Bhuku raZvakazarurwa 6:1-17
-
Gwayana rinovhura zvisimbiso zvitanhatu zvekutanga (1-17)
6 Ndakaona Gwayana+ richivhura chisimbiso chekutanga pazvisimbiso* zvinomwe,+ uye ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chichiti nenzwi raitinhira semabhanan’ana: “Uya!”
2 Ndakaona bhiza jena,+ uye akanga akaritasva aiva neuta; akapiwa korona,+ uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.+
3 Parakavhura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu+ chechipiri chichiti: “Uya!”
4 Pakabva pabuda rimwe bhiza raiva neruvara rwakaita serimi remoto, uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa runyararo panyika kuti vanhu vaurayane, uye akapiwa bakatwa hombe.+
5 Parakavhura chisimbiso chechitatu,+ ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu+ chichiti: “Uya!” Ndakabva ndaona bhiza dema, uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake.
6 Ndakanzwa inzwi* raibva pakati pezvisikwa zvina richiti: “Rita* regorosi richaita dhinari,+ uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta emaorivhi uye waini.”+
7 Parakavhura chisimbiso chechina, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechina+ chichiti: “Uya!”
8 Ndakabva ndaona bhiza rakachenuruka, uye akanga akaritasva aiva nezita rekuti Rufu. Aiteverwa neGuva, riri pedyo naye.* Vakapiwa simba pachikamu chimwe chete chezvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu nenzara+ nedenda uye nezvikara zvepanyika.+
9 Parakavhura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi peatari+ paine mweya*+ yevaya vakaurayirwa shoko raMwari uye kupupura kwavakanga vaita.+
10 Vakashevedzera nenzwi guru, vachiti: “Changamire Ishe mutsvene newechokwadi,+ mucharega kutonga uye kutsiva ropa redu pane vaya vanogara panyika kusvikira riini?”+
11 Mumwe nemumwe wavo akabva apiwa nguo refu chena,+ uye vakaudzwa kuti vamboti mirei kusvikira nhamba yevamwe varanda, idzo hama dzavo dzakanga dzava kuda kuurayiwa sezvavakaitwa, yakwana.+
12 Ndakaona richivhura chisimbiso chechitanhatu, uye pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru; zuva rakasviba semasaga akagadzirwa nemvere,* mwedzi ukatsvuka seropa,+
13 nyeredzi dzekudenga dzikawira panyika semaonde asina kuibva anodonhera pasi panozunguzwa muonde nemhepo ine simba.
14 Denga rakabva raenda richiita segwaro riri kumonwa,+ uye makomo ese nezvitsuwa zvese zvakabviswa panzvimbo yazvo.+
15 Madzimambo enyika nemakurukota, nevatungamiriri vehondo, nevapfumi, nevane simba, nevaranda vese, nevanhu vese vakasununguka vakabva vahwanda mumapako nemumatombo emumakomo.+
16 Uye vanoramba vachiti kumakomo nekumatombo: “Tiwirei+ kuti tisaonekwa naiye agere pachigaro cheumambo+ uye kuti tisaona hasha dzeGwayana,+
17 nekuti zuva guru rehasha dzavo rasvika,+ uye ndiani anokwanisa kumira?”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “raiita kunge inzwi.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “neHadhesi, iri pedyo naye.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Hadhesi.”
^ Zvinoratidza sekuti pari kureva ropa ravo rakadururirwa paatari. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Panogona kunge pachireva mvere dzembudzi.