Tsamba kuvaRoma 7:1-25

  • Mufananidzo unoratidza kusunungurwa paMutemo (1-6)

  • Mutemo wakaita kuti chivi chizivikanwe (7-12)

  • Kurwisana nechivi (13-25)

7  Hama, kungava here kuti hamuzivi (nekuti ndiri kutaura nevaya vanoziva mutemo) kuti Mutemo nditenzi pamunhu kana achiri mupenyu?  Semuenzaniso, mukadzi akaroorwa akasungwa nemutemo kumurume wake paanenge achiri mupenyu; asi kana murume wake akafa, iye asunungurwa pamutemo wemurume wake.+  Saka kana akaroorwa nemumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anganzi imhombwe.+ Asi kana murume wake akafa, iye asununguka pamutemo wemurume wake, zvekuti kana akaroorwa nemumwe murume anenge asiri mhombwe.+  Saka hama dzangu, imiwo makaitwa vakafa kuMutemo nemuviri waKristu, kuti muve vemumwe munhu,+ uya akamutswa kuvakafa,+ kuti tiberekere Mwari zvibereko.+  Nekuti patairarama maererano nenyama, zvido zvekutadza, izvo zvaimutswa neMutemo, zvakanga zvichishanda mumiviri* yedu kuti zvibereke zvibereko zvinokonzera rufu.+  Asi iye zvino takasunungurwa paMutemo,+ nekuti takafa pane chaitidzora, kuti mweya utiite varanda patsva,+ kwete zvataiitwa kare nebumbiro rakanyorwa.+  Saka totii? Mutemo chivi here? Hazvifaniri kudaro zvachose! Chokwadi ndingadai ndisina kusvika pakuziva chinonzi chivi kudai pakanga pasina Mutemo.+ Semuenzaniso, ndingadai ndisina kuziva chinonzi kuchiva kudai Mutemo usina kuti: “Usachiva.”+  Asi chivi pachakawana mukana wachakapiwa nemurayiro, chakaita kuti mandiri muve nekuchiva kwemarudzi ese, nekuti mutemo usipo chivi chakanga chakafa.+  Ndingatoti ndaimbova mupenyu mutemo usati wavapo. Asi pakasvika murayiro, chivi chakavazve chipenyu, ini ndikafa.+ 10  Uye murayiro waifanira kuendesa kuupenyu+ ndakauwana uchiendesa kurufu. 11  Nekuti chivi pachakawana mukana wachakapiwa nemurayiro, chakandinyengedza, chikandiuraya chichiushandisa. 12  Saka Mutemo pachawo mutsvene, uye murayiro mutsvene, wakarurama uye wakanaka.+ 13  Saka ndakaurayiwa nechinhu chakanaka here? Hazvina kana kumbodaro! Asi chivi ndicho chakandiuraya, kuti zvibude pachena kuti chivi ndicho chiri kukonzera rufu mandiri chichishandisa chinhu chakanaka,+ kuti murayiro unyatsobudisa kuipa kwakaita chivi.+ 14  Nekuti tinoziva kuti Mutemo ndewemweya, asi ini ndiri munhu wenyama, akatengeswa kuchivi.+ 15  Nekuti handizivi zvandiri kuita. Nekuti handiiti zvandinoda, asi ndinoita zvandinovenga. 16  Asi kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvuma kuti Mutemo wakanaka. 17  Asi iye zvino handisisiri ini ndiri kuzviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita.+ 18  Nekuti ndinoziva kuti mandiri, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nekuti ndine chido chekuita zvakanaka, asi simba racho rekuzviita handina.+ 19  Nekuti handiiti zvakanaka zvandinoda, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. 20  Saka kana ndichiita zvandisingadi, handisisiri ini ndiri kuzviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita. 21  Ndinobva ndawana mutemo uyu mandiri: Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.+ 22  Ndinonyatsofarira mutemo waMwari nezvandiri nechemukati,+ 23  asi ndinoona mumuviri mangu* mumwe mutemo uchirwisana nemutemo wepfungwa dzangu+ uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi+ uri mumuviri mangu.* 24  Ndiri munhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa? 25  Ndinotenda Mwari nekuna Jesu Kristu Ishe wedu! Saka nepfungwa dzangu ini ndiri muranda wemutemo waMwari, asi nenyama yangu ndiri muranda wemutemo wechivi.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “munhengo dzemiviri.”
ChiGir., “munhengo dzemuviri wangu.”
ChiGir., “munhengo dzemuviri wangu.”