Tsamba Yechipiri kuvaKorinde 6:1-18
6 Sezvo tichishanda pamwe chete naye,+ tinokukurudziraiwo kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari motadza kunzwisisa chinangwa chadzo.+
2 Nekuti iye anoti: “Ndakakunzwa panguva yakakodzera, uye ndakakubatsira pazuva reruponeso.”+ Onai! Ino ndiyo nguva yakanyatsokodzera. Onai! Rino ndiro zuva reruponeso.
3 Hatitomboiti zvinhu zvinogumbura vamwe, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva;+
4 asi munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari,+ nekutsungirira kwatinoita zvinhu zvizhinji, matambudziko, kushayiwa, kuomerwa,+
5 kurohwa, kuiswa mujeri,+ mhirizhonga, kushanda zvakaoma, kutadza kurara usiku, kushaya zvekudya;+
6 tinodarowo nekuva vakachena, nekuva neruzivo, mwoyo murefu,+ mutsa,+ mweya mutsvene, rudo rusina unyengeri,+
7 nekutaura chokwadi, nesimba raMwari;+ nezvombo zvekururama+ muruoko rwerudyi* nerweruboshwe,*
8 nekukudzwa nekuzvidzwa, nemashoko akaipa nemashoko akanaka. Tinoonekwa sevanyengeri isu tichitaura chokwadi,
9 setisingazivikanwi asi tichizivikanwa, setiri kufa* asi onai! tiri vapenyu,+ setinorangwa asi tisingaendeswi kunourayiwa,+
10 setakasuruvara asi tichigara tichifara, sevarombo asi tichipfumisa vakawanda, setisina chinhu asi tiine zvinhu zvese.+
11 Takavhura miromo yedu kuti titaure nemi imi vaKorinde, uye takanyatsozarura mwoyo yedu.
12 Hatisi kuomera nerudo rwedu kwamuri,+ asi imi ndimi muri kutoomera nerudo rwenyu kwatiri.
13 Saka ndinoti kwamuri, ndichiita sendiri kutaura nevana vangu, imiwo zarurai mwoyo yenyu.*+
14 Musasungwa zvisina kukodzera pajoko* nevasingatendi.+ Nekuti kururama kune ushamwari hwei nekusateerera mutemo?+ Kana kuti chiedza chingapindirana nerima pakudii?+
15 Uyezve, Kristu anganzwanana sei naBheriari?*+ Kana kuti munhu anotenda* angapindirana nemunhu asingatendi pakudii?+
16 Uye temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pakudii?+ Nekuti tiri temberi yaMwari mupenyu;+ sekutaura kwakaita Mwari kuti: “Ndichagara pakati pavo+ nekufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+
17 “‘Saka ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha,* ‘musabata chinhu chisina kuchena’”;+ “‘uye ini ndichakugamuchirai.’”+
18 “‘Ndichava baba venyu,+ uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’+ anodaro Jehovha* Wemasimbaose.”
Mashoko Emuzasi
^ Zvichida, zvekurwisa nazvo.
^ Zvichida, zvekuzvidzivirira nazvo.
^ Kana kuti “setinoonekwa takakodzera rufu.”
^ Kana kuti “wedzerai rudo ruri mumwoyo yenyu.”
^ Kana kuti “Musabatanidzwa zvisina kukodzera.”
^ Shoko racho rinobva pane rechiHebheru rinoreva kuti “Munhu Pasina,” richitaura nezvaSatani.
^ Kana kuti “akatendeka.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.