Tsamba Yechipiri kuvaKorinde 6:1-18

  • Nyasha dzaMwari hadzifaniri kushandiswa zvisiri izvo (1, 2)

  • Ushumiri hwaPauro hunotsanangurwa (3-13)

  • Musasungwa pajoko zvisina kukodzera (14-18)

6  Sezvo tichishanda pamwe chete naye,+ tinokukurudziraiwo kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari motadza kunzwisisa chinangwa chadzo.+  Nekuti iye anoti: “Ndakakunzwa panguva yakakodzera, uye ndakakubatsira pazuva reruponeso.”+ Onai! Ino ndiyo nguva yakanyatsokodzera. Onai! Rino ndiro zuva reruponeso.  Hatitomboiti zvinhu zvinogumbura vamwe, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva;+  asi munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari,+ nekutsungirira kwatinoita zvinhu zvizhinji, matambudziko, kushayiwa, kuomerwa,+  kurohwa, kuiswa mujeri,+ mhirizhonga, kushanda zvakaoma, kutadza kurara usiku, kushaya zvekudya;+  tinodarowo nekuva vakachena, nekuva neruzivo, mwoyo murefu,+ mutsa,+ mweya mutsvene, rudo rusina unyengeri,+  nekutaura chokwadi, nesimba raMwari;+ nezvombo zvekururama+ muruoko rwerudyi* nerweruboshwe,*  nekukudzwa nekuzvidzwa, nemashoko akaipa nemashoko akanaka. Tinoonekwa sevanyengeri isu tichitaura chokwadi,  setisingazivikanwi asi tichizivikanwa, setiri kufa* asi onai! tiri vapenyu,+ setinorangwa asi tisingaendeswi kunourayiwa,+ 10  setakasuruvara asi tichigara tichifara, sevarombo asi tichipfumisa vakawanda, setisina chinhu asi tiine zvinhu zvese.+ 11  Takavhura miromo yedu kuti titaure nemi imi vaKorinde, uye takanyatsozarura mwoyo yedu. 12  Hatisi kuomera nerudo rwedu kwamuri,+ asi imi ndimi muri kutoomera nerudo rwenyu kwatiri. 13  Saka ndinoti kwamuri, ndichiita sendiri kutaura nevana vangu, imiwo zarurai mwoyo yenyu.*+ 14  Musasungwa zvisina kukodzera pajoko* nevasingatendi.+ Nekuti kururama kune ushamwari hwei nekusateerera mutemo?+ Kana kuti chiedza chingapindirana nerima pakudii?+ 15  Uyezve, Kristu anganzwanana sei naBheriari?*+ Kana kuti munhu anotenda* angapindirana nemunhu asingatendi pakudii?+ 16  Uye temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pakudii?+ Nekuti tiri temberi yaMwari mupenyu;+ sekutaura kwakaita Mwari kuti: “Ndichagara pakati pavo+ nekufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+ 17  “‘Saka ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha,* ‘musabata chinhu chisina kuchena’”;+ “‘uye ini ndichakugamuchirai.’”+ 18  “‘Ndichava baba venyu,+ uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’+ anodaro Jehovha* Wemasimbaose.”

Mashoko Emuzasi

Zvichida, zvekurwisa nazvo.
Zvichida, zvekuzvidzivirira nazvo.
Kana kuti “setinoonekwa takakodzera rufu.”
Kana kuti “wedzerai rudo ruri mumwoyo yenyu.”
Kana kuti “Musabatanidzwa zvisina kukodzera.”
Shoko racho rinobva pane rechiHebheru rinoreva kuti “Munhu Pasina,” richitaura nezvaSatani.
Kana kuti “akatendeka.”