Bhuku raZvakazarurwa 1:1-20
1 Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,+ kuti aratidze varanda vake+ zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika. Akatuma ngirozi yake, ikazvipa muranda wake Johani ichiita zvekumuratidza,+
2 uyo akapupura shoko rakabva kuna Mwari neuchapupu hwakapiwa naJesu Kristu, izvo zvinhu zvese zvaakaona.
3 Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko euprofita uhwu uye vanoita zvinhu zvakanyorwa mahuri,+ nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo.
4 Ini Johani, ndiri kunyorera ungano nomwe+ dziri munharaunda yeEzhiya ndichiti:
Ivai nenyasha nerugare zvinobva kuna “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya,”+ uye zvinobva kumweya minomwe+ iri pamberi pechigaro chake cheumambo,
5 uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ uye “Mutongi wemadzimambo enyika.”+
Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake,+
6 iye akaita kuti tive umambo+ nevapristi+ kuna Mwari wake uye Baba vake, chokwadi kwaari ngakuve nekukudzwa nesimba nekusingaperi. Ameni.
7 Onai! Ari kuuya nemakore,+ uye maziso ese achamuona, nevaya vakamubaya; uye madzinza ese epanyika achazvirova achishungurudzika nekuda kwake.+ Ichi ichokwadi. Ameni.
8 “Ndini Arufa naOmega,”*+ anodaro Jehovha* Mwari, “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya, Wemasimbaose.”+
9 Ini Johani, hama yenyu inotambudzika pamwe chete nemi,+ uye inogoverana nemi muumambo+ nepakutsungirira+ pamwe chete naJesu,+ ndaiva pachitsuwa chinonzi Patmosi nemhaka yekutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu.
10 Ndakafemerwa ndikava muzuva raShe uye ndakanzwa inzwi rakasimba shure kwangu raiita sebhosvo,
11 richiti: “Nyora mugwaro* zvaunoona uzvitumire kuungano nomwe: yemuEfeso,+ yemuSimina,+ yemuPegamo,+ yemuTiyatira,+ yemuSadhisi,+ yemuFiradhefiya,+ uye yemuRaodhikiya.”+
12 Ndakatendeuka kuti ndione aitaura neni; pandakatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe,+
13 uye pakati pezvigadziko zvacho paiva neakanga akaita semwanakomana wemunhu,+ ainge akapfeka nguo yaisvika kutsoka, akasunga bhandi regoridhe pachipfuva.
14 Uyewo musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena semvere dzemakwai, zvakachena sechando, uye maziso ake akanga akaita serimi remoto,+
15 tsoka dzake dzakanga dzakaita semhangura yakanaka+ inenge ichipenya muchoto, uye inzwi rake raiita semvura zhinji iri kutinhira.
16 Aiva nenyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi,+ uye mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza, rinocheka nekwese,+ uye chiso chake chakanga chakaita sezuva parinenge richipenya kusvika pekupedzisira.+
17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake semunhu afa.
Akabva andibata neruoko rwake rwerudyi akati: “Usatya. Ndini Wekutanga+ neWekupedzisira,+
18 uye mupenyu;+ ndakambofa,+ asi iye zvino ndiri mupenyu uye ndicharamba ndiri mupenyu nariini nariini,+ uye ndine kiyi dzerufu neGuva.*+
19 Saka nyora zvinhu zvawaona, uye zvinhu zviripo, nezvinhu zvichaitika pashure peizvi.
20 Kana chiri chakavanzika chitsvene* chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe: Nyeredzi nomwe ingirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe iungano nomwe.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Hadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.