Tsamba kuvaRoma 2:1-29

  • Mutongo waMwari pavaJudha nevaGiriki (1-16)

    • Mashandiro anoita hana (14, 15)

  • VaJudha uye Mutemo (17-24)

  • Kuchecheudzwa kwemwoyo (25-29)

2  Saka iwe munhu, kana uchitonga vamwe, haugoni kunzi hauna mhosva, pasinei nekuti ndiwe ani;+ nekuti pauri kutonga mumwe, uri kuzvipa mhosva, nekuti iwe wacho unotonga unoitawo zvaari kuita iye.+  Tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi, kuchirwisana nevaya vanoita zvinhu zvakadaro.  Asi iwe munhu, paunotonga vanhu vanoita zvinhu zvakadaro iwe uchizviitawo, unofunga kuti uchapona here pakutonga kwaMwari?  Kana kuti unozvidza here pfuma yemutsa wake+ uye kunonoka kwake kutsamwa nemwoyo murefu wake,+ usingazivi kuti Mwari ari kuratidza mutsa wake achiedza kuita kuti upfidze zvivi zvako?+  Asi nekuomesa kwauri kuita musoro uchirega kupfidza zvivi mumwoyo mako, uri kuzviunganidzira hasha pazuva rehasha dzaMwari raacharatidza kutonga kwake kwakarurama.+  Uye achaitira mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake:+  upenyu husingaperi kune vaya vari kutsvaga kubwinya nekukudzwa nekusaora+ vachitsungirira mubasa rakanaka;  asi hasha nekutsamwa kune vaya vane nharo uye vasingateereri chokwadi, vachiteerera zvinhu zvisina kururama.+  Pachava nekutambudzika nenhamo pamunhu wese* anoita zvakaipa, kutanga pamuJudha uyewo pamuGiriki; 10  asi kubwinya nekukudzwa nerugare zvichava pamunhu wese anoita zvakanaka, kutanga pamuJudha+ uyewo pamuGiriki.+ 11  Nekuti Mwari haasaruri.+ 12  Nekuti vese vakatadza vasina mutemo vachapararawo vasina mutemo;+ asi vese vakatadza vari pasi pemutemo vachatongwa nemutemo.+ 13  Nekuti vanonzwa mutemo havasi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vanotevedzera mutemo vachanzi vakarurama.+ 14  Nekuti vanhu vemamwe marudzi, avo vasina mutemo,+ pavanoita zvinhu zvemutemo maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. 15  Ivo ndivo vanoratidza vega kuti mutemo wakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo ichipupurirana navo, uye zvavanofunga zvinoita kuti vapiwe mhosva kana kuti vanzi havana mhosva. 16  Izvi zvichaitika pazuva richashandiswa Kristu Jesu naMwari kuti atonge zvinhu zvevanhu zvakavanzika,+ maererano nemashoko akanaka andinozivisa. 17  Kana uchizviti uri muJudha,+ uchivimba neMutemo uye uchidada nekuti unonamata Mwari, 18  uchiziva kuda kwake uye uchibvumira zvinhu zvakanaka nekuti unodzidziswa Mutemo,+ 19  uye uine chokwadi kuti uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevaya vari murima, 20  mururamisi wevasingafungi, mudzidzisi wevana, uye uchinyatsonzwisisa maumbirwo akaitwa ruzivo nechokwadi zviri muMutemo, 21  hauzvidzidzisi here, sezvo uri iwe unodzidzisa vamwe?+ Iwe unoparidza kuti “Usaba,”+ haubi here? 22  Iwe unoti “Usaita upombwe,”+ hauiti upombwe here? Iwe unosema zvidhori, haubiri temberi here? 23  Iwe unodada neMutemo, hauzvidzi Mwari here nekutyora kwaunoita Mutemo? 24  Nekuti “zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhaka yenyu,” sekunyorwa kwazvakaitwa.+ 25  Kuchecheudzwa+ kunongobatsira chete kana uchitevedzera mutemo;+ asi kana uchityora mutemo, kuchecheudzwa kwako hakuna zvakunobatsira. 26  Saka kana munhu asina kuchecheudzwa+ achitevedzera zvinhu zvakarurama zviri muMutemo, kusachecheudzwa kwake hakunganzi kuchecheudzwa here?+ 27  Uye munhu asina kuchecheudzwa panyama, kana achitevedzera Mutemo, achakutonga iwe unotyora mutemo kunyange zvazvo uine bumbiro rawo rakanyorwa uye wakachecheudzwa. 28  Nekuti anonzi muJudha haasi uya akadaro nechekunze,+ uye kuchecheudzwa hakusi kuya kwekunze, kwakaitwa panyama.+ 29  Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechemukati,+ uye kuchecheudzwa kwake ndekuya kwemwoyo+ kunoitwa nemweya, kwete kunobva pabumbiro remutemo rakanyorwa.+ Kurumbidzwa kwemunhu iyeye kunobva kuna Mwari, kwete kuvanhu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “pamweya wemunhu wese.”