Tsamba kuvaRoma 13:1-14

  • Kuzviisa pasi pevane masimba (1-7)

    • Kubhadhara mitero (6, 7)

  • Rudo runozadzisa Mutemo (8-10)

  • Fambai sekunge kuti masikati (11-14)

13  Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba,+ nekuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari;+ vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.+  Saka wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari; vaya vanorwisana nahwo vachatongwa.  Nekuti vatongi havatyiwi nevaya vanoita mabasa akanaka, asi vaya vanoita akaipa.+ Unoda here kugara usingatyi vaya vane masimba? Ramba uchiita zvakanaka,+ uye vachakurumbidza;  nekuti ivo vanoshumira Mwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya, nekuti havabati bakatwa pasina. Nekuti ivo vashumiri vaMwari, vanotsiva vachiratidza hasha pamunhu* anoita zvakaipa.  Saka pane chikonzero chakasimba chekuti muzviise pasi, musingangozviitiri hasha idzodzo chete asiwo nekuda kwehana yenyu.+  Ndokusaka muchibhadharawo mitero; nekuti ivo vashandi vaMwari vanogara vachibatsira ruzhinji nechinangwa ichi.  Ipai vese zvakavakodzera: kune anoti anoda mutero, mutero;+ kune anoti anoda muripo, muripo; kune anoti anoda kutyiwa, kutyiwa kwacho;+ kune anoti anoda kukudzwa, kukudzwa kwacho.+  Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwekudanana;+ nekuti wese anoda mumwe wake azadzisa mutemo.+  Nekuti bumbiro remutemo rinoti, “Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usachiva,”+ uye mimwe mirayiro yese iripo, inobatanidzwa mumashoko aya ekuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 10  Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa;+ saka rudo kuzadziswa kwemutemo.+ 11  Uye itai izvi nekuti munoziva mwaka, kuti yatova nguva yekuti mumuke kuhope,+ nekuti iye zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi. 12  Usiku hwafamba; kwava kuda kuedza. Saka ngatibvisei mabasa erima+ uye ngatipfekei zvombo zvechiedza.+ 13  Ngatifambei zvine unhu+ sezvinoita vanhu kana ari masikati, kwete kuita mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa, upombwe uye tsika dzakafumuka,*+ uye kukakavadzana negodo.+ 14  Asi pfekai Ishe Jesu Kristu,+ uye musaita zvekuronga kugutsa kuchiva kwenyama.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vachiranga munhu.”
Kana kuti “kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”