Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 12:1-50

  • Jesu, “Ishe weSabata” (1-8)

  • Murume aiva neruoko rwakakokonyara anoporeswa (9-14)

  • Mushumiri waMwari anodiwa (15-21)

  • Madhimoni anodzingwa nemweya mutsvene (22-30)

  • Chivi chisingaregererwi (31, 32)

  • Muti unozivikanwa nemichero yawo (33-37)

  • Chiratidzo chaJona (38-42)

  • Panodzoka mweya usina kuchena (43-45)

  • Amai vaJesu nevanin’ina vake (46-50)

12  Panguva iyoyo Jesu akapfuura nemuminda yezviyo* paSabata. Vadzidzi vake vakatanga kunzwa nzara, ndokutanga kutemha hura dzezviyo vachidya.+  VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari: “Ona! Vadzidzi vako vari kuita zvisingabvumirwi nemutemo paSabata.”+  Akati kwavari: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi nevarume vaaiva navo pavakanzwa nzara?+  Mapindiro aakaita muimba yaMwari, vakadya chingwa chekuratidza,+ chakanga chisingabvumirwi nemutemo kuti iye kana vaakanga ainavo vadye, kunze kwevapristi chete?+  Kana kuti hamuna kuverenga here muMutemo kuti pamaSabata vapristi vari mutemberi vanotyora mutemo weSabata asi vasina mhosva yavanopiwa?+  Asi ndinokuudzai kuti chimwe chinhu chikuru kupfuura temberi chiri pano.+  Asi kudai manga muchinzwisisa kuti zvinorevei kuti ‘Ndinoda ngoni,+ kwete chibayiro,’+ maisazopa mhosva vanhu vasina mhosva.  Nekuti Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe weSabata.”+  Abva ipapo, akapinda musinagogi ravo, 10  uye paiva nemumwe murume aiva neruoko rwakakokonyara.+ Saka vakamubvunza kuti, “Zvinobvumirwa nemutemo here kurapa paSabata?” vachida kumuwanira mhosva.+ 11  Akati kwavari: “Kana muine gwai rimwe chete uye gwai racho rikawira mugomba paSabata, ndiani pakati penyu angarega kuribata oribudisa?+ 12  Munhu anokosha kupfuura gwai nekure! Saka zvinobvumirwa nemutemo kuita chinhu chakanaka paSabata.” 13  Akabva ati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukabva rwanaka serumwe rwacho. 14  Asi vaFarisi vakabuda panze, vakatanga kurangana kumuuraya. 15  Aziva izvi, Jesu akabva ipapo. Vazhinji vakamuteverawo,+ uye akavarapa vese, 16  asi akavaudza kuti vasatomboita kuti azivikanwe,+ 17  kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya, uyo akati: 18  “Onai! Mushumiri wangu+ wandakasarudza, wandinoda, wandakafarira!*+ Ndichaisa mweya wangu paari,+ uye achabudisa pachena kumarudzi kuti kutonga zvakarurama kuita sei. 19  Haazopopoti,+ kana kushevedzera, uyewo hapana munhu achanzwa inzwi rake mumigwagwa mikuru. 20  Hapana tsanga yakasvuuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima,+ kusvikira abudirira kuunza kururama. 21  Chokwadi, marudzi achava netariro muzita rake.”+ 22  Vakabva vamuunzira murume akanga akagarwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye akamurapa, zvekuti murume wacho aiva mbeveve akatanga kutaura nekuona. 23  Vanhu vese vakashamiswa kwazvo vakatanga kuti: “Kuti haangavi iye Mwanakomana waDhavhidhi here?” 24  Vachinzwa izvi, vaFarisi vakati: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu,* mutongi wemadhimoni.”+ 25  Achiziva zvavaifunga, iye akati kwavari: “Umambo hwese hwakapesana hunoparara, uye guta rese kana imba yakapesana haizomiri. 26  Zvino kana Satani achidzinga Satani, anenge achizvirwisa; saka umambo hwake hucharamba sei hwakamira? 27  Zvakare, kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu vanoadzinga vachishandisa ani? Ndokusaka vachizova vatongi venyu. 