Bhuku raZvakazarurwa 6:1-17

  • Gwayana rinovhura zvisimbiso zvitanhatu zvekutanga (1-17)

    • Bhiza jena rakatasvwa naiye anokunda (1, 2)

    • Mutasvi webhiza rine ruvara rwakaita serimi remoto achabvisa runyararo (3, 4)

    • Mutasvi webhiza dema achaunza nzara (5, 6)

    • Mutasvi webhiza rakacheneruka anonzi Rufu (7, 8)

    • Pasi peatari pane vaya vakaurayiwa (9-11)

    • Kudengenyeka kwenyika kukuru (12-17)

6  Ndakaona Gwayana+ richivhura chisimbiso chekutanga pazvisimbiso* zvinomwe,+ uye ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chichiti nenzwi raitinhira semabhanan’ana: “Uya!”  Ndakaona bhiza jena,+ uye akanga akaritasva aiva neuta; akapiwa korona,+ uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.+  Parakavhura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu+ chechipiri chichiti: “Uya!”  Pakabva pabuda rimwe bhiza raiva neruvara rwakaita serimi remoto, uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa runyararo panyika kuti vanhu vaurayane, uye akapiwa bakatwa hombe.+  Parakavhura chisimbiso chechitatu,+ ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu+ chichiti: “Uya!” Ndakabva ndaona bhiza dema, uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake.  Ndakanzwa inzwi* raibva pakati pezvisikwa zvina richiti: “Rita* regorosi richaita dhinari,+ uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta emaorivhi uye waini.”+  Parakavhura chisimbiso chechina, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechina+ chichiti: “Uya!”  Ndakabva ndaona bhiza rakachenuruka, uye akanga akaritasva aiva nezita rekuti Rufu. Aiteverwa neGuva, riri pedyo naye.* Vakapiwa simba pachikamu chimwe chete chezvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu nenzara+ nedenda uye nezvikara zvepanyika.+  Parakavhura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi peatari+ paine mweya*+ yevaya vakaurayirwa shoko raMwari uye kupupura kwavakanga vaita.+ 10  Vakashevedzera nenzwi guru, vachiti: “Changamire Ishe mutsvene newechokwadi,+ mucharega kutonga uye kutsiva ropa redu pane vaya vanogara panyika kusvikira riini?”+ 11  Mumwe nemumwe wavo akabva apiwa nguo refu chena,+ uye vakaudzwa kuti vamboti mirei kusvikira nhamba yevamwe varanda, idzo hama dzavo dzakanga dzava kuda kuurayiwa sezvavakaitwa, yakwana.+ 12  Ndakaona richivhura chisimbiso chechitanhatu, uye pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru; zuva rakasviba semasaga akagadzirwa nemvere,* mwedzi ukatsvuka seropa,+ 13  nyeredzi dzekudenga dzikawira panyika semaonde asina kuibva anodonhera pasi panozunguzwa muonde nemhepo ine simba. 14  Denga rakabva raenda richiita segwaro riri kumonwa,+ uye makomo ese nezvitsuwa zvese zvakabviswa panzvimbo yazvo.+ 15  Madzimambo enyika nemakurukota, nevatungamiriri vehondo, nevapfumi, nevane simba, nevaranda vese, nevanhu vese vakasununguka vakabva vahwanda mumapako nemumatombo emumakomo.+ 16  Uye vanoramba vachiti kumakomo nekumatombo: “Tiwirei+ kuti tisaonekwa naiye agere pachigaro cheumambo+ uye kuti tisaona hasha dzeGwayana,+ 17  nekuti zuva guru rehasha dzavo rasvika,+ uye ndiani anokwanisa kumira?”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “raiita kunge inzwi.”
Kana kuti “neHadhesi, iri pedyo naye.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Hadhesi.”
Zvinoratidza sekuti pari kureva ropa ravo rakadururirwa paatari. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Panogona kunge pachireva mvere dzembudzi.