Zvirevo 17:1-28

  • Usatsiva chakanaka nechakaipa (13)

  • Ibva kupopotedzana kusati kwatanga (14)

  • Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese (17)

  • “Mwoyo unofara mushonga wakanaka” (22)

  • Munhu akangwara anodzora mashoko ake (27)

17  Zviri nani kutemura chingwa* paine runyararo,*+Pane kuva neimba iri kuitwa mabiko* vanhu vachipopotedzana.+   Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa;Achagoverwa nhaka semumwe wevanakomana vacho.   Sirivha inonatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe rinonatsirwa muchoto chekunatsira,+Asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+   Munhu akaipa anoteerera mashoko akashata,Uye munhu anonyengera anoteerera rurimi runotaura makuhwa.+   Munhu wese anotuka murombo anenge achishora Muiti wake,+Uye munhu wese anofarira njodzi yemumwe haazoregi kurangwa.+   Vazukurukomana* ikorona yevakwegura,Uye madzibaba* ndivo kukudzwa kwevanakomana* vavo.   Kana kutaura kwakarurama* kusina kukodzera benzi,+Ko kuzoti nhema dzichitaurwa nemutongi!*+   Chipo chakaita sedombo rinokosha kumuridzi wacho;+Kwese kwaanoenda, chinoita kuti abudirire.+   Munhu wese anoregerera* kutadzirwa kwaaitwa anenge achitsvaga rudo,+Asi uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+ 10  Kutsiura kunobatsira chaizvo kumunhu anonzwisisa+Kupfuura kurova benzi kane zana.+ 11  Munhu akaipa anongotsvaga kupanduka,Asi achatumirwa mutumwa ane utsinye kuti amurange.+ 12  Zviri nani kusangana nebheya rafirwa nevana varoPane kusangana nebenzi neupenzi hwaro.+ 13  Kana munhu akatsiva zvakanaka nezvakaipa,Zvakaipa hazvizobvi mumba make.+ 14  Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma;*Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+ 15  Munhu anoti akaipa haana mhosva uye anoti munhu akarurama ane mhosva,+Vese vanosemesa Jehovha. 16  Zvinobatsirei kuti benzi rive nezvinhu zvinogona kuribatsira kuva neuchenjeri,Asi iro risina mwoyo unogamuchira uchenjeri hwacho?*+ 17  Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+ 18  Munhu asina njere anobatana maoko nemumwe achibvumaKuti mumwe atore chikwereti muzita rake pamberi pemuvakidzani wake.+ 19  Munhu anoda zvegakava anoda kudarika.+ Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaga kuwa.+ 20  Munhu ane mwoyo usina kururama haazobudiriri,*+Uye munhu anotaura zveunyengeri achaparara. 21  Murume anova nemwana benzi achashungurudzika;Uye baba vemwana benzi havana mufaro.+ 22  Mwoyo unofara mushonga wakanaka,*+Asi kusuruvara kunopedza* simba remunhu.*+ 23  Munhu akaipa achabvuma chiokomuhomwe pachivande*Kuti atsaudzire pakutonga.+ 24  Uchenjeri huri pamberi chaipo pemunhu anonzwisisa,Asi maziso ebenzi anodzungaira nenyika.+ 25  Mwanakomana benzi anoshungurudza baba vakeUye anotemesa musoro munhu akamubereka.+ 26  Kuranga* munhu akarurama hakuna kunaka,Uye kurova vanhu vanokudzwa kunopesana nezvakarurama. 27  Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake,+Uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.+ 28  Kunyange benzi rinoramba rakanyarara richanzi rakachenjera,Uye munhu anosona muromo wake, achanzi anonzwisisa.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “izere zvibayiro.”
Kana kuti “rugare.”
Kana kuti “kudya chingwa chakaoma.”
Kana kuti “Vazukuru.”
Kana kuti “vabereki.”
Kana kuti “kwevana.”
Kana kuti “negurukota.”
Kana kuti “kwakanaka.”
ChiHeb., “anofukidza.”
ChiHeb., “mvura.”
Kana kuti “iro risina njere.”
ChiHeb., “haazowani zvakanaka.”
Kana kuti “Mwoyo unofara unorapa.”
Kana kuti “mweya wakaputsika unopedza.”
Kana kuti “kunoomesa mapfupa.”
ChiHeb., “chiokomuhomwe chepachipfuva.”
Kana kuti “Kuripisa.”