Bhuku raZvakazarurwa 1:1-20

  • Zvakazarurwa naMwari, zvaakazivisa achishandisa Jesu (1-3)

  • Kukwazisa ungano nomwe (4-8)

    • “Ndini Arufa naOmega” (8)

  • Johani anofemerwa ova muzuva raShe (9-11)

  • Kuratidzwa Jesu akudzwa (12-20)

1  Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,+ kuti aratidze varanda vake+ zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika. Akatuma ngirozi yake, ikazvipa muranda wake Johani ichiita zvekumuratidza,+  uyo akapupura shoko rakabva kuna Mwari neuchapupu hwakapiwa naJesu Kristu, izvo zvinhu zvese zvaakaona.  Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko euprofita uhwu uye vanoita zvinhu zvakanyorwa mahuri,+ nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo.  Ini Johani, ndiri kunyorera ungano nomwe+ dziri munharaunda yeEzhiya ndichiti: Ivai nenyasha nerugare zvinobva kuna “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya,”+ uye zvinobva kumweya minomwe+ iri pamberi pechigaro chake cheumambo,  uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ uye “Mutongi wemadzimambo enyika.”+ Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake,+  iye akaita kuti tive umambo+ nevapristi+ kuna Mwari wake uye Baba vake, chokwadi kwaari ngakuve nekukudzwa nesimba nekusingaperi. Ameni.  Onai! Ari kuuya nemakore,+ uye maziso ese achamuona, nevaya vakamubaya; uye madzinza ese epanyika achazvirova achishungurudzika nekuda kwake.+ Ichi ichokwadi. Ameni.  “Ndini Arufa naOmega,”*+ anodaro Jehovha* Mwari, “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya, Wemasimbaose.”+  Ini Johani, hama yenyu inotambudzika pamwe chete nemi,+ uye inogoverana nemi muumambo+ nepakutsungirira+ pamwe chete naJesu,+ ndaiva pachitsuwa chinonzi Patmosi nemhaka yekutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu. 10  Ndakafemerwa ndikava muzuva raShe uye ndakanzwa inzwi rakasimba shure kwangu raiita sebhosvo, 11  richiti: “Nyora mugwaro* zvaunoona uzvitumire kuungano nomwe: yemuEfeso,+ yemuSimina,+ yemuPegamo,+ yemuTiyatira,+ yemuSadhisi,+ yemuFiradhefiya,+ uye yemuRaodhikiya.”+ 12  Ndakatendeuka kuti ndione aitaura neni; pandakatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe,+ 13  uye pakati pezvigadziko zvacho paiva neakanga akaita semwanakomana wemunhu,+ ainge akapfeka nguo yaisvika kutsoka, akasunga bhandi regoridhe pachipfuva. 14  Uyewo musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena semvere dzemakwai, zvakachena sechando, uye maziso ake akanga akaita serimi remoto,+ 15  tsoka dzake dzakanga dzakaita semhangura yakanaka+ inenge ichipenya muchoto, uye inzwi rake raiita semvura zhinji iri kutinhira. 16  Aiva nenyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi,+ uye mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza, rinocheka nekwese,+ uye chiso chake chakanga chakaita sezuva parinenge richipenya kusvika pekupedzisira.+ 17  Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake semunhu afa. Akabva andibata neruoko rwake rwerudyi akati: “Usatya. Ndini Wekutanga+ neWekupedzisira,+ 18  uye mupenyu;+ ndakambofa,+ asi iye zvino ndiri mupenyu uye ndicharamba ndiri mupenyu nariini nariini,+ uye ndine kiyi dzerufu neGuva.*+ 19  Saka nyora zvinhu zvawaona, uye zvinhu zviripo, nezvinhu zvichaitika pashure peizvi. 20  Kana chiri chakavanzika chitsvene* chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe: Nyeredzi nomwe ingirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe iungano nomwe.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.
Kana kuti “Hadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.