Revhitiko 19:1-37

  • Mitemo yakasiyana-siyana nezvekuva vatsvene (1-37)

    • Makohwero anofanira kuitwa (9, 10)

    • Kufunga nezvematsi uye mapofu (14)

    • Kutaura zvenhema nezvevamwe (16)

    • Usachengeta chigumbu (18)

    • Kurambidzwa kuita zvemashiripiti uye zvemasvikiro (26, 31)

    • Kuzvicheka-cheka uchizvinyora kunorambidzwa (28)

    • Kuremekedza vakwegura (32)

    • Mabatiro anofanira kuitwa vatorwa (33, 34)

19  Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:  “Taura neungano yese yevaIsraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini, Jehovha Mwari wenyu, ndiri mutsvene.+  “‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuremekedza* amai vake nababa vake,+ uye munofanira kuchengeta masabata angu.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.  Musaenda kuna vanamwari vasina zvavanobatsira,+ kana kuzvigadzirira vanamwari vesimbi.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.  “‘Kana mukabayira chibayiro cherugare kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe.+  Chinofanira kudyiwa pazuva ramunochibayira nepazuva rinotevera racho, asi zvinosara kusvikira pazuva rechitatu zvinofanira kupiswa nemoto.+  Asi kana chikangodyiwa pazuva rechitatu, chinenge chava chinhu chinosemesa zvekuti hachizogamuchirwi.  Munhu anochidya achazvidavirira kutadza kwake nekuti asvibisa chinhu chitsvene chaJehovha, uye munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*  “‘Pamunenge muchikohwa goho remunyika yenyu, hamufaniri kukohwa muchipedzeredza zvinhu zviri kumucheto kweminda yenyu uye hamufaniri kunhonga zvinosaririra pamunokohwa.+ 10  Hamufaniriwo kuunganidza zvinosara muminda yenyu yemizambiringa, kana kunhonga mazambiringa anenge akadonha muminda yenyu yemizambiringa. Munofanira kuzvisiyira varombo*+ nevatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. 11  “‘Musaba,+ musanyengera,+ uye ngaparege kuva nemunhu anonyengedza mumwe wake. 12  Musapika zvenhema nezita rangu,+ mosvibisa zita raMwari wenyu. Ndini Jehovha. 13  Usabiridzira mumwe wako,+ uye usapamba zvinhu zvemunhu.+ Haufaniri kurara usina kubhadhara munhu wemaricho kusvikira mangwanani.+ 14  “‘Usatuka matsi kana kuisa chinopiringisha pamberi pebofu,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ Ndini Jehovha. 15  “‘Musatonga zvisina kururama. Usasarura murombo kana kuitira tsvete mupfumi.+ Unofanira kutonga mumwe wako zvakarurama. 16  “‘Usafamba-famba pakati pevanhu vako uchitaura zvenhema nezvevamwe.*+ Usatsvaga kudeurisa ropa remumwe wako.*+ Ndini Jehovha. 17  “‘Usavenga hama yako mumwoyo mako.+ Usatomborega kutsiura mumwe wako,+ kuti urege kuva nechivi saiye. 18  “‘Usatsiva+ kana kuchengetera chigumbu vanakomana vevanhu vekwako, ida muvakidzani wako sezvaunozviita.+ Ndini Jehovha. 19  “‘Unofanira kuchengeta mirau yangu: Usaita kuti zvipfuwo zvemhando dzakasiyana zviberekesane. Usadyara mbeu dzemarudzi maviri mumunda mako,+ uye usapfeka chipfeko chine shinda dzemarudzi maviri dzakasanganiswa.+ 20  “‘Kana murume akatora mukadzi, orara naye, mukadzi wacho ari muranda akavimbiswa kuroorwa nemumwe murume, asi iye asati adzikinurwa kana kupiwa rusununguko, ngavarangwe. Asi havafaniri kuurayiwa, nekuti akanga asati asunungurwa. 21  Murume wacho anofanira kuuya kuna Jehovha kusuo retende rekusanganira nechibayiro chake chemhosva, iro gondohwe rechibayiro chemhosva.+ 22  Mupristi achamuyananisira chivi chake achishandisa gondohwe rechibayiro chemhosva pamberi paJehovha, uye achakanganwirwa chivi chaakaita. 23  “‘Paunosvika munyika wodyara muti wemuchero, unofanira kuona zvibereko zvawo sezvisina kuchena uye sezvinorambidzwa.* Uchaurambidzwa* kwemakore matatu. Haufaniri kudyiwa. 24  Asi mugore rechina michero yawo yese ichava mitsvene, uye iyi ichava nguva yekufara pamberi paJehovha.+ 25  Mugore rechishanu ndimo maunozokwanisa kudya hako michero yawo kuti goho rako riwedzere. Ndini Jehovha Mwari wako. 26  “‘Hamufaniri kudya chinhu chine ropa.+ “‘Musatenda mashura kana kuita zvemashiripiti.+ 27  “‘Musaveura* bvudzi riri kumativi emisoro yenyu kana kushatisa munogumira ndebvu dzenyu.+ 28  “‘Musacheka-cheka miviri yenyu kana munhu afa,*+ uye musazvicheka muchizvinyora miviri yenyu. Ndini Jehovha. 29  “‘Usasvibisa mwanasikana wako nekumuita pfambi,+ kuti nyika irege kuita zvechipfambi, yozara netsika dzakafumuka.+ 30  “‘Munofanira kuchengeta masabata angu,+ uye munofanira kuremekedza* nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha. 31  “‘Musaenda kumasvikiro,+ uye musabvunza vafemberi,+ kuti musvibiswe navo. Ndini Jehovha Mwari wenyu. 32  “‘Unofanira kusimukira achena bvudzi,+ uye unofanira kuremekedza munhu akwegura,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ Ndini Jehovha. 33  “‘Kana mutorwa achigara nemi munyika yenyu, musamubata zvakaipa.+ 34  Mutorwa anogara newe ngaave sechizvarwa chemunyika yenyu;+ uye unofanira kumuda sezvaunozviita, nekuti iwe waimbova mutorwa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu. 35  “‘Musashandisa zviyero zvekubiridzira pakuyera urefu, uremu, kana kuti uwandu hwezvinhu.+ 36  Munofanira kushandisa zvikero zvakarurama, matombo epachikero akarurama, efa yakarurama* nehini yakarurama.*+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti. 37  Saka munofanira kuchengeta mirau yangu yese nemitongo yangu yese, uye munofanira kuitevedzera.+ Ndini Jehovha.’”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kutya.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “vanotambura.”
Kureva, kutaura mashoko ekusvibisa zita remumwe munhu.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Haufaniri kungosiya mumwe wako achifa wakatarisa.”
ChiHeb., “sechikanda chawo chepamberi.”
ChiHeb., “Hauna kuchecheudzwa.”
Kana kuti “Musadimburira; Musagera.”
Kana kuti “mweya ukafa.”
ChiHeb., “kutya.”
Kana kuti “chiyero chakarurama chezvinhu zvakaoma.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “chiyero chakarurama chezvinhu zvakaita mvura mvura.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.