasimba pavanenge vachivimba napo.+ 23  Munhu anochengetedza muromo wake nerurimi rwakeAnozvidzivirira* pamatambudziko.+ 24  Kuzvirumbidza, kuzvikudza, nekuzvionera pamusoro ndiwo mashoko anoshandiswaPamunhu anoita zvinhu achizvikudza asingaise pfungwa pane zvaari kuita.+ 25  Zvinopangwa nesimbe zvichaiurayisa,Nekuti maoko ayo haadi kushanda.+ 26  Inoswera ichingopanga zvemakaro,Asi munhu akarurama anopa, asina chaanonyima.+ 27  Chibayiro chinopiwa nemunhu akaipa chinosemesa.+ Kana achichipa nechinangwa chakaipa* chinotonyanya kusemesa. 28  Chapupu chinoreva nhema chichaparara,+Asi munhu anoteerera achabudirira pane zvaanopupurira.* 29  Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+Asi munhu akarurama ndiye ane nzira ichabudirira.*+ 30  Hapana uchenjeri, kana ungwaru, kana zano zvingarwisana naJehovha.+ 31  Bhiza rinogadzirirwa zuva rekurwa,+Asi ruponeso nderwaJehovha.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vavariro yacho.”
Kana kuti “zvinobatsira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kune vaya vari kutsvaga rufu.”
Kana kuti “anonetsa.”
Kana kuti “Mweya weakaipa unopanga.”
Kana kuti “anoziva zvekuita.”
Kureva, Mwari.
ChiHeb., “chiokomuhomwe chiri pachipfuva.”
Kana kuti “anonetsa.”
ChiHeb., “richamedza.”
Kana kuti “anokunda.”
Kana kuti “Anodzivirira mweya wake.”
Kana kuti “achichipa achizvibata zvinonyadzisa.”
ChiHeb., “achataura nekusingaperi.”
Kana kuti “anoita kuti nzira yake ibudirire.”