Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 11:1-30

  • Johani Mubhabhatidzi anorumbidzwa (1-15)

  • Chizvarwa chisina kuteerera chinoshorwa (16-24)

  • Jesu anorumbidza Baba vake nekuti vanofarira vanozvininipisa (25-27)

  • Joko raJesu rinozorodza (28-30)

11  Jesu paakanga apedza kurayira vadzidzi vake 12, akabva ipapo akaenda kunodzidzisa nekuparidza mumaguta avo.+ 2  Asi Johani paakanzwa ari mujeri+ nezvemabasa aKristu, akatumira vadzidzi vake+ 3  kunomubvunza kuti: “Ndimi here uya akanzi Anouya, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?”+ 4  Jesu akavapindura achiti: “Endai munoudza Johani zvamuri kunzwa nekuona, zvekuti:+ 5  Mapofu ava kuona,+ vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi+ vari kucheneswa uye matsi dzava kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.+ 6  Anofara munhu asingawani chinomugumbura pandiri.”+ 7  Ava pavakanga vachienda, Jesu akatanga kubvunza vanhu nezvaJohani achiti: “Pamakabuda muchienda kurenje maienda kunoonei?+ Tsanga yaizununguswa nemhepo here?+ 8  Saka makaenda kunoonei? Munhu akapfeka zvipfeko zvakapfavirira* here? Nekuti vaya vanopfeka zvipfeko zvakapfavirira vari mudzimba dzemadzimambo. 9  Saka makaenda kunoiteiko? Kunoona muprofita here? Chokwadi, ndinokuudzai, anotopfuura muprofita.+ 10  Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti: ‘Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu ichafanokugadzirira nzira pamberi pako!’+ 11  Chokwadi ndinoti kwamuri, pavanhu vese vakararama* hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwekudenga mukuru kwaari.+ 12  Kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira iye zvino, Umambo hwekudenga ndihwo chinangwa chiri kuvavarirwa nevanhu, uye vaya vari kuhuvavarira vari kuhuwana.+ 13  Nekuti Vaprofita vese neMutemo, vakaprofita kusvikira pana Johani;+ 14  uye kana muchida kuzvibvuma, ndiye ‘Eriya anofanira kuuya.’+ 15  Ane nzeve ngaanzwe. 16  “Chizvarwa chino ndingachifananidza naani?+ Chakafanana nevana vadiki vakagara mumisika vanoshevedzera kuvamwe vavo vavari kutamba navo 17  vachiti: ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaridza mhere, asi hamuna kuzvirova neshungu.’ 18  Saizvozvowo, Johani akauya asingadyi kana kunwa, asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni.’ 19  Mwanakomana wemunhu akauya achidya uye achinwa,+ asi vanhu vanoti, ‘Onai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.’+ Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama* nemabasa ahwo.”*+ 20  Akabva atanga kutsoropodza maguta aakanga aitira mabasa ake esimba akawanda, nekuti vakanga vasina kupfidza zvivi zvavo: 21  “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! nekuti dai mabasa esimba akaitika mamuri akanga aitika muTire neSidhoni, maguta aya angadai akapfidza zvivi zvawo kare kare akapfeka masaga nekuzora madota.+ 22  Asi ndinoti kwamuri, zvichaitika kuTire neSidhoni paZuva Rekutongwa zviri nani pane zvichaitika kwamuri.+ 23  Uye iwe, Kapenaume,+ uri kuti uchakwidziridzwa kudenga here? Uchadzika kuGuva;*+ nekuti dai mabasa esimba akaitika mauri akanga aitika muSodhomu, ingadai yakaramba iripo nanhasi. 24  Asi ndinoti kwauri, zvichaitika kunyika yeSodhomu paZuva Rekutongwa zviri nani pane zvichaitika kwauri.”+ 25  Panguva iyoyo Jesu akabva ati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vana vadiki.+ 26  Hongu, Baba, nekuti izvi ndizvo zvakakufadzai. 27  “Zvinhu zvese zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu,+ uye hapana anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba;+ uyewo hapana anonyatsoziva Baba kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.+ 28  Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. 29  Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa,+ uye muchawana zororo.* 30  Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.”

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “zvakanaka.”
^ ChiGir., “vakaberekwa nevakadzi.”
^ Kana kuti “hunorevererwa.”
^ Kana kuti “nezvahunobudisa.”
^ Kana kuti “kuHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “zororo remweya yenyu.”