Genesisi 48:1-22

  • Jakobho anokomborera vanakomana vaJosefa vaviri (1-12)

  • Efremu anokomborerwa kupfuura mukoma wake (13-22)

48  Izvi zvaitika, Josefa akaudzwa kuti: “Baba vako vava kupera simba.” Akabva aenda nevanakomana vake vaviri Manase naEfremu.+  Jakobho akabva audzwa kuti: “Onai mwanakomana wenyu Josefa auya.” Saka Israeri akazvisimbisa, akagara pamubhedha wake.  Jakobho akati kuna Josefa: “Mwari Wemasimbaose akazviratidza kwandiri kuRuzi munyika yeKenani akandikomborera.+  Uye akati kwandiri, ‘Ndiri kuita kuti ubereke, ndichaita kuti uwande, uye ndichaita kuti uve ungano yemarudzi+ uye ndichapa vana* vako vanokutevera nyika ino kuti vaiite yavo nekusingagumi.’+  Vanakomana vako vaviri vawakabereka munyika yeIjipiti ndisati ndauya kuno kuIjipiti ndevangu.+ Efremu naManase vachava vangu sezvakangoita Rubheni naSimiyoni.+  Asi vamwe vana vauchazobereka ndivo vachava vako. Vachashevedzwa pamwe chete nezita revakoma vavo munhaka yavo.+  Kana ndiri ini, pandakanga ndichibva kuPadhani, Rakeri akafa+ ndiinaye munyika yeKenani, ndichiri kure neEfrati.+ Saka ndakamuviga ikoko panzira inoenda kuEfrati, kureva Bhetrehema.”+  Israeri akabva aona vanakomana vaJosefa akabvunza kuti: “Ava ndivanaani?”  Josefa akati kuna baba vake: “Vanakomana vangu vandakapiwa naMwari munzvimbo ino.”+ Akabva ati: “Uya navo pano pandiri ndivakomborere.”+ 10  Maziso aIsraeri akanga ava kumunetsa nekukwegura uye akanga asisakwanisi kuona. Saka Josefa akaswedera navo pedyo nababa vake, Israeri akavatsvoda, uye akavambundira. 11  Israeri akati kuna Josefa: “Handina kumbofunga kuti ndichazoona chiso chako,+ asi Mwari atozoita kuti ndionewo vana* vako.” 12  Josefa akabva avabvisa pamabvi aIsraeri, akapfugama, akadzikisa musoro wake. 13  Josefa akavatora vari vaviri, Efremu+ neruoko rwake rwerudyi akanangana neruboshwe rwaIsraeri, Manase+ neruoko rwake rweruboshwe akanangana nerudyi rwaIsraeri, akaswedera navo pedyo. 14  Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rwerudyi akaruisa pamusoro waEfremu, kunyange zvazvo akanga ari iye mudiki, uye akaisa ruoko rwake rweruboshwe pamusoro waManase. Akaisa maoko ake saizvozvo achiziva, sezvo Manase akanga ari iye dangwe.+ 15  Akabva akomborera Josefa achiti:+ “Mwari wechokwadi uyo madzibaba angu Abrahamu naIsaka vakafamba pamberi pake,+Mwari wechokwadi uyo aindifudza kweupenyu hwangu hwese kusvikira nhasi,+ 16  Ngirozi yaindinunura pamatambudziko ese,+ komborerai vakomana ava.+ Zita rangu ngarishevedzwe pavari uye zita remadzibaba angu, Abrahamu naIsaka,Ngavawedzere vave vazhinji panyika.”+ 17  Josefa paakaona baba vake vachiramba vakaisa ruoko rwavo rwerudyi pamusoro waEfremu, hazvina kumufadza, saka akaedza kubvisa ruoko rwababa vake pamusoro waEfremu kuti aruise pamusoro waManase. 18  Josefa akati kuna baba vake: “Aiwa baba, uyu ndiye dangwe.+ Isai ruoko rwenyu rwerudyi pamusoro wake.” 19  Asi baba vake vakaramba, uye vakati: “Ndinozviziva mwanangu, ndinozviziva. Iyewo achava rudzi uye achavawo mukuru. Kunyange zvakadaro, munin’ina wake achava mukuru kumupfuura,+ uye vana* vake vachawanda zvekuenzana nemarudzi.”+ 20  Saka vakaramba vachivakomborera zuva iroro,+ vachiti: “Israeri ngaataure mazita enyu paanenge achikomborera, achiti,‘Mwari ngaakuite saEfremu uye saManase.’” Saka vakaramba vachitanga kutaura Efremu vasati vataura Manase. 21  Israeri akabva ati kuna Josefa: “Ona ndava kufa,+ asi Mwari acharamba ainemi uye achakudzorerai kunyika yemadzitateguru enyu.+ 22  Ini ndichakuwedzera chikamu chimwe chete chenyika kupfuura zvandichapa vamwe vako,* chandakatorera vaAmori nebakatwa rangu uye neuta hwangu.”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva, vakoma vake nemunin’ina wake.