Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 17:1-27
17 Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho nemunin’ina wake Johani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega.+
2 Uye akashanduka pamberi pavo; chiso chake chakatanga kupenya sezuva, nguo dzake dzekunze dzikabwinya* sechiedza.+
3 Uye vakazongoona Mozisi naEriya vava kukurukura naye.
4 Petro akabva ati kuna Jesu: “Ishe, zvakanaka kuti tiri pano. Kana muchida, ndichadzika matende matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.”
5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravafukidza, uye inzwi raibva mugore racho rakabva rati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira.+ Muteererei.”+
6 Pavakanzwa izvi, vadzidzi vakawira pasi vakatya kwazvo.
7 Jesu akabva aswedera pedyo navo, uye achivabata, akati: “Simukai. Musatya.”
8 Pavakasimudza misoro, hapana wavakaona kunze kwaJesu chete.
9 Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavaudza kuti: “Musaudza vanhu zvamaratidzwa kusvikira Mwanakomana wemunhu amutswa kuvakafa.”+
10 Asi vadzidzi vakamubvunza kuti: “Saka nei vanyori vachiti Eriya ndiye anofanira kutanga kuuya?”+
11 Akapindura achiti: “Eriya zvechokwadi ari kuuya uye achadzorera zvinhu zvese.+
12 Asi ndinoti kwamuri, Eriya akatouya, uye havana kumuziva asi vakaita zvavaida naye.+ Izvi ndizvo zvichaitikawo kuMwanakomana wemunhu; achatambura mumaoko avo.”+
13 Vadzidzi vakabva vaziva kuti akanga achitaura navo nezvaJohani Mubhabhatidzi.
14 Pavakasvika pedyo nevanhu,+ mumwe murume akasvika kwaari, akamupfugamira akati:
15 “Ishe, nzwirai mwanakomana wangu ngoni, nekuti ane pfari uye ari kurwara. Anowanzopunzikira mumoto uye mumvura.+
16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu, asi vatadza kumurapa.”
17 Jesu akapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda, chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Kusvikira riini ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai naye pano.”
18 Jesu akabva atuka dhimoni racho, rikabuda maari, uye mukomana wacho akabva angopora kubvira panguva iyoyo.+
19 Vadzidzi vakabva vauya kuna Jesu pasina vamwe vanhu vakati: “Nei tatadza kuridzinga?”
20 Akati kwavari: “Pamusana pekutenda kwenyu kudiki. Nekuti chokwadi ndinoti kwamuri, kana muine kutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.”+
21 * ——
22 Pavakanga vakaungana muGarireya Jesu akati kwavari: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+
23 vomuuraya, uye pazuva rechitatu achamutswa.”+ Izvi zvakavarwadza zvikuru.
24 Pavakasvika muKapenaume, varume vaitora mutero wemadrakema* maviri vakasvika kuna Petro, vakati: “Mudzidzisi wenyu anotera mutero wemadrakema maviri here?”+
25 Iye akati: “Hongu.” Asi paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura naye achiti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anotora miripo kana mutero* kunaani? Kuvanakomana vavo here kana kuti kuvamwe vanhu?”
26 Paakati: “Kuvamwe vanhu,” Jesu akati kwaari: “Saka kana zvakadaro, vanakomana havateri.
27 Asi kuti tirege kuvagumbura,+ enda kugungwa, ukande chirauro, wotora hove inotanga kubuda, uye paunoivhura muromo, uchawana mari yesirivha.* Itore uvape, ubhadharire ini newe.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “dzikachena.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A3.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
^ ChiGir., “mari yesitateri,” iyo inonzi ndiyo tetradrakema. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.