Bhuku raZvakazarurwa 14:1-20

  • Gwayana nevane 144 000 (1-5)

  • Mashoko engirozi nhatu (6-12)

    • Ngirozi iri pakati pedenga ine mashoko akanaka (6, 7)

  • Vanofara vaya vanofa vari pamwe naKristu (13)

  • Kukohwa kuviri panyika (14-20)

14  Ndakabva ndaona Gwayana+ rimire paGomo reZiyoni,+ riine vane 144 000+ vakanyorwa zita raro nezita raBaba+ varo pahuma dzavo.  Ndakanzwa ruzha rwaibva kudenga rwaiita semvura zhinji uye semabhanan’ana makuru; uye ruzha rwandakanzwa rwakanga rwakaita serwevaimbi vari kuimba vachiridza udimbwa hwavo.  Uye vari kuimba rwiyo runoita serwiyo rutsva+ vari pamberi pechigaro cheumambo nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina+ nepevakuru,+ uye hapana akakwanisa kudzidza rwiyo irworwo kunze kwevaya vane 144 000,+ vakatengwa panyika.  Ava ndivo vasina kuzvisvibisa nevakadzi; chokwadi, vakaita semhandara.*+ Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nekwarinoenda.+ Vakatengwa+ pakati pevanhu sezvibereko zvekutanga+ kuna Mwari nekuGwayana,  uye hapana unyengeri hwakawanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.+  Zvino ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga,* uye yaiva nemashoko akanaka anogara nekusingaperi ekuzivisa kuvanhu vanogara panyika, kumarudzi ese nemadzinza nendimi* nevanhu.+  Yaiti nenzwi guru: “Ityai Mwari mumukudze, nekuti nguva* yekuti atonge vanhu yasvika,+ saka namatai iye akasika denga nenyika negungwa+ nezvitubu zvemvura.”  Imwe ngirozi yechipiri yakatevera ichiti: “Rawa! Bhabhironi Guru+ rawa,+ iro rakaita kuti marudzi ese anwe waini yechishuwo charo chisingadzorwi chekuita upombwe!”*+  Imwe ngirozi yechitatu yakadzitevera ichiti nenzwi guru: “Kana munhu akanamata chikara+ nemufananidzo wacho uye akaiswa chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake,+ 10  achanwawo waini yekutsamwa kwaMwari iyo inodururwa isina kuvhenganiswa mukapu yehasha dzaMwari,+ uye achatambudzwa nemoto nesarufa+ pamberi pengirozi tsvene nepamberi peGwayana. 11  Utsi hwekutambudzwa kwavo hunoramba huchikwira nariini nariini.+ Uye vaya vanonamata chikara nemufananidzo wacho nevanhu vese vanoiswa chiratidzo chezita racho havana zororo siku nesikati.+ 12  Pano ndipo panoda kuti vatsvene vatsungirire,+ vaya vanochengeta mirayiro yaMwari uye vanoramba vachitenda+ muna Jesu.”* 13  Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora kuti: Vanofara vaya vanofa vari pamwe naShe+ kubvira panguva ino zvichienda mberi. Mweya unoti chokwadi ngavazorore pabasa ravo guru, nekuti vanobva vangoenda* nemabasa avo.” 14  Ndakabva ndaona gore jena, uye pagore racho painge pakagarwa neaiita semwanakomana wemunhu;+ mumusoro make maiva nekorona yegoridhe, muruoko rwake muine jeko rakapinza. 15  Imwe ngirozi yakabuda munzvimbo tsvene yetemberi, ichishevedzera nenzwi guru kune uya akanga agere pagore ichiti: “Tora jeko rako ukohwe, nekuti nguva yekukohwa yasvika, nekuti zvirimwa zvepanyika zvanyatsoibva.”+ 16  Uya akanga agere pagore akabva atambanudzira jeko rake panyika, nyika ikakohwewa. 17  Munzvimbo tsvene yetemberi iri kudenga makabudazve imwe ngirozi uye yaivawo nejeko rakapinza. 18  Imwezve ngirozi yakabuda paatari, uye yaiva nesimba pamusoro pemoto. Yakashevedzera nenzwi guru kune iya yaiva nejeko rakapinza, ichiti: “Tambanudza jeko rako rakapinza ukohwe masumbu ari pamuzambiringa wepanyika, nekuti mazambiringa awo aibva.”+ 19  Ngirozi yacho yakatambanudzira jeko rayo panyika, ikacheka muzambiringa wepanyika ikaukanda muchisviniro chikuru chewaini chekutsamwa kwaMwari.+ 20  Chisviniro chacho chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chacho rikakwira zvekusvika mumatomu emabhiza, rikayerera kwechinhambwe chemastadhiya 1 600.*

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “ivo imhandara.”
Kana kuti “mumhepo; mudenga.”
Kana kuti “nemitauro.”
ChiGir., “awa.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiGir., “vaine kutenda kwaJesu.”
Kana kuti “nekuti vanoenda.”
Makiromita anenge 296. Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.