Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 17:1-27

  • Jesu anoshanduka (1-13)

  • Kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi (14-21)

  • Jesu anotaura zvakare nezverufu rwake (22, 23)

  • Mutero wakabhadharwa nemari yakatorwa mumuromo mehove (24-27)

17  Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho nemunin’ina wake Johani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega.+  Uye akashanduka pamberi pavo; chiso chake chakatanga kupenya sezuva, nguo dzake dzekunze dzikabwinya* sechiedza.+  Uye vakazongoona Mozisi naEriya vava kukurukura naye.  Petro akabva ati kuna Jesu: “Ishe, zvakanaka kuti tiri pano. Kana muchida, ndichadzika matende matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.”  Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravafukidza, uye inzwi raibva mugore racho rakabva rati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira.+ Muteererei.”+  Pavakanzwa izvi, vadzidzi vakawira pasi vakatya kwazvo.  Jesu akabva aswedera pedyo navo, uye achivabata, akati: “Simukai. Musatya.”  Pavakasimudza misoro, hapana wavakaona kunze kwaJesu chete.  Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavaudza kuti: “Musaudza vanhu zvamaratidzwa kusvikira Mwanakomana wemunhu amutswa kuvakafa.”+ 10  Asi vadzidzi vakamubvunza kuti: “Saka nei vanyori vachiti Eriya ndiye anofanira kutanga kuuya?”+ 11  Akapindura achiti: “Eriya zvechokwadi ari kuuya uye achadzorera zvinhu zvese.+ 12  Asi ndinoti kwamuri, Eriya akatouya, uye havana kumuziva asi vakaita zvavaida naye.+ Izvi ndizvo zvichaitikawo kuMwanakomana wemunhu; achatambura mumaoko avo.”+ 13  Vadzidzi vakabva vaziva kuti akanga achitaura navo nezvaJohani Mubhabhatidzi. 14  Pavakasvika pedyo nevanhu,+ mumwe murume akasvika kwaari, akamupfugamira akati: 15  “Ishe, nzwirai mwanakomana wangu ngoni, nekuti ane pfari uye ari kurwara. Anowanzopunzikira mumoto uye mumvura.+ 16  Ndauya naye kuvadzidzi venyu, asi vatadza kumurapa.” 17  Jesu akapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda, chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Kusvikira riini ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai naye pano.” 18  Jesu akabva atuka dhimoni racho, rikabuda maari, uye mukomana wacho akabva angopora kubvira panguva iyoyo.+ 19  Vadzidzi vakabva vauya kuna Jesu pasina vamwe vanhu vakati: “Nei tatadza kuridzinga?” 20  Akati kwavari: “Pamusana pekutenda kwenyu kudiki. Nekuti chokwadi ndinoti kwamuri, kana muine kutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.”+ 21 * —— 22  Pavakanga vakaungana muGarireya Jesu akati kwavari: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+ 23  vomuuraya, uye pazuva rechitatu achamutswa.”+ Izvi zvakavarwadza zvikuru. 24  Pavakasvika muKapenaume, varume vaitora mutero wemadrakema* maviri vakasvika kuna Petro, vakati: “Mudzidzisi wenyu anotera mutero wemadrakema maviri here?”+ 25  Iye akati: “Hongu.” Asi paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura naye achiti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anotora miripo kana mutero* kunaani? Kuvanakomana vavo here kana kuti kuvamwe vanhu?” 26  Paakati: “Kuvamwe vanhu,” Jesu akati kwaari: “Saka kana zvakadaro, vanakomana havateri. 27  Asi kuti tirege kuvagumbura,+ enda kugungwa, ukande chirauro, wotora hove inotanga kubuda, uye paunoivhura muromo, uchawana mari yesirivha.* Itore uvape, ubhadharire ini newe.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “dzikachena.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
ChiGir., “mari yesitateri,” iyo inonzi ndiyo tetradrakema. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.