Zvirevo 17:1-28
17 Zviri nani kutemura chingwa* paine runyararo,*+Pane kuva neimba iri kuitwa mabiko* vanhu vachipopotedzana.+
2 Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa;Achagoverwa nhaka semumwe wevanakomana vacho.
3 Sirivha inonatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe rinonatsirwa muchoto chekunatsira,+Asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+
4 Munhu akaipa anoteerera mashoko akashata,Uye munhu anonyengera anoteerera rurimi runotaura makuhwa.+
5 Munhu wese anotuka murombo anenge achishora Muiti wake,+Uye munhu wese anofarira njodzi yemumwe haazoregi kurangwa.+
6 Vazukurukomana* ikorona yevakwegura,Uye madzibaba* ndivo kukudzwa kwevanakomana* vavo.
7 Kana kutaura kwakarurama* kusina kukodzera benzi,+Ko kuzoti nhema dzichitaurwa nemutongi!*+
8 Chipo chakaita sedombo rinokosha kumuridzi wacho;+Kwese kwaanoenda, chinoita kuti abudirire.+
9 Munhu wese anoregerera* kutadzirwa kwaaitwa anenge achitsvaga rudo,+Asi uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+
10 Kutsiura kunobatsira chaizvo kumunhu anonzwisisa+Kupfuura kurova benzi kane zana.+
11 Munhu akaipa anongotsvaga kupanduka,Asi achatumirwa mutumwa ane utsinye kuti amurange.+
12 Zviri nani kusangana nebheya rafirwa nevana varoPane kusangana nebenzi neupenzi hwaro.+
13 Kana munhu akatsiva zvakanaka nezvakaipa,Zvakaipa hazvizobvi mumba make.+
14 Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma;*Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+
15 Munhu anoti akaipa haana mhosva uye anoti munhu akarurama ane mhosva,+Vese vanosemesa Jehovha.
16 Zvinobatsirei kuti benzi rive nezvinhu zvinogona kuribatsira kuva neuchenjeri,Asi iro risina mwoyo unogamuchira uchenjeri hwacho?*+
17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+
18 Munhu asina njere anobatana maoko nemumwe achibvumaKuti mumwe atore chikwereti muzita rake pamberi pemuvakidzani wake.+
19 Munhu anoda zvegakava anoda kudarika.+
Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaga kuwa.+
20 Munhu ane mwoyo usina kururama haazobudiriri,*+Uye munhu anotaura zveunyengeri achaparara.
21 Murume anova nemwana benzi achashungurudzika;Uye baba vemwana benzi havana mufaro.+
22 Mwoyo unofara mushonga wakanaka,*+Asi kusuruvara kunopedza* simba remunhu.*+
23 Munhu akaipa achabvuma chiokomuhomwe pachivande*Kuti atsaudzire pakutonga.+
24 Uchenjeri huri pamberi chaipo pemunhu anonzwisisa,Asi maziso ebenzi anodzungaira nenyika.+
25 Mwanakomana benzi anoshungurudza baba vakeUye anotemesa musoro munhu akamubereka.+
26 Kuranga* munhu akarurama hakuna kunaka,Uye kurova vanhu vanokudzwa kunopesana nezvakarurama.
27 Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake,+Uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.+
28 Kunyange benzi rinoramba rakanyarara richanzi rakachenjera,Uye munhu anosona muromo wake, achanzi anonzwisisa.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “izere zvibayiro.”
^ Kana kuti “rugare.”
^ Kana kuti “kudya chingwa chakaoma.”
^ Kana kuti “Vazukuru.”
^ Kana kuti “vabereki.”
^ Kana kuti “kwevana.”
^ Kana kuti “negurukota.”
^ Kana kuti “kwakanaka.”
^ ChiHeb., “anofukidza.”
^ ChiHeb., “mvura.”
^ Kana kuti “iro risina njere.”
^ ChiHeb., “haazowani zvakanaka.”
^ Kana kuti “Mwoyo unofara unorapa.”
^ Kana kuti “mweya wakaputsika unopedza.”
^ Kana kuti “kunoomesa mapfupa.”
^ ChiHeb., “chiokomuhomwe chepachipfuva.”
^ Kana kuti “Kuripisa.”