Genesisi 3:1-24

  • Kutanga kwechivi (1-13)

    • Nhema dzekutanga (4, 5)

  • Jehovha anopa mutongo kuvapanduki (14-24)

    • Uprofita pamusoro pemwana wemukadzi (15)

    • Kudzingwa kwevanhu muEdheni (23, 24)

3  Nyoka+ ndiyo yakanga yakachenjera* kupfuura mhuka dzese dzemusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Saka yakati kumukadzi: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?”+  Mukadzi akabva ati kunyoka: “Tingadya hedu michero yemiti yemumunda.+  Asi Mwari akataura nezvemuchero wemuti uri pakati pemunda,+ achiti: ‘Musaudya, kana kuubata; mukangodaro muchafa.’”  Nyoka yakabva yati kumukadzi: “Chokwadi hamumbofi.+  Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”+  Audzwa izvi, mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uchiyevedza,* chokwadi, muti wacho waifadza kutarisa. Saka akatemha muchero wawo akatanga kuudya.+ Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.+  Maziso avo akabva asvinudzwa, vakabva vaziva kuti vakanga vasina kupfeka. Saka vakasonanidza mashizha emuonde, vakazvigadzirira zvinofukidza chiuno.+  Gare gare vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mumunda pakwainge kwava kutonhorera, uye murume nemudzimai wake vakanohwanda Jehovha Mwari pakati pemiti yemumunda.  Jehovha Mwari akaramba achishevedza munhu achiti kwaari: “Uri kupiko?” 10  Akazodaira achiti: “Ndanzwa inzwi renyu mumunda, asi ndatya nekuti ndanga ndisina kupfeka, saka ndahwanda.” 11  Iye akati: “Ndiani akuudza kuti wanga usina kupfeka?+ Asi wadya muchero wemuti wandakati usadye?”+ 12  Murume akati: “Mukadzi wamakandipa ndiye andipa muchero wemuti wacho, saka ndadya.” 13  Jehovha Mwari akabva ati kumukadzi: “Chii ichi chawaita?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Nyoka ndiyo yandinyengera, saka ndadya.”+ 14  Jehovha Mwari akabva ati kunyoka:+ “Nemhaka yezvawaita izvi, watukwa pazvipfuwo zvese nepamhuka dzese dzesango. Uchafamba nedumbu, uye uchadya guruva mazuva ese eupenyu hwako. 15  Ndichaisa ruvengo+ pakati pako+ nemukadzi,+ nepakati pevana*+ vako nemwana*+ wake. Iye achakupwanya musoro+ uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”+ 16  Kumukadzi akati: “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako nepamuviri; uchasununguka vana uchirwadziwa, uchada kugara uchingova pedyo nemurume wako, uye achakutonga.” 17  Kuna Adhamu* akati: “Sezvo wateerera inzwi remudzimai wako, ukadya muchero wemuti wandakakurayira+ ndichiti, ‘Usaudya,’ ivhu ratukwa nemhosva yako.+ Uchadya zvibereko zvaro uchirwadziwa mazuva ese eupenyu hwako.+ 18  Richakumerera minzwa nemasora anobaya, uye uchadya zvinomera zvemusango. 19  Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+ 20  Pashure peizvi, Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha,* nekuti ndiye aizova amai vemunhu wese mupenyu.+ 21  Jehovha Mwari akagadzirira Adhamu nemudzimai wake nguo refu dzematehwe, kuti vapfeke.+ 22  Jehovha Mwari akabva ati: “Iye zvino munhu ava semumwe wedu pakuziva zvakanaka nezvakaipa.+ Saka kuti arege kutambanudza ruoko rwake, otorawo michero yemuti weupenyu,+ odya, orarama nekusingagumi,—” 23  Jehovha Mwari akabva amudzinga mumunda weEdheni+ kuti arime ivhu raakanga atorwa kwariri.+ 24  Saka akadzingira munhu kunze, akaisa makerubhi+ kumabvazuva kwemunda weEdheni nebakatwa raibvira moto raigara richitenderera richichengetedza nzira yaienda kumuti weupenyu.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “ndiyo yainyengera.”
Kana kuti “uchifadza maziso.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva kuti “Munhu Wepanyika; Vanhu.”
Kureva kuti “Mupenyu.”