Tsamba kuvaRoma 13:1-14
13 Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba,+ nekuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari;+ vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.+
2 Saka wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari; vaya vanorwisana nahwo vachatongwa.
3 Nekuti vatongi havatyiwi nevaya vanoita mabasa akanaka, asi vaya vanoita akaipa.+ Unoda here kugara usingatyi vaya vane masimba? Ramba uchiita zvakanaka,+ uye vachakurumbidza;
4 nekuti ivo vanoshumira Mwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya, nekuti havabati bakatwa pasina. Nekuti ivo vashumiri vaMwari, vanotsiva vachiratidza hasha pamunhu* anoita zvakaipa.
5 Saka pane chikonzero chakasimba chekuti muzviise pasi, musingangozviitiri hasha idzodzo chete asiwo nekuda kwehana yenyu.+
6 Ndokusaka muchibhadharawo mitero; nekuti ivo vashandi vaMwari vanogara vachibatsira ruzhinji nechinangwa ichi.
7 Ipai vese zvakavakodzera: kune anoti anoda mutero, mutero;+ kune anoti anoda muripo, muripo; kune anoti anoda kutyiwa, kutyiwa kwacho;+ kune anoti anoda kukudzwa, kukudzwa kwacho.+
8 Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwekudanana;+ nekuti wese anoda mumwe wake azadzisa mutemo.+
9 Nekuti bumbiro remutemo rinoti, “Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usachiva,”+ uye mimwe mirayiro yese iripo, inobatanidzwa mumashoko aya ekuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+
10 Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa;+ saka rudo kuzadziswa kwemutemo.+
11 Uye itai izvi nekuti munoziva mwaka, kuti yatova nguva yekuti mumuke kuhope,+ nekuti iye zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi.
12 Usiku hwafamba; kwava kuda kuedza. Saka ngatibvisei mabasa erima+ uye ngatipfekei zvombo zvechiedza.+
13 Ngatifambei zvine unhu+ sezvinoita vanhu kana ari masikati, kwete kuita mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa, upombwe uye tsika dzakafumuka,*+ uye kukakavadzana negodo.+
14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu,+ uye musaita zvekuronga kugutsa kuchiva kwenyama.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vachiranga munhu.”
^ Kana kuti “kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”