Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 20:1-34

  • Vashandi vemumunda wemizambiringa vanobhadharwa zvakafanana (1-16)

  • Jesu anotaura zvakare nezverufu rwake (17-19)

  • Kukumbira zvinzvimbo muUmambo (20-28)

    • Jesu anodzikinura vazhinji (28)

  • Mapofu maviri anoporeswa (29-34)

20  “Nekuti Umambo hwekudenga hwakafanana natenzi wemba akafumira kunotsvaga vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa.+  Pashure pekubvumirana nevashandi kuti aizovapa dhinari* pazuva, akavati vashande mumunda wake wemizambiringa.  Akabudazve paawa inenge yechitatu,* ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita;  uye akati kwavari, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai zvakakukodzerai.’  Saka vakapinda. Akabudazve paawa inenge yechi6* neyechi9* akaita saizvozvo.  Akazobuda kekupedzisira paawa inenge yechi11,* akawana vamwe vakangomira, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’  Vakamupindura kuti, ‘Hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’  “Ava manheru, tenzi wemunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Shevedza vashandi uvape mibhadharo yavo,+ uchitanga newekupedzisira, wopedzisira newekutanga.’  Varume veawa yechi11 pavakasvika, vakapiwa dhinari* pamunhu. 10  Saka vekutanga pavakazosvika, vakafunga kuti vaizogamuchira akawanda, asi naivowo vakabhadharwa dhinari* pamunhu. 11  Pavakarigamuchira, vakatanga kunyunyuta kuna tenzi wemba, 12  vakati, ‘Vekupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichifondoka tichipiswa nezuva!’ 13  Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, hapana chandakutadzira. Hauna kubvumirana neni kuti ndichakupa dhinari* here?+ 14  Tora mubhadharo wako uende. Ndinoda kupa wekupedzisira uyu zvakafanana nezvandakupa. 15  Handina kodzero yekuita zvandinoda nezvinhu zvangu here? Kana kuti ziso rako rava kuita ruchiva* nekuti ini ndiri munhu akanaka here?’*+ 16  Saka vekupedzisira vachava vekutanga, uye vekutanga vachava vekupedzisira.”+ 17  Paakanga ava kukwidza kuJerusarema, Jesu akatora vadzidzi vake 12 parutivi, akati kwavari vari mumugwagwa:+ 18  “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu,+ 19  vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi kuti vamunyombe uye vamurove zvakasimba uye kuti vamuroverere padanda;+ asi achamutswa pazuva rechitatu.”+ 20  Amai vevanakomana vaZebhedhi+ vakabva vasvika paari nevanakomana vavo vaine chikumbiro chavo, vakamupfugamira.+ 21  Akati kwavari: “Munodei?” Ivo vakamupindura vachiti: “Itai kuti vanakomana vangu vaviri ava vagare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi uye mumwe kuruboshwe, muUmambo hwenyu.”+ 22  Jesu akapindura achiti: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandava kuda kunwira?”+ Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” 23  Iye akati kwavari: “Ichokwadi kuti muchanwira mukapu yangu,+ asi zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.”+ 24  Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira mukoma nemunin’ina ava.+ 25  Asi Jesu akavashevedza akati: “Munoziva kuti vatongi vevanhu vemamwe marudzi vanozviita madzishe pavari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba ravo pavari.+ 26  Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu;+ asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 27  uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.+ 28  Sezvakangoitwa neMwanakomana wemunhu, uyo asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+ 29  Pavakanga vava kubuda muJeriko, vanhu vazhinji vakamutevera. 30  Uye vamwe varume vaviri mapofu vakanga vagere parutivi pemugwagwa vakabva vanzwa kuti Jesu akanga achipfuura naipapo, ndokushevedzera kuti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”+ 31  Asi vanhu vakavatsiura, vachivaudza kuti vanyarare; asi ivo vakatonyanya kushevedzera, vachiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!” 32  Saka Jesu akamira, akavashevedza, akati: “Munoda kuti ndikuitirei chii?” 33  Ivo vakati kwaari: “Ishe, itai kuti maziso edu asvinure.” 34  Asiririswa, Jesu akabata maziso avo,+ vakabva vatanga kuona pakarepo, vakamutevera.

Mashoko Emuzasi

Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kureva, kuma5:00 dzemanheru.
ChiGir., “rakaipa.”
Kana kuti “ane mwoyochena; anopa.”
Kana kuti “mweya wake.”