28  Asi kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa mweya waMwari, chokwadi Umambo hwaMwari hwakusvikirai.+ 29  Kana kuti munhu angapinda sei nechisimba mumba memunhu akasimba omutorera zvinhu zvake, asina kutanga asunga munhu wacho akasimba? Kana adaro, ndipo chete paanozokwanisa kupamba zvinhu zvake. 30  Munhu wese asiri kudivi rangu anorwisana neni, uye wese asingaunganidzi neni anoparadzira.+ 31  “Nekuda kwechikonzero ichi ndinoti kwamuri, zvivi zvemarudzi ese nekumhura zvichakanganwirwa vanhu, asi kumhura mweya hakuzokanganwirwi.+ 32  Semuenzaniso, munhu wese anotaura zvakaipa nezveMwanakomana wemunhu, achakanganwirwa;+ asi munhu wese anotaura zvakaipa nezvemweya mutsvene, haazokanganwirwi, aiwa, kwete mumamiriro ano ezvinhu* kana mune aya anouya.+ 33  “Munogona kuita kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ive yakanaka kana kuti muti uve wakaipa uye michero yawo ive yakaipa, nekuti muti unozivikanwa nemichero yawo.+ 34  Vana venyoka,+ mungataura sei zvinhu zvakanaka imi makaipa? Nekuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+ 35  Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka, asi munhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.+ 36  Ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira+ paZuva Rekutongwa pamusoro peshoko rese risingabatsiri ravanotaura; 37  nekuti uchanzi wakarurama nemashoko ako, kana kuti uchapiwa mhosva nemashoko ako.” 38  Vamwe vevanyori nevaFarisi vachimupindura, vakabva vati: “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chinobva kwamuri.”+ 39  Akavapindura kuti: “Chizvarwa chakaipa uye cheupombwe* chinoramba chichitsvaga chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chemuprofita Jona.+ 40  Nekuti sezvakangoita Jona kuti aiva mudumbu rehove huru kwemazuva matatu neusiku hutatu,+ Mwanakomana wemunhu achavawo mumwoyo wenyika kwemazuva matatu neusiku hutatu.+ 41  Vanhu vekuNinivhi vachamuka pakutongwa nechizvarwa chino uye vachachipa mhosva, nekuti vakapfidza zvivi zvavo pavakaparidzirwa naJona.+ Asi onai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano.+ 42  Mambokadzi wekumaodzanyemba achamutswa pakutongwa pamwe chete nechizvarwa chino uye acharatidza kuti chine mhosva, nekuti akabva pasi kwenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni.+ Asi onai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.+ 43  “Mweya usina kuchena paunobuda mumunhu, unopfuura nemunzvimbo dzisina mvura uchitsvaga pekuzororera, wopashaya.+ 44  Unobva wati, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva,’ uye uchisvika, unowana imba yacho isingagarwi asi yakanyatsotsvairwa uye yakashongedzwa. 45  Unobva waenda wonotora mimwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, uye kana yapinda mukati, inogara imomo; uye munhu iyeye anopedzisira aipa kupfuura zvaaiva pakutanga.+ Ndizvo zvazvichaitawo nechizvarwa chino chakaipa.” 46  Achiri kutaura nevanhu, amai vake nevanin’ina vake+ vakanga vakamira panze, vachida kutaura naye.+ 47  Saka mumwe munhu akati kwaari: “Ona! Amai vako nevanin’ina vako vakamira panze; vari kuda kutaura newe.” 48  Akapindura munhu akanga amuudza izvozvo achiti: “Amai vangu ndiani, uye vanin’ina vangu ndivanaani?” 49  Achitambanudzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: “Ona! Amai vangu nevanin’ina vangu!+ 50  Nekuti munhu wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.”+

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “akafarirwa nemweya wangu!”
Iri izita rinopiwa Satani.
Kana kuti “chisina kutendeka.”