Bhuku raZvakazarurwa 10:1-11

  • Ngirozi yakasimba ine gwaro diki (1-7)

    • “Nguva yekumirira yapera” (6)

    • Chakavanzika chitsvene chichapedziswa (7)

  • Johani anodya gwaro diki (8-11)

10  Zvino ndakaona imwe ngirozi yakasimba ichiburuka kudenga, yakashonga gore,* iine muraraungu mumusoro, uye chiso chayo chakanga chakaita sezuva,+ makumbo ayo akaita* sembiru dzemoto,  uye muruoko rwayo maiva negwaro* diki rainge ravhurwa. Yakaisa tsoka yayo yekurudyi mugungwa, uye yekuruboshwe panyika,  uye yakashevedzera nenzwi guru sezvinoita shumba painodzvova.+ Payakashevedzera, mabhanan’ana manomwe+ akabva ataura.  Pakataura mabhanan’ana manomwe, ndakanga ndava kutoda kunyora, asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga+ richiti: “Usataura zvinhu zvataurwa nemabhanan’ana manomwe, uye usazvinyora.”  Ngirozi yandakaona yakatsika mugungwa nepanyika yakasimudzira ruoko rwayo rwerudyi kudenga,  uye yakapika naiye anorarama nariini nariini,+ akasika denga nezvinhu zviri mariri nenyika nezvinhu zviri mairi negungwa nezvinhu zviri mariri, ichiti:+ “Nguva yekumirira yapera.  Asi mumazuva anenge ava kuda kuridzwa bhosvo+ nengirozi yechinomwe+, chakavanzika chitsvene*+ icho chakaziviswa naMwari semashoko akanaka kuvaranda vake ivo vaprofita+ chichatopedziswa.”  Ndakabva ndanzwa inzwi kudenga+ richitaurazve neni richiti: “Enda unotora gwaro rakavhurika riri muruoko rwengirozi yakatsika mugungwa nepanyika.”+  Ndakaenda kungirozi yacho ndikaiudza kuti indipe gwaro racho diki. Yakabva yati kwandiri: “Ritore uridye rese,+ uye richaita kuti mudumbu mako muvave, asi richatapira seuchi mukanwa mako.” 10  Ndakatora gwaro racho diki muruoko rwengirozi, ndikaridya,+ uye raitapira seuchi mukanwa mangu,+ asi pandakanga ndaridya, mudumbu mangu makavava. 11  Ndakabva ndaudzwa kuti: “Unofanira kuprofitazve pamusoro pevanhu nemarudzi nendimi* nemadzimambo mazhinji.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “yakaputirwa negore.”
ChiGir., “tsoka dzayo dzakaita.”
Kana kuti “nemitauro.”