Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 20:1-34
20 “Nekuti Umambo hwekudenga hwakafanana natenzi wemba akafumira kunotsvaga vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa.+
2 Pashure pekubvumirana nevashandi kuti aizovapa dhinari* pazuva, akavati vashande mumunda wake wemizambiringa.
3 Akabudazve paawa inenge yechitatu,* ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita;
4 uye akati kwavari, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai zvakakukodzerai.’
5 Saka vakapinda. Akabudazve paawa inenge yechi6* neyechi9* akaita saizvozvo.
6 Akazobuda kekupedzisira paawa inenge yechi11,* akawana vamwe vakangomira, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’
7 Vakamupindura kuti, ‘Hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’
8 “Ava manheru, tenzi wemunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Shevedza vashandi uvape mibhadharo yavo,+ uchitanga newekupedzisira, wopedzisira newekutanga.’
9 Varume veawa yechi11 pavakasvika, vakapiwa dhinari* pamunhu.
10 Saka vekutanga pavakazosvika, vakafunga kuti vaizogamuchira akawanda, asi naivowo vakabhadharwa dhinari* pamunhu.
11 Pavakarigamuchira, vakatanga kunyunyuta kuna tenzi wemba,
12 vakati, ‘Vekupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichifondoka tichipiswa nezuva!’
13 Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, hapana chandakutadzira. Hauna kubvumirana neni kuti ndichakupa dhinari* here?+
14 Tora mubhadharo wako uende. Ndinoda kupa wekupedzisira uyu zvakafanana nezvandakupa.
15 Handina kodzero yekuita zvandinoda nezvinhu zvangu here? Kana kuti ziso rako rava kuita ruchiva* nekuti ini ndiri munhu akanaka here?’*+
16 Saka vekupedzisira vachava vekutanga, uye vekutanga vachava vekupedzisira.”+
17 Paakanga ava kukwidza kuJerusarema, Jesu akatora vadzidzi vake 12 parutivi, akati kwavari vari mumugwagwa:+
18 “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu,+
19 vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi kuti vamunyombe uye vamurove zvakasimba uye kuti vamuroverere padanda;+ asi achamutswa pazuva rechitatu.”+
20 Amai vevanakomana vaZebhedhi+ vakabva vasvika paari nevanakomana vavo vaine chikumbiro chavo, vakamupfugamira.+
21 Akati kwavari: “Munodei?” Ivo vakamupindura vachiti: “Itai kuti vanakomana vangu vaviri ava vagare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi uye mumwe kuruboshwe, muUmambo hwenyu.”+
22 Jesu akapindura achiti: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandava kuda kunwira?”+ Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.”
23 Iye akati kwavari: “Ichokwadi kuti muchanwira mukapu yangu,+ asi zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.”+
24 Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira mukoma nemunin’ina ava.+
25 Asi Jesu akavashevedza akati: “Munoziva kuti vatongi vevanhu vemamwe marudzi vanozviita madzishe pavari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba ravo pavari.+
26 Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu;+ asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+
27 uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.+
28 Sezvakangoitwa neMwanakomana wemunhu, uyo asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+
29 Pavakanga vava kubuda muJeriko, vanhu vazhinji vakamutevera.
30 Uye vamwe varume vaviri mapofu vakanga vagere parutivi pemugwagwa vakabva vanzwa kuti Jesu akanga achipfuura naipapo, ndokushevedzera kuti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”+
31 Asi vanhu vakavatsiura, vachivaudza kuti vanyarare; asi ivo vakatonyanya kushevedzera, vachiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”
32 Saka Jesu akamira, akavashevedza, akati: “Munoda kuti ndikuitirei chii?”
33 Ivo vakati kwaari: “Ishe, itai kuti maziso edu asvinure.”
34 Asiririswa, Jesu akabata maziso avo,+ vakabva vatanga kuona pakarepo, vakamutevera.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
^ Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
^ Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
^ Kureva, kuma5:00 dzemanheru.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ ChiGir., “rakaipa.”
^ Kana kuti “ane mwoyochena; anopa.”
^ Kana kuti “mweya wake.”