Genesisi 21:1-34
21 Jehovha akayeuka Sara sezvaakanga ataura, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.+
2 Saka Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri,+ akamuberekera mwanakomana, panguva yakanga yavimbiswa naMwari.+
3 Abrahamu akatumidza mwanakomana wake waakanga aberekerwa naSara kuti Isaka.+
4 Uye Abrahamu akachecheudza mwanakomana wake Isaka paakanga ava nemazuva 8, sezvaakanga arayirwa naMwari.+
5 Abrahamu akanga ava nemakore 100 pakaberekwa Isaka mwanakomana wake.
6 Sara akabva ati: “Mwari aita kuti ndisekwe; vese vanozvinzwa vachaseka neni.”*
7 Akatizve: “Ndiani aimbofunga kuti Sara mudzimai waAbrahamu achayamwisa vana? Asi ndamuberekera mwanakomana iye akwegura.”
8 Mwana wacho akakura akazorumurwa, uye Abrahamu akaita mabiko makuru pazuva rakarumurwa Isaka.
9 Asi Sara aiona kuti mwanakomana waHagari+ muIjipiti, waakanga aberekera Abrahamu, aitsvinyira Isaka.+
10 Saka akati kuna Abrahamu: “Dzinga murandasikana uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemurandasikana uyu haasi kuzova mugari wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, Isaka!”+
11 Asi Abrahamu haana kufara nezvakataurwa naSara nezvemwanakomana wake.+
12 Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Usagumburwa nezvauri kutaurirwa naSara nezvemukomana uyu, uye nezvemurandasikana wako. Teerera zvaari kutaura, nekuti uya achanzi mwana wako* achauya nekuna Isaka.+
13 Kana ari mwanakomana wemurandasikana,+ ndichaitawo kuti rudzi rubve maari, nekuti mwana wako.”*+
14 Saka Abrahamu akafumomuka akapa Hagari chingwa, nehomwe yedehwe ine mvura. Akamutakudza papfudzi akamuendesa pamwe chete nemukomana wacho.+ Saka akaenda, akatanga kungodzungaira murenje reBheeri-shebha.+
15 Mvura yakanga iri muhomwe yedehwe yakazopera, uye Hagari akasundidzira mukomana wacho muzasi megwenzi.
16 Akabva aenda akanogara pasi ari pake ega, chinhambwe chingasvika museve kana wapfurwa, nekuti akati: “Handisi kuda kuona mukomana wacho achifa.” Saka akagara pasi ari kure zvishoma, akatanga kuchema achiridza mhere.
17 Mwari akanzwa inzwi remukomana wacho,+ ngirozi yaMwari ikashevedzera kuna Hagari iri kudenga ichiti:+ “Zvaita seiko nhai Hagari? Usatya, nekuti Mwari anzwa inzwi remukomana paari ipapo.
18 Simuka, simudza mukomana umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.”+
19 Mwari akabva asvinudza maziso ake, akaona tsime remvura, akaenda akazadza mvura muhomwe yake yedehwe, ndokunwisa mukomana wacho.
20 Mukomana wacho akakura Mwari ainaye.+ Aigara murenje uye aivhima achishandisa uta nemuseve.
21 Akazonogara murenje reParani,+ uye amai vake vakamuwanira mudzimai kunyika yeIjipiti.
22 Panguva iyoyo Abhimereki pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake vakati kuna Abrahamu: “Mwari anewe pazvinhu zvese zvauri kuita.+
23 Saka ndipikire pano naMwari kuti hauzondinyengeri ini nevana vangu nevazukuru vangu, uye kuti uchandibata ini, nenyika yauri kugara, semabatiro andiri kukuita nerudo rusingachinji.”+
24 Abrahamu akabva ati: “Ndinopika kuti ndichadaro.”
25 Asi Abrahamu akanyunyuta kuna Abhimereki nezvetsime remvura rakanga ratorwa nevashandi vaAbhimereki nechisimba.+
26 Abhimereki akapindura kuti: “Handizivi kuti ndiani akazviita; hauna kundiudza nezvazvo, uye hapana akambondiudzawo; ndiwe uri kutonditaurira.”
27 Abrahamu akabva atora makwai nemombe akazvipa Abhimereki, uye vaviri vacho vakaita sungano.
28 Abrahamu paakatsaura makwayana* manomwe kubva pane mamwe,
29 Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Ko makwayana aya manomwe awatsaura ndeeyi?”
30 Akabva ati: “Gamuchirai makwayana acho manomwe andiri kukupai, kuti chive chiratidzo chekuti* ndini ndakachera tsime iri.”
31 Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheeri-shebha,*+ nekuti vaviri vacho vakanga vaita mhiko ipapo.
32 Saka vakaita sungano+ paBheeri-shebha, Abhimereki akazosimuka pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake, vakadzokera kunyika yevaFiristiya.+
33 Pashure paizvozvo akasima muti wemutamarisiki paBheeri-shebha, uye ipapo akadana zita raJehovha,+ Mwari wekusingagumi.+
34 Uye Abrahamu akagara* munyika yevaFiristiya kwenguva yakareba.*+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vachandiseka.”
^ ChiHeb., “mbeu yako.”
^ ChiHeb., “imbeu yako.”
^ ChiHeb., “makwayana makadzi.”
^ Kana kuti “huve uchapupu hwekuti.”
^ Zvingava zvichireva kuti “Tsime Remhiko; Tsime Remanomwe.”
^ Kana kuti “akagara ari mutorwa.”
^ ChiHeb., “mazuva mazhinji.”