Enda pane zvauri kuda

Madhimoni Ariko Here Zvechokwadi?

Madhimoni Ariko Here Zvechokwadi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Madhimoni ‘ingirozi dzakatadza,’ dzakapandukira Mwari. (2 Petro 2:4) Ngirozi yokutanga yakazviita dhimoni ndiSatani Dhiyabhorosi, uyo anonzi neBhaibheri “mutongi wemadhimoni.”—Mateu 12:24, 26.

Ngirozi dzakapanduka mumazuva aNoa

 Bhaibheri rinotaura nezvengirozi dzakapanduka mafashamo emunguva yaNoa asati aitika richiti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” (Genesisi 6:2) Ngirozi idzodzo dzakanga dzakaipa kana kuti dzakapanduka “dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” kudenga dzichibva dzazvichinja kuva vanhu venyama kuitira kuti dziite bonde nevakadzi.—Judha 6.

 Mafashamo paakatanga, ngirozi idzi dzakapanduka dzakabva dzasiya miviri yenyama dzikabva dzadzokera kudenga. Asi Mwari akabva adzirambidza kuti dzibatane nemhuri yake. Chimwe chirango chadzakapiwa ndechokuti dzakanga dzisingachakwanisi zvekare kufa dzakazvichinja kuva vanhu venyama.—VaEfeso 6:11, 12.