Bhuku raZvakazarurwa 10:1-11
10 Zvino ndakaona imwe ngirozi yakasimba ichiburuka kudenga, yakashonga gore,* iine muraraungu mumusoro, uye chiso chayo chakanga chakaita sezuva,+ makumbo ayo akaita* sembiru dzemoto,
2 uye muruoko rwayo maiva negwaro* diki rainge ravhurwa. Yakaisa tsoka yayo yekurudyi mugungwa, uye yekuruboshwe panyika,
3 uye yakashevedzera nenzwi guru sezvinoita shumba painodzvova.+ Payakashevedzera, mabhanan’ana manomwe+ akabva ataura.
4 Pakataura mabhanan’ana manomwe, ndakanga ndava kutoda kunyora, asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga+ richiti: “Usataura zvinhu zvataurwa nemabhanan’ana manomwe, uye usazvinyora.”
5 Ngirozi yandakaona yakatsika mugungwa nepanyika yakasimudzira ruoko rwayo rwerudyi kudenga,
6 uye yakapika naiye anorarama nariini nariini,+ akasika denga nezvinhu zviri mariri nenyika nezvinhu zviri mairi negungwa nezvinhu zviri mariri, ichiti:+ “Nguva yekumirira yapera.
7 Asi mumazuva anenge ava kuda kuridzwa bhosvo+ nengirozi yechinomwe+, chakavanzika chitsvene*+ icho chakaziviswa naMwari semashoko akanaka kuvaranda vake ivo vaprofita+ chichatopedziswa.”
8 Ndakabva ndanzwa inzwi kudenga+ richitaurazve neni richiti: “Enda unotora gwaro rakavhurika riri muruoko rwengirozi yakatsika mugungwa nepanyika.”+
9 Ndakaenda kungirozi yacho ndikaiudza kuti indipe gwaro racho diki. Yakabva yati kwandiri: “Ritore uridye rese,+ uye richaita kuti mudumbu mako muvave, asi richatapira seuchi mukanwa mako.”
10 Ndakatora gwaro racho diki muruoko rwengirozi, ndikaridya,+ uye raitapira seuchi mukanwa mangu,+ asi pandakanga ndaridya, mudumbu mangu makavava.
11 Ndakabva ndaudzwa kuti: “Unofanira kuprofitazve pamusoro pevanhu nemarudzi nendimi* nemadzimambo mazhinji.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “yakaputirwa negore.”
^ ChiGir., “tsoka dzayo dzakaita.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemitauro.”